Shona

Isaiah

26

1Nezuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa panyika yavaJudha: Tine guta rakasimba; iye achaisapo masvingo nenhare ruve ruponeso.2Zarurai masuwo, kuti rudzi rwakarurama, runochengeta chokwadi, rupinde.3Anae moyo wakasimba muchamuchengeta murugare rukuru, nekuti anovimba nemi.4Vimbai naJehovha nokusingaperi, iye Jehovha ndiye dombo nokusingaperi.5nekuti akaderedza vagere pakakwirira, iro guta riri kumusoro, anorideredza, anorideredza kusvikira pavhu; anoriputsira pasi muguruva.6Richatsikwa netsoka, idzo tsoka dzavarombo, nokutsika kwavanoshaiwa.7Nzira yavakarurama yakarurama; imwi munoruramisa nzira yavakarurama.8Zvirokwazvo, takakumirirai Jehovha, panzira yokutonga kwenyu; mweya yedu inoshuva zita renyu nechirangaridzo chenyu.9Ndakakushuvai nomweya wangu usiku; zvirokwazvo, ndichakutsvakai zvikuru nomweya wangu uri mukati mangu; nekuti kana kutonga kwenyu kuri panyika, vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.10Akaipa kunyange achinzwirwa tsitsi, haangadzidzi zvakarurama; achaita hake zvisakarurama panyika yakarurama, haangaoni umambo hwaJehovha.11Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, asi ivo havaoni; asi vachaona kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu, vakanyadziswa; zvirokwazvo moto uchapedza vavengi venyu.12Jehovha, imwi muchatigadzirira rugare; nekuti makatibatirawo mabasa edu ose.13Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akanga akatibata; asi ticharumbidza zita renyu tichibatsirwa nemwi moga.14Vakafa havangararamizve, vaparara, havazomukizve; saka makasvika kwavari, mukavaparadza, nokugumisa kurangarirwa kwavo kose.15Mawanza rudzi, Jehovha, mawanza rudzi; makurumbira, makurisa miganho yose yenyika.16Jehovha, vakakutsvakai panguva yokutambudzika; vakadurura munyengetero muchivaranga.17Mukadzi ane pamuviri, asvika pedo pakusununguka, sezvaanorwadziwa achichema pakurwadziwa kwake, ndizvo zvatakanga takaita pamberi penyu, Jehovha.18Isu takanga tava nepamuviri, takanga tiri pakurwadziwa, takabereka zvinenge mhepo chete; hatina kuvigira nyika sununguro, uye vangagara panyika havana kuzvarwa.19Vakafa venyu vachararama, zvitunha zvavo zvichamuka. Mukai, muimbe, imwi mugere muguruva; nekuti dova renyu rakaita sedova rechiedza; nyika ichabudisa vakafa.20Fambai vanhu vangu mupinde muimba yenyu yomukati, mupfige mikova yenyu shure kwenyu; muvande nguva duku, kusvikira kutsamwa kwapfuura.21nekuti tarira Jehovha anobuda panzvimbo yake kurova vagere panyika nokuda kwezvivi zvavo; nyikawo ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurawa vayo.