1Tarirai, Jehovha anobvisa zvose panyika nokuiparadza, nokuitsindikira, nokuparadzira vagere mairi.2Vanhu vachaitirwa zvinoitirwa mupristi, muranda zvinoitirwa tenzi wake, mushandiri zvinoitirwa vahosi vake, mutengi zvinoitirwa mutengesi, anopa chikwereti zvinoitirwa anokwereta, anoripa mhindu zvinoitirwa anoreva mhindu.3Nyika ichabvisirwa zvose zvayo, ichaparadzwa chose; nekuti Jehovha akataura shoko iro.4Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba.5Nyika yakasvibiswawo navagere mairi; nekuti vakadarika mirayiro, vakakanganisa mitemo, nokuputsa sungano isingaperi.6Saka kutuka kwaMwari kwapedza nyika, navageremo vava nemhosva; saka vagere munyika vapiswa, vangosara vanhu vashoma.7Waini itsva inochema, muzambiringa wapera simba, vose vanomoyo unofara vanogomera.8Kufara kwengoma konyarara, inzwi ravanofara ropera, mufaro wembira wopera.9Havangamwi waini vachiimba; zvinobata zvichavava kuna vanozvimwa.10Guta, rava dongo, rakoromorwa; dzimba dzose dzakapfigwa, kuti kurege kuva nomunhu angapindamo.11Kuchema kunonzwikwa panzira dzomumisha nokuda kwewaini; mufaro wose wasviba, kufara kwenyika kwaenda.12Muguta masara mangova dongo, suwo raputswa nokuparadzwa.13nekuti ndizvo zvazvichaita panyika pakati pamarudzi avanhu, zvichafanana nokuzuzwa komuorivhi, nezvakasara kana mazambiringa akohwiwa.14Ivo vachadanidzira, vachapururudza; nokuda koumambo hwaJehovha vanodanidzira vari pagungwa.15Saka rumbidzai Jehovha kumabvazuva, iro zita raJehovha, Mwari waIsiraeri, pazvitsuwa zvegungwa.16Takanzwa nziyo dzichiimbwa kumigumo yenyika, dzichiti, Vakarurama ngavakudzwe! Asi ini ndakati, Ndinoonda, ndinoonda, ndine nhamo! vanyepedzeri vakaita nokunyengera; zvirokwazvo, vanyepedzeri vakaita nokunyengera kukuru.17Kutya, negomba, nomusungo zvichakuwira, iwe ugere panyika.18Zvino, anotiza bope rokutyisa, achawira mugomba; anokwira achibva mukati megomba, achabatwa nomusungo; nekuti mahwindo okumusoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinodedera.19Nyika yaputswa-putswa chose, nyika yodedera chose, nyika yozununguswa chose.20Nyika ichadzedzereka somunhu akabatwa, ichadengenyeka sedumba; kudarika kwayo kuchairemedza kwazvo, ichawa, ikasasimukazve.21Zvino nezuva iro Jehovha acharova hondo yavakakudzwa vari kumusoro, namadzimambo enyika panyika.22Vachaunganidzwa pamwechete, sezvinounganidzwa vasungwa mugomba, vachapfigirwa mutirongo; zvino kana mazuva mazhinji apfuura vachashanyirwa.23Ipapo mwedzi uchanyadziswa, nezuva richanyara; nekuti Jehovha wehondo achabata ushe pagomo reZiyoni, napaJerusaremu, pamberi pavakuru vake pachava nokukudzwa.