1Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu, ndizvo zvinoreva Mwari wenyu.2Taurirai zvingavaraidza Jerusaremu, danidzirai kwavari kuti kurwa kwavo kwapera, kuti zvakaipa zvavo zvakangamwirwa, kuti vapiwa noruoko rwaJehovha kurohwa kwakaringana pamusoro pezvivi zvavo.3Inzwi rounodanidzira, achiti, Gadzirai murenje nzira yaJehovha, ruramisirai Mwari wedu mugwagwa musango.4Mipata yose ichazadzwa, makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; pana makoronga pachaenzaniswa; Pasakaenzana pachaitwa bani;5kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, vanhu vose vachazviona pamwechete nekuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.6Inzwi roanoti, Danidzirai! Mumwe akati, Ndichadanidzireiko? Vanhu vose uswa, kunaka kwazvo kose kwakaita seruva rokusango.7Uswa hunowoma, ruva rinosvava, nekuti mweya waJehovha unofuridza pamusoro pazvo; zvirokwazvo vanhu uswa.8Huswa hunooma, ruva rinosvava; asi shoko raMwari wedu richagara nokusingaperi.9Nhai, iwe, unoparidzira Ziyoni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusaremu mashoko akanaka, danidzira nesimba, danidzira, usatya; uti kumaguta aJudha, Tarirai, Mwari wenyu!10Tarirai, Ishe Jehovha achauya somunhu ane simba, ruoko rwake ruchamubatira ushe; tarirai, mubayiro wake anawo, zvaanoripirwa zviri pamberi pake.11Achafudza boka rake somufudzi, achaunganidza makwayana ake mumaoko ake, nokuatakura pachipfuva chake, achanyatso kutungamirira nhunzvi dzinomwisa.12Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza choruoko rwake, nokuyera denga napanosvika mimwe, nokuenzanisa guruva rapasi nechiyero, nokuyera kurema kwamakomo nechiedzo, nezvikomo nechiyero?13Ndianiko wakayera Mweya waJehovha, kana akamudzidzisa achimurayira namano?14Akarangana nani, ndiyani akamurayira nokumudzidzisa nzira yokururamisira, nokumudzidzisa zivo, nokumuratidza nzira yenjere here?15Tarirai, marudzi avanhu akaita sedomwe remvura muchirongo, anenge guruva shomanene pachiyero; tarirai, anosimudza zvivi sechinhu chiduku-duku.16Rebhanoni harine huni dzingaringana kuvesera, kunyange mhuka dzaro hadziringani kuitwa zvipiriso zvingapiswa.17Marudzi ose anoverengwa pamberi pake sezmashoma kupfuura pasina seasina maturo.18Zvino mungafananidza Mwari naniko? Kana mungamuenzanisa nomufananidzo upiko?19Kana uri mufananidzo, muumbi wakaumba, mupfuri wendarama anounamira nendarama, ndokuupfurira ngetani dzesirivha.20Murombo anoshaiwa chipo chakadaro, anosanangura muti asingawori; anozvitsvakira mhizha yakachenjera ingamuvezera mufananidzo usingazununguki.21Hamuna kuziva here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kuzviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuteyiwa kwenyika here?22Ndiye agere kumusoro kwenyika yakaurungana, vanhu vagerepo vakaita semhashu; ndiye anotatamura denga somucheka, nokuriwaridza setende kuti agaremo;23ndiye anoderedza machinda kusvikira oita saasipo, vatongi venyika anovaita sechinhu chisina maturo.24Zvirokwazvo, havana kusimwa, zvirokwazvo, havana kudzvarwa, zvirokwazvo, hunde yavo haina kubata pasi; zvino wofuridza pamusoro pavo, vooma, nechamupupuri chinovabvisa sehundi.25Ko zvino mungandifananidza nani, kuti ndienzane naye? Ndizvo zvinotaura Mutsvene.26Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani akasika izvozvi, anobudisa hondo yazvo yakawanda; iye anozvidana zvose namazita azvo; nokuda koukuru bwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakune chimwe chinoshaikwa.27Unorevereiko, iwe Jakove, unotaurireiko iwe Isiraeri, uchiti, Nzira yangu haizikamwi naJehovha, Mwari wangu anondidarika asingandiruramisiri?28Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari asingaperi, Jehovha, Musiki wamativi ose enyika, haaziyi, haaneti; njere dzake hadzingazikamwi.29Vanoziya anovapa simba; anoshaiwa simba anomuwedzera simba rake.30Kunyange navakomana vachaziya nokuneta, namajaya achawira pasi chose;31asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.