Shona

Isaiah

21

1Chirevo pamusoro perenje regungwa. Zvinobva kurenje, kunyika inotyisa, sezvamupupuri zvinopfuura kurutivi rweZasi.2Ndaratidzwa chiratidzo chinochemedza; munyengeri anoita nokunyengera, nomuparadzi anoparadza. Simuka iwe Erami, komba, iwe Medhia; ndagumisa kugomera kwavo kose.3Saka zviuno zvangu zvizere nokurwadziwa; ndabatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa komukadzi unosununguka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavhunduswa, saka handigoni kuona,4moyo wangu une dzungu, ndavhunduswa nezvinotyisa; rubvunzavaeni rwandaida rwashanduka chinhu chinondidederesa.5Vanogadzira tafura, vanoisa varindi, vanodya, vanomwa. Simukai, imwi machinda, muzodze nhovo.6nekuti hezvi zvandaudzwa naShe, Enda, undoisa murindi; ngaareve zvaanoona;7zvino kana achiona boka, navatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri, neboka rembongoro, neboka ramakamera, ngaateerere zvakanaka-naka.8Iye akadanidzira seshumba, achiti, Ishe, ndimire nguva dzose masikati pashongwe yokurinda, nousiku hwose ndimire panzvimbo yangu;9zvino tarirai, kouya boka ravanhu, vatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri. Akapindura, akati, Bhabhironi rawa, rawa; mifananidzo yake yose yakavezwa yavamwari vavo yaputsikira pasi.10Haiwa, vanhu vangu vakapurwa, zviyo zveburiro rangu, zvandakanzwa kuna Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ndizvo zvandakakuzivisai.11Chireve pamusoro peDhuma. Mumwe anondidana, ari paSeiri, achiti, Nhai, murindi, inguva ipi yousiku?12Murindi ndokuti, Mambakwedza osvika, nousikuwo. Kana muchida kubvunza, bvunzai; dzokai, uyai.13Chirevo pamusoro peArabhia. Musango reArabhia ndimo mamuchavata, imwi mapoka avafambi veDhedhani.14Vigirai ane nyota mvura! Vagere panyika yeTema vakachingamidza vatizi nechingwa chavo.15nekuti vakanga vachitiza minondo, minondo yakavhomorwa, nouta hwakakungwa, nokumanikidzwa kokurwa.16nekuti hezvi zvandakaudzwa naJehovha, Gore risati rapera, samakore omunhu anobatira mubayiro, mbiri yose yeKedhari ichapera.17Vakasara veboka ravanofura nouta, ivo vanhu vane simba vavana veKedhari, vachava vashoma; nekuti Jehovha, Mwari waIsiraeri, akazvitaura.