Shona

Isaiah

43

1Asi zvino zvanzi naJehovha, akakusika, iwe Jakove, akakuumba, iwe Isiraeri, Usatya hako, nekuti ndini ndakakudzikunura; ndakakudana nezita rako, uri wangu.2Kana uchipinda nomumvura zhinji, ndichava newe, kana nomunzizi, hadzingakunyudzi; kana uchifamba nomumoto, haungatsvi, nomurazvo haungakupisi.3nekuti ndini Jehovha Mwari wako; ndakaisa Egipita ruve rudzikunuro rwako, Itiopia neShebha panzvimbo yako.4Zvawakanga uchikosha pamberi pangu, uchikudzwa nokudikamwa neni, naizvozvo ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu panzvimbo youpenyu hwako.5Usatya hako, nekuti ndinewe; ndichauyisa vana vako vabve kumabvazuva, nokukuunganidza ubve kumavirazuva;6ndichati kurutivi rwokumusoro, varege; nokurutivi rwezasi, usavadzivisa; uyai navanakomana vangu vari kure, navakunda vangu vari kumigumo yenyika;7mumwe nomumwe anodamwa nezita rangu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaumba, zvirokwazvo, wandakaita.8Uyai namapofu, ana meso hawo, nematsi, dzine nzeve hadzo.9Marudzi ose ngaaunganidzwe pamwechete, navanhu vakokerwe; ndianiko pakati pavo angatiudza izvozvi, angatiratidza zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo, varuramiswe; ngavanzwe, vati, Ichokwadi.10Zvanzi naJehovha, zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura, kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe.11Ini iyeni, ndini Jehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.12Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu; saka imwi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari, ndizvo zvinotaura Jehovha.13Zvirokwazvo, kubva zuva ranhasi ndini iye; hakuna angarwira munhu paruoko rwangu; ini ndichabata basa, ndiani angandidzivisa?14Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsiraeri, Ndakatuma vanhu Bhabhironi, nokuda kwenyu, ndichavaburitsa vose vachitiza, ivo vaKaradhea muzvikepe zvavo zvomufaro.15Ndini Jehovha, Mutsvene wenyu, Musiki waIsiraeri, Mambo wenyu.16Ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita nzira mugungwa, negwara pakati pemvura zhinji ine simba;17anobudisa ngoro nebhiza, nehondo neane simba; vanovata pasi pamwechete, havangamukizve; havachapfuti, vadzimwa somwenje.18Musarangarira zvinhu zvakapfuura, musafunga zvinhu zvakare.19Tarirai, ndichaita chinhu chitsva; chobuda zvino; hamungachizivi here? Ndichaita nzira murenje, nenzizi musango.20Mhuka dzebundo dzichandikudza, makava nemhou; nekuti ndinobudisa mvura zhinji murenje, nenzizi musango, kuti ndipe vanhu vangu, ivo vakasanangurwa, vamwe,21ivo vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.22Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakove, asi wakaneta neni, iwe Isiraeri.23Hauna kundivigira makwai ako zvive zvipiriso zvingapiswa; hauna kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza kuti uuye nezvipiriso zvoupfu, handina kukunetsa ndichiti uuye nezvinonhuhwira.24Hauna kunditengera ipwa nemari, hauna kundigutisa namafuta ezvibayiro zvako; asi wakandiremedza nezvivi zvako, wakandinetsa nezvakaipa zvako.25Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako nokuda kwangu, handicharangariri zvivi zvako.26Ndiyeudzire, ngatitaurirane; rondedzera, kuti ururamisirwe.27Teteguru vako vakatadza, navaporofita vako vakandidarikira.28Naizvozvo ndakamhura machinda matsvene Jakove ndakamuita chinhu chakatukwa naIsiraeri chinhu chinosekwa.