Shona

Isaiah

23

1Chirevo pamusoro peTire. Chemai, imi, zvikepe zveTarishishi; nekuti raparadzwa, hapachine imba, kana pangapindwapo; vakaratidzwa izvozvo vari panyika yeKitimi.2imwi mugere pamahombekombe egungwa, nyararai, iyemi maifumiswa navatengesi veSidhoni, vanofamba negungwa.3fuma yaro zvaiva zviyo zveShihori, zvibereko zveNairi, paitengeswa zvose zvamarudzi avanhu.4Nyara, iwe Sidhoni, nekuti gungwa rataura, nenhare yegungwa, richiti, Handina kurwadziwa, handina kubereka, handina kurera majaya, kana kukurisa mhandara.5Kana shoko richisvika Egipita, vachava neshungu kwazvo pamusoro peshoko reTire.6Yambukirai Tarishishi; chemai imwi mugere pamahombekombe egungwa.7Gara ndiro guta renyu raifara, raivapo kubva kare nakare, raiiswa kurekure netsoka dzaro, kundogarako?8Ndianiko akafungira Tire izvozvo, iro raipavhurira korona, vatengesi varo vaiva machinda, navashambadziri varo vaiva vanokudzwa panyika?9Jehovha wehondo ndiye akazvifunga, kuti amhure kuzvikudza kwezvose zvinokudzwa, nokuzvidza vose vanokudzwa panyika.10Pararira panyika yako seNairi, iwe mukunda weTarishishi; hakuchine bhanhire rinokusunga.11Akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, akazunungusa ushe; Jehovha akaraira pamusoro peKanani, kuti nhare dzayo dziparadzwe.12Akati, Hauchazofari, iwe mukunda weSidhoni, mhandara yakamanikidzwa; simuka, uyambukire Kitimi; naikoko haungawani zororo.13Tarirai nyika yavaKaradhea; rudzi urwo haruchipo; vaAsiria vakaiita nyika yezvikara zverenje; vakamisa shongwe dzavo, vakawisa dzimba dzoushe dzaivamo, vakaiita dongo.14Chemai, imwi zvikepe zveTarishishi; nekuti nhare yenyu yaparadzwa.15Zvino nenguva iyo Tire richakanganikwa makore makumi manomwe, zvakaenzana namakore amambo mumwechete; kana makore makumi manomwe apera, Tire richaitirwa sezvinoimbwa parwiyo rwechifeve, runoti,16Iwe chifeve, wakanganikwa, tora mbira upote neguta; ridza zvakanaka, imba nziyo dzakanaka, kuti urangarirwe.17Zvino kana makore makumi manomwe apera, Jehovha achashanyira Tire, ipapo richadzokera kumubayiro waro, ndokufeva noushe hwose bwenyika huri pasi pose.18Zvarakashambadzira, nomubayiro waro, zvichava zvitvsene kuna Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa, nekuti zvarakashambadzira zvichava zvavanogara pamberi paJehovha, kuti vagute kwazvo, vafuke nguvo dzakanaka.