1Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva.2Richatumbuka zvizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba; richapiwa kunaka kukuru kweRebhanoni, noukomba bweKarimeri neSharoni; vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.3Simbisai maoko asine simba, mutsigire mabvi anodedera.4Iti kuna vane moyo inotya, Simbai, musatya! Tarirai, Mwari wenyu achauya nokutsiva, nokuripira kwaMwari; achauya achikuponesai.5Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa.6Ipapo anokamhina achakwakuka senondo, rurimi rwembeveve rwuchaimba nekuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura mugwenga.7Jecha, rinopisa, richashanduka dziva, nevhu, rine nyota, zvitubu zvemvura; paugaro hwamakava, paaivata, pachava nouswa, netsanga nenhokwe.8Ipapo pachava nomugwagwa, nenzira, ichanzi, Nzira youtsvene; ane tsvina haangafambi nayo, asi ichava yavo; vanofamba nayo, kunyange ari mapenzi, havangarashiki.9Hapangavi neshumba, kunyange nechikara hachingafambipo; hazvingawanikwipo, asi vakadzikunurwa ndivo vachafambapo;10vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Ziyoni vachiimba, mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo; vachawana mufaro nomoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.