Shona

Isaiah

36

1Zvino negore regumi namana ramambo Hezekia, Saniheribhi mambo weAsiria, akandorwa namaguta ose aJudha akakombwa namasvingo, akaakunda.2Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wavatariri abve Rakishi aende Jerusaremu kuna mambo Hezekia nehondo huru. Akamira pamugero wedziva rokumusoro pamugwagwa unoenda kumunda womusuki.3Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, waichengeta imba yamambo, naShebhina munyori naJoa mwanakomana waAsafi, gurukota guru, vakabudira kwaari.4Mukuru wavatariri akati kwavari, Zvino imwi muti kuna Hezekia, Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, kuvimba uku kwaunovimba nako ndokwei?5Ini ndinoti, mano ako nesimba rokurwa naro mashoko zvawo asina maturo; zvino unovimba naniko, zvawandimukira ini?6Tarira, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakavhunika, Egipita, runoti kana munhu akasendama kwaruri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weEgipita kuna vose vanovimba naye.7Asi kana ukati kwandiri, Tinovimba naJehovha Mwari wedu, ko haazi iye akabvisirwa matunhu akakwirira namaaritari ake naHezekia, akati kuna Judha neJerusaremu, Munofanira kunamata pamberi pearitari iri here?8Naizvozvo zvino chipikiranai henyu natenzi wangu, mambo weAsiria, ndikupe mabhiza ane zviuru zviviri, kana iwe ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo.9Ungagona seiko kukunda mukuru mumwe kuvaduku vavaranda vatenzi wangu? Zvino wovimba neEgipita kuti upiwe ngoro namabhiza navo?10Ini ndauya kuzorwa nenyika ino kuti ndiiparadze ndisina Jehovha kanhi? Ndiye Jehovha akati kwandiri, Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze.11Ipapo Eriakimu, mwanakomana waHirikia, naShebhina, naJoa vakati kumukuru wavatariri, Tinokumbira kuti mutaure henyu navaranda venyu norurimi rwechiAramia, nekuti tinochinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwavaJudha, vanhu vose vari parusvingo vazvinzwe.12Asi mukuru wavatariri akati kwaari, Tenzi wangu akandituma kuna tenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana kundituma here kuvanhu vagere pamusoro porusvingo, kuti vadye tsvina yavo nemvura yavo pamwechete nemi?13Ipapo mukuru wavatariri akamira, akadanidzira nenzwi guru norurimi rwavaJudha, akataura akati, Inzwai mashoko amambo mukuru, iye mambo weAsiria.14Zvanzi namambo Hezekia, Ngaarege kukunyengerai; nekuti haangagoni kukurwirai;15Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha, achiti, Jehovha achatirwira zvirokwazvo; guta iri haringapiwi mumaoko amambo weAsiria.16Musateerera Hezekia, nekuti zvanzi namambo weAsiria, Yananai neni, mubudire kwandiri; mudye mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;17kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa.18Chenjerai kuti Hezekia arege kukugombedzerai, achiti, Jehovha achatirwira. Ko mumwe wavamwari vamarudzi akagona kurwira nyika yake paruoko rwamambo weAsiria here?19Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi varipi? Vakarwira Samaria paruoko rwangu here?20Ndavapi pakati pavamwari vose venyika idzi vakarwira nyika yavo paruoko rwangu, zvamunoti Jehovha acharwira Jerusaremu paruoko rwangu?21Asi vakaramba vanyerere, havana kumupindura shoko rimwe, nekuti murayiro wamambo wakange uchiti, Regai kumupindura.22Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikia, aichengeta imba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi, gurukota guru, vakaenda kuna Hezekia, vakabvarura nguvo dzavo, vakamuudza mashoko omukuru wavatariri.