1Jehovha, ndimi Mwari wangu! Ndicharumbidza zita renyu; no kuti makaita zvinoshamisa, izvo zvamakafunga kare nokutendeka nezvokwadi.2nekuti guta makariita dutu ramabwe, guta rakakombwa norusvingo makariita dongo, imba huru yavatorwa rirege kuva guta; haringatongovakwi.3Naizvozvo rudzi rukuru ruchakukudzai; guta ramarudzi avanhu vanotyisa richakutyai.4nekuti imwi maiva nhare yavarombo, nhare younoshaiwa pakutambudzika kwake, utiziro panguva yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuva, kana mhepo yavanotyisa ichiita semvura zhinji.5Muchaderedza bope ravatorwa, sezvinoita kupisa kwezuva panzvimbo yakaoma, rwiyo rwavanotyisa ruchaderedzwa, sezvinoitwa kupisa nomumvuri wegore.6Pagomo iri Jehovha wehondo achagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvimwa zvakanaka.7Pagomo iri uchaparadza chifukidziro chinofukidzira vanhu vose, nechidzitiro chakatasanurwa pamusoro pamarudzi ose.8Akaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha achapisika misodzi pazviso zvose; achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake panyika yose; nekuti Jehovha akataura izvozvo.9Nezuva iro vachati, Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye achatiponesa; uye ndiye Jehovha, takanga takamumirira, tichafara, nokufarira ruponeso rwake.10nekuti ruoko rwaJehovha ruchagara pagomo iri; Moabhi vachatsikwa pasi panzvimbo yavo, sezvinotsikwa mashanga mumvura iri mugomba romupfudze.11Achatambanudza maoko ake imomo, somunhu anotambanudza maoko ake kana achishambira; asi Jehovha achaderedza kuzvikudza kwake pamwechete nenjere dzamaoko ake.12Nhare yakakwirira yamasvingo enyu, wakaiwisira pasi, wakaideredza, wakaiputsira muvhu, imo muguruva.