1Tarirai, mambo achabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira.2Munhu mumwe nomumwe achava seutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.3Meso avanoona haangatsinzini, nzeve dzavanonzwa dzichateerera.4moyo yavanotaura vasingarangariri zvakanaka ichanzwisisa ruzivo, marimi avanokakamira achaziva kutaura zvakanaka.5Benzi harichazonzi munhu akakudzwa, munyengeri haanganzi mukomboreri.6nekuti benzi rinotaura zvohupenzi, moyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasha vanhu pamusoro paJehovha, zvaanorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushaisa vane nyota chinomwiwa.7Mitoo yomunyengeri yakaipa; anofunga mano akaipa, kuti aparadze vanyoro namashoko enhema, kunyange anoshaiwa achitaura zvakanaka.8Asi akarurama anofunga zvinhu zvakarurama; anorambira panzira yezvakarurama.9Simukai, imwi vakadzi vagere zvakanaka, munzwe inzwi rangu; imwi vakunda vasine hanya, teererai kutaura kwangu.10nekuti kana kwapfuura gore namazuva, muchatambudzika, imwi vasine hanya; nekuti kukohwiwa kwamazambiringa kuchakona, nguva yokuunganidza haingasviki.11Dederai, imwi vakadzi vagere zvakanaka; tambudzikai, imwi vasine hanya; zvifukurei, mubvise nguvo dzenyu, muzvisunge zviuno namakudza.12Vachazvirova zvipfuva nokuda kweminda yaifadza, nomuzambiringa waibereka zvakanaka.13Panyika yavanhu vangu pachamera mhinzwa norukato; zvirokwazvo, pamusoro pedzimba dzose dzomufaro muguta romufaro.14nekuti imba yamambo ichasiiwa, guta rina vanhu vazhinji richaita dongo; chikomo nenhare zvichashanduka mapako nokusingaperi, panofara mbizi, namafuro ezvipfuwo;15kusvikira mweya uchidururwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, renje rikaita munda unobereka zvakanaka, nomunda unobereka zvakanaka uchinzi idondo.16Ipapo kururamisira kuchagara murenje, kururama kuchagara mumunda unobereka zvakanaka.17Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi.18Vanhu vangu vachagara paugaro vane rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.19Asi chimvuramabwe chichavapo kana dondo richiwa, neguta richaparadzwa chose.20Makaropafadzwa imwi munokusha pose panemvura, munosundira makumbo enzombe neembongoro.