1Nezuva iro Jehovha acharova nomunondo wake mukukutu, mukuru, noune simba, revhiatani, iyo nyoka inokurumidza, iyo, nyoka yakagonyana; achauraya chikara chiri mugungwa.2Nezuva iro vachaimba vachiti, Munda wemizambiringa, chiuimbirai!3Ini Jehovha ndini muchengeti wawo; ndichaudiridza nguva imwe neimwe; ndichauchengeta masikati nousiku, kuti urege kutadzirwa nomunhu.4Ini handina hasha; dai rukato nemhinzwa zvairwa neni! Ndaizvivamba, ndaizvipisa pamwechete.5Kana asingadaro, ngaabate simba rangu, ayanane neni, ngaayanane neni.6Namazuva anouya Jakove achamera midzi; Isiraeri achatunga maruva nokutumbuka; vachazadza nyika yose nezvibereko.7Ko akavarova iye sezvaakarova avo vakavarova here? Ko vakaurawa nokuurawa kwaivo vakaurawa navo here?8Pakuvadzinga kwenyu makarwa navo nechiyero chakafanira; wakavabvisa nemhepo yake ine simba nezuva remhepo yokumabvazuva.9Saka nenzira iyi zvakaipa zvaJakove zvichadzikunurwa; izvi ndizvo zvibereko zvose zvokubviswa kwezvivi zvake, kana achiita mabwe ose earitari ave samabwe omunyaka akaputswa-putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuva zvirege kuzomiswa.10nekuti guta, rakakombwa norusvingo, rasiiwa riri roga, hwava hugaro hwasiiwa riri dongo, serenje; ndipo pachava namafuro emhuru, ndipo paichavata pasi, ichidya mashizha apo.11Kana matavi apo aoma, achavhumwa; vakadzi vachauya vachiapisa; nekuti vanhu ava havana njere; saka akavaita haangavi netsitsi navo, akavaumba haangavi norudo navo.12Zvino nezuva iro Jehovha achapura zviyo kubvira pamvura yoRwizi kusvikira parukova rweEgipita; imwi muchaunganidzwa, muchiita mumwe-mumwe, imwi vana vaIsiraeti.13Zvino nezuva iro hwamanda huru icharidzwa; vakanga voparara panyika yeAsiria, navakanga vadzingirwa kunyika yeEgipita, vachauya; vachanamata Jehovha pagomo dzvene paJerusaremu.