1Une nhamo, iwe unoparadza, usina kuparadzwa umene; iwe unoita nokunyengera, asi havana kukuitira nokunyengera, iwe! Kana wapedza kuparadza, newewo uchaparadzwa, kana wapedza kuita nokunyengera, vachakuitira nokunyengera newewo.2Jehovha mutinzwire tsitsi, takakumirirai; ivai ruoko rwedu mangwanani ose, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika.3Marudzi avanhu akatiza achinzwa mubvumo, marudzi akaparadzirwa imwi muchisimuka.4Zvakapambwa zvenyu zvichaparadzwa, sezvinoparadza gwatakwata; somumhanyiro wemhashu, saizvozvo vanhu vachamhanyira kwazviri.5Jehovha akakudzwa, nekuti anogara kumusoro; akazadza Ziyoni nokururamisira nokururama.6Panguva dzako pachava nokugarika, nokuwanda kokuponeswa, nouchenjeri nezivo; kutya Jehovha ndiyo fuma yake.7Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira dziri kunze; nhume dzorugare dzinochema zvikuru.8Migwagwa mikuru yaparadzwa, vafambi havachipo; aputsa sungano, azvidza maguta, haane hanya nomunhu.9Nyika inochema, yaziya; Rebhanoni ranyadziswa, rooma; Sharoni rafanana nerenje; Bhashani neKarimeri azuka mashizha.10Zvino ndichasimuka, ndizvo zvinotaura Jehovha; zvino ndichazvisimudza, zvino ndichakudzwa.11Imi muchava napamuviri pehundi, muchabereka mashanga; mweya wenyu moto uchakupedzai.12Marudzi avanhu achaita sokupiswa kwesuko, semhinzwa yakatemwa, inopiswa nomoto.13Inzwai, imwi muri kure, zvandakaita, imwi muri pedo, muzive simba rangu.14Vatadzi vari paZiyoni vanotya, vasingadi Mwari, vabatwa nokudedera. Ndianiko pakati pedu angagara nomoto unoparadza? Ndiani pakati pedu angagara nokupisa kusingaperi?15Ndiye anofamba nokururama, anotaura zvakarurama; iye anoshora fuma yakawanikwa nokunyengera, anozuza maoko ake achiramba fufuro, anodzivira nzeve dzake, kuti arege kunzwa mashoko eropa, anotsinzina meso ake kuti arege kutarira zvakaipa;16iye achagara pakakwirira, nhare dzamatombo dzichava utiziro hwake; zvokudya zvake achazvipiwa, mvura yake haingapwi.17Meso ako achaona mambo pakunaka kwake, achaona nyika yakakura kwazvo.18moyo wako ucharangarira nguva yokutya, uchiti, Aripiko iye aiverenga, aripiko aiyera mutero? Aripiko aiverenga shongwe?19Haungazooni vanhu vane hasha, vanhu vanorurimi runoshamisa, rwausingagoni kunzwa, rurimi rwokumwe rwausingagoni kunzwisisa.20Tarirai Ziyoni, iro guta remitambo yedu; meso ako achaona Jerusaremu hwava ugaro hwakadzikama, tende risingazovhomorwi, nebote raro rimwe risingazodamburwi.21Asi Jehovha achavapo nesu noumambo hwake, ichava nzvimbo ine nzizi nehova dzakafara, magwa anokwasviwa haangasvikipo, nezvikepe zvikuru hazvingapfuuripo.22nekuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirayiro yedu, Jehovha ndiye mambo wedu; iye achatiponesa.23Mabote ako akati dembu-tembu; haagoni kusimbisa muromo wapasi wedanda rechikepe chavo, haagoni kutasanura seiri; ipapo zvakatapwa nezvakapambwa zvizhinji zvinogoverwa; zvirema zvinotora zvakatapwa.24Hakuna ageremo, achati, Ndinorwara; vanhu vageremo vachakangamwirwa zvakaipa zvavo.