1Nezuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe, vachiti, Tichadya zvokudya zvedu, tichafuka zvokufuka zvedu; tinongoda kudamwa zita rako chete; bvisa kunyadzwa kwedu.2Nezuva iro bukira raJehovha richanaka nokubwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava zvakaisvonaka nezvinorumbidzwa kuna vakapukunyuka valsiraeri.3Vakasiiwa paZiyoni, navakasara paJerusaremu, ivo vachanzi vatsvene, ani naani akanyorwa pakati pavapenyu muJerusaremu;4kana Ishe ashambidza tsvina yavakunda veZiyoni, anatsa ropa reJerusaremu achiribvisa mukati maro, nomweya wokururamisa uye nomweya wokupisa.5Zvino Jehovha achasvika pamusoro peimba imwe neimwe pagomo reZiyoni, napamusoro peungano dzaro, gore noutsi masikati, nokupenya komoto unopfuta usiku; nekuti pachava nechifukidzo pamusoro pokubwinya kose.6Kuchavapo netende, richava mumvuri masikati kana zuva richipisa, noutiziro nechivando kana pane dutu nemvura.