1Nyararai pamberi pangu, imwi zviwi; vanhu ngavawane simba idzva, ngavaswedere, ipapo ngavataure; ngatiswedere pamwechete kutongerwa mhaka.2Ndianiko wakamutsa mumwe kumabvazuva, anokunda pose-pose paa notsika? Ndianiko anomupa marudzi avanhu, achimubatisa madzimambo paushe hwake? Anovaisa pamunondo wake seguruva, napauta hwake sehundi inodzingwa nemhepo.3Anodzingana navo, ndokupfuura hake zvakanaka nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake.4Ndianiko akabata basa iro nokuzviita? Ndiye anodana marudzi kubvira pakutanga; ini Jehovha, wokutanga, nowokupedzisira.5Zviwi zvakaona, zvikatya; migumo yenyika inodedera, inoswedera, youya.6Mumwe nomumwe anobatsira wokwake; anoti kuhama yake, Tsunga hako moyo.7Saizvozvo muvezi anosimbisa mupfuri wendarama, nowanopfura nenyundo anosimbisa anorova panhera, achiti, Pamusoro pokunamatidza. Zvakanaka; ndokuzvirovera nembambo kuti zvirege kuzununguka.8Asi iwe Isiraeri, muranda wangu, Jakove, wandakasanangura, vana vaAbhurahamu shamwari yangu,9iwe wandakatora kumigomo yenyika, ndikakudana kumakona ayo, ndikati kwauri, Uri muranda wangu, ndakakusanangura, handina kukurasha.10Usatya, nekuti ndinewe; usavhunduka, nekuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rune simba.11Tarira, vose vanokutsamwira, vachanyadziswa vave nenyadzi; vanokakavara newe vachava sechinhu chisipo, vachaparara.12Uchavatsvaka, asi haungavawani, ivo vanokakavara newe; vanorwa newe vachava sechinhu chisipo, sechinhu chisina maturo.13nekuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri, Usatya, ini ndichakubatsira.14Usatya, Jakove iwe honye, nemwi varume vaIsiraeri; ini ndichakubatsira, ndizvo zvinotaura Jehovha, mudzikunuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri.15Tarira, ndakakuita mupuro mutsva, unopinza, unameno; uchapura makomo, nokuaputsa-putsa, uchaita zvikomo zvive sehundi.16Uchaaurutsa, achatorwa nemhepo, chamupupuri chichaaparadzira kose; iwe uchafarira Jehovha, nokuzvirumbidza noMutsvene waIsiraeri.17Varombo navanoshayiwa vanotsvaka mvura, asi haipo, marimi avo anooma nenyota; ini, Jehovha ndichavapindura, ini Mwari walsiraeri, handingavarasi.18Ndichazarura nzizi pamakomo asine miti, namatsime pakati pemipata; renje ndichariita dziva remvura, nenyika yakaoma zvitubu zvemvura.19Ndichasima parenje miti yemisidhari, nemiakasia, nemimirite, nemiorivhi; ndichaisa musango misiperesi, nemipani,nemifiri iyo yose;20kuti vanhu vaone, nokuziva, nokurangarira, nokunzwisisa, kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rwakaita izvozvo, uye kuti Mutsvene waIsiraeri ndiye wakazvisika.21Zvanzi naJehovha, Revai mhaka yenyu; zvanzi namambo waJakove, Uyai namashoko enyu akasimba.22Ngavauye nawo, vatiudze zvichaitwa, tiudzei zvinhu zvakare, kuti ndezvei, kuti tizvirangarire, tizive kuguma kwazvo; kana mutizivise zvichazovapo.23Tiudzei zvinhu zvichazovapo pashure, tizive kuti muri vamwari; zvirokwazvo, itai zvakanaka, kana itai zvakaipa, kuti tishamiswe, tizvione tose pamwechete.24Tarirai imwi hamuzi chinhu, nebasa renyu harizi chinhu; anokusanangurai anonyangadza.25Ndamutsa mumwe anobva kurutivi rwokumusoro, zvino wasvika; mumwe anobva kumabudazuva, anodana zita rangu; iye achatsika vabati samatope, somuumbi anokanya ivhu.26Ndianiko wakatiudza izvozvo kubvira pakutanga, kuti tizive? Napanguva yakare, kuti titi, Zvirokwazvo? Zvirokwazvo, hakuna anotiudza, zvirokwazvo, hakuna anotiratidza, zvirokwazvo, hakuna anonzwa mashoko enyu.27Ndini ndichatanga kuti kuZiyoni, Tarirai, tarirai, havo; ndichatumira Jerusaremu nhume inouya namashoko akanaka.28Kana ndichitarira, hakuna munhu; pakati pavo hakuna anogona kurayirira, angapindura shoko, kana ndichivabvunza.29Tarirai, ava vose havana maturo, mabasa avo haana maturo, haazi chinhu; mifananidzo yavo yakaumbwa imhepo nezvisina maturo.