Shona

Isaiah

3

1nekuti tarirai, Ishe, Jehovha wehondo anotorera Jerusaremu naJudha mutsigiro nomudonzvo, mutsigiro wose wezvokudya, nomutsigiro wose wemvura;2munhu wemhare, nomunhu wehondo; mutongi, nomuporofita, nomuvuki, nomukuru;3mukuru wamakumi mashanu, nowanokudzwa, namakurukota, nemhizha dzakachenjera, nomuvuki anoziva.4Ndichavapa vakomana nhubu vave machinda avo, navacheche vachatonga pamusoro pavo .5Vanhu vachamanikidzwa, mumwe achimanikidza mumwe, nomumwe nomumwe nowokwake; mwana achava namanyawi kuna vakuru, nowakazvidzwa kunowanokudzwa.6Musi uyo munhu achabata munin'ina wake mumba mababa vake, achiti, Iwe une nguvo, chiva mutongi wedu; kuparadzwa uku ngakugadzirwe noruoko rwako.7Zvino nezuva iro achadanidzira, achiti, Handidi kuva n'anga, nekuti mumba mangu hamune zvokudya nezvokufuka; musandiita mutongi wavanhu.8nekuti Jerusaremu raparadzwa, Judha wawa; nekuti marimi avo namabasa avo anopesana naJehovha, kutsamwisa meso ake anokubwinya.9Zvinoonekwa paziso ravo zvinovapupurira; zvivi zvavo vanozvibudisa pachena seSodhoma; havazvivanzi. Mweya yavo ine nhamo, nekuti vakazviitira zvakaipa.10Iti pamusoro powakarurama, kuti achava nomufaro; nekuti vachadya zvibereko zvamabasa avo.11Wakaipa ane nhamo ! Iye haangavi nomufaro, nekuti achapiwa mubayiro wamaoko ake.12Kana vari vanhu vangu, vana ndivo vamanikidzi vavo, vakadzi vanovabata ushe. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiriri venyu vanokutadzisai, ndivo vanoparadza nzira dzamaifanira kufamba nadzo.13Jehovha asimuka kutamba mhaka; amire kuti atonge vanhu.14Jehovha achatonga vakuru vavanhu vake namachinda avo, achiti, Ndimi mapedza munda wemizambiringa; zvakapambwa zvavarombo zviri mudzimba dzenyu.15Munoiteiko zvamunopwanya vanhu vangu, muchikuya zviso zvavarombo? Ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.16Uyezve Jehovha akati, Vakunda veZiyoni zvavana manyawi, vachifamba nemitsipa yakati tasa, vachiita mesomeso, vachifamba vachinzenzeta, zviri pamakumbo avo zvichiti ngwerengwere,17naizvozvo Ishe acharova nhongonya dzemisoro yavakunda vaZiyoni negwenyu-kwenyu, Jehovha achafukura miviri yavo.18Nezuva iro Ishe achabvisa ukomba hwamakumbo avo, nezvizuva nezvimwedzi;19nezvinoremberedzwa, noungetani hwamaoko, nezvifukidzo;20nezvishongo zvomusoro, noungetani hwamakumbo, nezvisungo, nezvitende zvezvinonhuhwira, namazango;21nezvimhete, noukomba bwemhino;22nenguvo dzomutambo, nezvijasi, nezvijari, nezvikwama;23nezviwoni-woni zvamaoko, nomucheka wakaisvonakal nemicheka yomusoro, nezvifukidzo zvameso.24Zvino zvichaitika kuti panzvimbo yezvinonhuhwira pachava nezvinonhuwa; panzvimbo yevhudzi rakarukwa zvakanaka, pachava nemhanza; panzvimbo yenguvo yakaisvonaka, pachava nechisimiro chegudza; nokupiswa kouranda panzvimbo yokunaka.25Varume venyu vachaparadzwa nomunondo, nemhare dzenyu pakurwa.26Masuwo aro achachema nokurira; richaitwa dongo ndokugara pasi.