1Muka, muka, iwe Ziyoni, uzvifukidze nesimba rako; pfeka nguvo dzako dzakaisvonaka, iwe Jerusaremu, guta dzvene; nekuti kubva zvino hakuna angapinda mukati mako asina kudzingiswa nousakanaka.2Zvizunze ubve muguruva; simuka, ugare kwazvo, iwe Jerusaremu; zvisunungura pazvisungo zviri pamutsipa wako, iwe mukunda wakatapwa weZiyoni.3nekuti zvanzi naJehovha Makazvitengesa kusina mutengo; muchadzikunurwa kusina mari.4nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Vanhu vangu vakaburukira Egipita kare kundogarako, muAsiria akavamanikidza pasina mhosva.5Ko zvino ndinoonei pano; ndizvo zvinotaura Jehovha; vanhu vangu zvavabviswa pasina? Vanovabata ushe vanopopota, zita rangu rinongomhurwa zuva rose, ndizvo zvinotaura Jehovha.6Saka vanhu vangu vachaziva zita rangu; saka vachaziva nezuva iro kuti ndini iye anotaura; tarirai, ndini.7Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzoanouya namashoko akanaka, anoparidza rugare, anouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, anoparidza ruponeso, anoti kuZiyoni, Mwari wako anobata ushe!8Chinzwa inzwi renharirire dzako! Dzinodana namanzwi, dzinoimba pamwechete; nekuti dzichaonana zviso zvakatarisana, kana Jehovha achidzokera Ziyoni.9Pemberai nomufaro, imbai pamwechete, imwi matongo eJerusaremu, nekuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, wakadzikunura Jerusaremu.10Jehovha akafukura ruoko rwake rutsvene pamberi pamarudzi ose; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.11Ibvai, ibvai, budai ipapo, musabata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imwi munotakura nhumbi dzaJehovha.12nekuti hamungabudi muchikurumidza, kana kuenda muchitiza; nekuti Jehovha achakutungamirirai; Mwari waIsiraeri achakurindirai mumashure.13Tarirai, muranda wangu achaita nokuchenjera, achakwiridzwa nokusimudzwa, nokukwirira kwazvo.14Vazhinji sezvavakashamiswa pamusoro pako (chiso chake chakanga chakakuvadzwa kupfuura chavamwe vanhu, nechimiro chake kupfuura chavanakomana vavanhu),15saizvozvo achavhundusa marudzi mazhinji; madzimambo achapfumbira miromo yawo pamusoro pake, nekuti vachaona zvavasina kumboudzwa; vachanzwisisa zvavasina kumbonzwa.