Shona

Isaiah

53

1Ndianiko akatenda zvatakaparidzirwa? Ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna ani?2nekuti akamera pamberi pake sebukira, nyoro, somudzi unobuda pavhu rakaoma; haane chimiro kana umambo; kana tichimuona, haana kunaka kuti timude.3Akazvidzwa, nekuraswa navanhu, munhu wokurwadziwa, akaziva urwere, somunhu anovanzirwa navanhu zviso zvavo; akazvidzwa nesu hatina kumukudza.4Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa.5Asi akakuvadzwa nokuda kokudarika kwedu, akarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake.6Isu tose samakwai, takanga takarasika , takatsauka mumwe nomumwe nenzira yake; uye Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose.7Akamanikidzwa,akarohwa, kunyange zvakadaro haana kushamisa muromo wake;akauyiswa segwayana rinoiswa kundobayiwa uye segwai pamberi pavavevuri varo,akanyarara, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.8Akabviswa pakumanikidzwa napakutongwa, ndianiko angaparidza zera rake? nekuti akagurwa akabviswa panyika yavapenyu? Nokuda kokudarika kwavanhu vangu; akarohwa.9Akaita guva rake pamwechete navakaipa, akava navamufumi pakufa kwake, nekuti haana kuita chisakarurama, kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.10Asi kwaiva kuda kwaJehovha kuti apwanyiwe; wakamurwadzisa; ipapo uchaita mweya wake chibairo chezvivi, achaona zvibereko zvake, achawedzera mazuva ake, zvinodikamwa naJehovha zvichabudirira muruoko rwake.11Achaona zvaakatamburira nomweya wake, akagutiswa; nokuziva kwake muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji; achatakura zvakaipa zvavo.12Saka ndichamuganhurira mugove pamwechete navakuru, achagoverana zvakapambwa navane simba; nekuti akadurura mweya wake kukufa, akaverengwa pamwechete navadariki; uye akatakura chivi chavazhinji, akanyengeterera vadariki.