Shona

Isaiah

22

1Chirevo pamusoro pomupata wezvakaonekwa. Unonzweiko, zvawakwira navanhu vako vose pamatenga edzimba?2Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rine bope, musha unomufaro; vakaurawa vako havana kuurawa nomunondo, havana kufira pakurwa.3vabati vako vose vakatiza pamwechete, vakasungwa vasina uta; vose vako, vakawanikwa, vakasungwa pamwechete; vakatizira kure.4Naizvozvo ndakati, Regai kunditarira, ndinoda kuchema kwazvo; musaramba muchiedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa komukunda wavanhu vangu.5nekuti izuva rokuvhundusa, nerokutsikira pasi, nerokukanganisa, zvinobva kuna She, Jehovha wehondo, pamupata wokuratidzwa; rokukoromorwa kwamasvingo, nerokudanidzira kumakomo.6Erami akabata goba, pamwechete namapoka avanhu navatasvi vamabhiza, Kiri akafudugura nhovo.7Ipapo mipata yenyu yakaisvonaka yakazara nengoro, navatasvi vamabhiza vakazvigadzirira kurwa pasuwo.8Vakabvisa chifukidziro chaJudha; nezuva iro mukatarira nhumbi dzokurwa muimba yomudondo.9Mukaona pakakoromoka paguta raDhavhidhi, kuti pakanga pari pazhinji, mukachingidzira mvura yedziva rezasi;10mukaverenga dzimba dzeJerusaremu, mukakoromora dzimba kuti musimbise rusvingo;11mukaitawo gungwa pakati pamasvingo maviri rokuchingidzira mvura yedziva rakare. Asi hamuna kutarira iye akazviita, makanga musine hanya naiye akazvifunga kare.12Zvino nezuva iro Ishe, Jehovha wehondo, akakudanirai kumisodzi, nokukuchema, nokukuveurwa mhanza, nokukufuka makudza;13asi tarirai, makava nomufaro nokupembera, nokubayiwa kwemombe, nokushinjiwa kwamakwai, nokudyiwa kwenyama nokumwiwa kwewaini, muchiti, Ngatidye, ngatimwe, nekuti mangwana tinofa.14Asi Jehovha wehondo wakazvizivisa munzeve dzangu, akati, Zvirokwazvo, hamungakangamwirwi zvakaipa izvi, kusvikira pakufa kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.15Zvanzi naShe, Jehovha wehondo, Enda kumuchengeti uyu wefuma, kuna Shebhina, unotarira imba yamambo, uti,16Unobateiko pano? Unaniko pano, zvawazvivezera guva pano? Semunhu anozvivezera guva pakakwirira, anozvicherera ugaro hwake padombo!17Tarira, Jehovha, achakurasira kure nesimba somurume; zvirokwazvo, achakupeta-peta.18Zvirokwazvo achakupomba-pomba, ndokukukandira sehurungudo munyika yakapamhamha; ndipo pauchafira, ndipo pachava nengoro dzembiri yako, iwe munyadzi weimba yatenzi wako.19Ndichakudzinga pabasa rako, iye uchakukwevera pasi ubve panzvimbo yako.20Zvino nezuva iro ndichadana muranda wangu Eriakimi, mwanakomana waHirikia;21ndichamufukidza nguvo yako, nokumusimbisa nebhanhire rako, ndigoisa ushe hwako muruoko rwake; iye achava baba kuna vagere Jerusaremu, nokuimba yaJudha.22Ndichaisa kiyi yeimba yaDhavhidhi pafudzi rake; iye achazarura, hapana angazarira, iye achazarira, hapana angazarura.23Ndichamurovera pakasimba sembambo; achava chigaro chinokudzwa paimba yababa vake.24Vachaturika paari kukudzwa kose kweimba yababa vake, matavi namabukira, nemidziyo yose miduku, kubvira pamikombe kusvikira pamakate.25Nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, mbambo yakanga yaroverwa pakasimba, ichabva; ichatemwa, ndokuwira pasi; nomutoro wakange wakaturikwa pairi, uchatemwa; nekuti Jehovha akataura izvozvo.