1Korona, inozvikudza, yavakabatwa vokwaEfuremu, ine nhamo, uye ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaworera wavakakundwa newaini.2Tarirai, Ishe anomumwe anesimba anokurira; achawisira pasi noruoko rwake sedutu guru rine chimvuramabwe, sedutu rinoparadza, sokunaya kwemvura zhinji inokukura kose.3Korona inozvikudza yavakabatwa vokwaEfuremu ichatsikwa pasi netsoka;4ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaworera richava sewonde rinotanga kuibva zhizha richigere kusvika; rinoti richatarirwa nowariona, ndokuridya richiri muruoko rwake.5Nezuva iro Jehovha wehondo achava korona inobwinya noukomba hwakaisvonaka kuna vakasara vavanhu vake;6nomweya wokururamisa kunowagere pakutonga, nesimba kuna vanodzosera vanorwa pasuwo.7Asi naivo vanodzungunyika newaini, vanodzedzereka nezvinobata; mupristi nomuporofita vanodzungunyika nezvinobata, vakamedzwa newaini, vanodzedzereka nezvinobata; vanokanganiswa pakuona, vanogumburwa pakutonga.8nekuti matafura avo azere namarutsi anosemesa, hapana pakanaka.9Ndianiko waachadzidzisa ruzivo? Ndianiko waachadzidzisa kunzwisisa shoko? Ivo vakarumurwa pamukaka, vakabviswa pazamu here?10nekuti zvinongoti chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murayiro pamusoro pomurayiro, murayiro pamusoro pomurayiro, apa zvishoma, napapo zvishoma.11Zvirokwazvo achataura norudzi urwu navanhu vane miromo yorumwe rudzi, norurimi rwokumwe;12akati kwavari, Zororo riri pano, zorodzai vakaneta; pano ndipo panokutonhorera; asi vakaramba kuteerera.13Saka shoko raJehovha richava kwavari, chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murayiro pamusoro pomurayiro, murayiro pamusoro pomurayiro, apa napapo zvishoma; kuti vaende, vawe nenhendashure, vavhunike, vabatwe nomusungo, vatapwe.14Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imwi vadadi, vanobata noushe vanhu ava vari paJerusaremu,15imwi zvamakati, Takaita sungano norufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, ichipfuura, haingasviki kwatiri, nekuti nhema takadziita utiziro bwedu, takandovanda pasi pokunyengetera;16naizvozvo Ishe Jehovha anoti, Tarirai, ndinoisa paZiyoni ibwe rive nheyo, riri ibwe rakaedzwa, rinokosha rekona kuita nheyo yakasimba; anotenda haakurumidzi.17Kururamisira ndichakuita rwonzi, nokururama ndichakuita chokururamisa nacho; chimvuramabwe chichakukura utiziro bwenhema, mvura ichafukidza nzvimbo yokuvanda.18Sungano yenyu yamakaita norufu ichadzimwa, nokutenderana kwenyu neSheori hakungamiri; kana shamhu, inokukura, ichipfuura, muchatsikwa pasi nayo.19Nguva imwe neimwe kana ichipfuura, ichakutorai; nekuti masikati nousiku, mangwanani namangwanani, ichapfuura, kuchangonotyisachetekunzwisisa mharidzo yakadaro.20nekuti mubhedha uchava mupfupi, munhu haangagoni kutandavara pamusoro pawo, nejira richava duku, munhu haangagoni kuzvifukidza naro.21nekuti Jehovha achasimuka sezvaakaita pagomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita pamupata weGibhiyoni; kuti abate basa rake, iro basa rake rinoshamisa, nokuita izvo zvaanoita, zvinoshamisa.22Naizvozvo regai kuva vadadi, kuti zvisungo zvenyu zvirege kusimbiswa; nekuti ndakanzwa kuna Ishe Jehovha wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa.23Rerekai nzeve dzenyu, munzwe inzwi rangu; teererai, munzwe kutaura kwangu.24Ko murimi, anoda kudzvara, unoswera achirima here? Anoswera achiparura munda nokuputsa mavhinga here?25Kana achinge aenzanisa ivhu rawo, haakushi kumini nhema here, nokudzvara kumini, nokuisa gorosi mumisara, nebhari pandima dzakatarwa, nesipereti kunhivi dzawo here?26nekuti Mwari wake anomuzivisa zvakanaka nokumudzidzisa.27nekuti kumini nhema haipurwi nomupuro unopinza, negumbo rengoro harikunguruswi pamusoro pekumini; asi kumini nhema inopurwa netsvimbo, nekumini neshamhu.28Zviyo zvechingwa zvinokuyiwa, haangarambi achizvipura; kunyange gumbo rengoro yake namabhiza ake zvichizviparadzira, haangazvikuyi.29Naizvozvi zvinobva kuna Jehovha wehondo, anoshamisa nezvaanofunga, mukuru kwazvo pakubata kwake.