Shona

Isaiah

44

1Asi zvino chinzwa, iwe Jakove, muranda wangu, naIsiraeri wandakasanangura,2zvanzi naJehovha, akakuita, akakuumba kubvira pachizvaro, achakubatsira, Usatya hako, iwe Jakove, muranda wangu, newe Jeshuruni, wandakasanangura.3nekuti ndichadira mvura pamusoro penyika ine nyota, nenzizi pamusoro pevhu rakaoma; ndichadira Mweya wangu pamusoro porudzi rwako, nokuropafadza kwangu pamusoro pavana vako;4vachamera pakati pouswa, semikonachando pamvura inoyerera.5Mumwe achati, Ndiri waJehovha, mumwezve achazvitumidza nezita raJakove, mumwezve achanyora noruoko rwake, achiti, Ndiri waJehovha, nokutora zita raIsiraeri.6Zvanzi naJehovha, Mwari wavaIsiraeri, noMudzikunuri wavo, Jehovha wehondo, Ndini wokutanga nowokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari.7Ndianiko angadana seni, nokuzviparidza, nokuzvigadzirira izvo, kubva panguva yandakagadza vanhu vakare-kare? Zvinhu zvinouya, nezvinozoitika, ngavazviparidze izvo.8Musatya henyu, musavhunduka; handina kukuparidzirai izvozvo kare, nokukuratidzai here? imwi muri zvapupu zvangu. Kunomumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakune rimwe dombo, ini handirizivi.9Vose vanoita mifananidzo yakavezwa havana maturo, zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri; zvapupu zvavo hazvioni uye hazvizivi, kuti vanyadziswe.10Ndianiko akaita mwari, kana mufananidzo wakaumbwa, zvisingabatsiri chinhu?11Tarirai, vose vanomunamatira vachanyadziswa; vakazviita, vanhu havo, ngavaunganidzwe pamwechete, ngavasimuke; vachatya, vachanyadziswa pamwechete.12Mupfuri anopfura sanhu, anobata namazimbe, nokuriita nenyundo, nokuripfura noruoko rune simba; zvirokwazvo ane nzara, simba rake rinopera, haamwi mvura, ndokuziya.13Muvezi anotambanudza rwonzi, anotara mufananidzo nepenzura,anounatsa nembezo, unoutara nechienzaniso , ndokuuveza zvakafanana nomunhu, zvakaenzana nomunhu akanaka, kuti ugare mumba.14Zvino anozvitemera misidhari, ndokutora misipiresi nemiouki, achizvisanangurira mumwe pakati pemiti yomudondo; anosima mupaini, mvura inonaya ndokuukurisa.15Zvino dzava huni dzomunhu, anotora dzimwe ndokudziya nadzo; zvirokwazvo, anobatidza moto nadzo, ndokubika chingwa; zvirokwazvo, anoveza mwari, ndokumunamata; anoita mufanananidzo wakavezwa, ndokuupfugamira.16Rumwe rutivi rwawo anopisa nomoto, norumwe rutivi anogocha nyama, anoidya nyama, nokuguta zvirokwazvo, anozvidziyisa, ndokuti, Haiwa, ndadziya, ndaona moto.17Nezvakasara anoita mwari, iwo mufananidzo wake wakavezwa; anoupfugamira, nokuunamata, nokunyengetera kwauri, achiti, Ndirwirei, nekuti ndimi mwari wangu.18Havazivi, uye havarangariri, nekuti wakanamira meso avo, kuti varege kuona, nemoyo yavo, kuti varege kunzwisisa.19Hakuna anorangarira, hakuna ruzivo kana njere dzinoti, Ndapisa rumwe rutivi rwawo mumoto, zvirokwazvo, ndabika chingwa pamazimbe awo; ndagocha nyama ndikaidya; zvino ndingaita chinonyangadza nezvakasara zvawo here? Ndingapfugamira danda romuti here?20Anozvigutisa namadota; moyo wakanyengerwa wamutsausa, haagoni kusunungura moyo wake, kana kuti, Hakuna nhema muruoko rwangu rworudyi here?21Funga zvinhu izvi, iwe Jakove, naIsiraeri, nekuti ndiwe muranda wangu; ndakakuumba, uri muranda wangu; haiwa Isiraeri, haungakanganikwi neni.22Ndakadzima kudarika kwako, segore gobvu, nezvivi zvako segore; dzokera kwandiri, nekuti ndakakudzikunura.23Imba, iwe denga rose, nekuti Jehovha akaita izvozvo; danidzirai, mativi ezasi enyika; imbai zvikuru imwi makomo, iwe dondo, nomuti mumwe nomumwe urimo; nekuti Jehovha akadzikunura Jakove, achazvirumbidza muna Isiraeri.24Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wako, akakuumba kubva pachizvaro, Ndini Jehovha, ini ndoga anoita zvinhu zvose, anotatamura denga rose, anotambanudza nyika (ndiani waiva neni?)25Iye anoparadza zviratidzo zvavane nhema, anopengesa vauki, anodzosa vachenjeri, achishandura zivo yavo uye upenzi.26Iye anosimbisa shoko romuranda wake, anoita zvakarayirirwa nenhume dzake; iye anoti pamusoro peJerusaremu, Richagarwa navanhu, napamusoro pamaguta aJudha, Achavakwa, ini ndichamutsa matongo awo;27iye anoti kumvura yakadzika, Chipwa, uye ndichapwisa nzizi dzako,28iye anoti pamusoro paKoreshi, Ndiye mufudzi wangu, achaita zvose zvinondifadza, kana achiti pamusoro peJerusaremu Richavakwa, uye pamusoro petemberi, Nheyo dzako dzichateyiwa.