Shona

John

1

1Pakutanga wakange aripo Shoko, uye Shoko wakange ana Mwari, uye Shoko wakange ari Mwari.2Iye uyu wakange ana Mwari pakutanga.3Zvinhu zvose zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa.4Maari maiva neupenyu, uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu,5uye chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchigamuchira.6Kwakauya munhu wakatumwa kubva kuna Mwari, zita rake riri Johwani.7Iye wakauyira uchapupu, kuti apupure zvechiedza, kuti vose vatende naye.8Iye wakange asiri icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupure pamusoro pechiedza.9Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe unouya panyika.10Wakange ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.11Wakauya kune zvake, asi vake havana kumugamuchira.12Asi vose vakamugamuchira, wakavapa kodzero kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake;13vakaberekwa kwete neropa, kana nechido chenyama, kana nechido chemurume, asi naMwari.14Shoko ndokuzova nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe woga waBaba, azere nenyasha nechokwadi.15Johwani wakapupura pamusoro pake, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti: Uyu unouya shure kwangu wakanditangira; nekuti wakange aripo mberi kwangu.16Nepakuzara kwake isu tose takagamuchira, uye nyasha nenyasha.17Nekuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu.18Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe woga, uri pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.19Uye uhwu ndihwo uchapupu hwaJohwani, apo vaJudha vakatuma vapristi nevaRevhi kubva kuJerusarema kuti vanomubvunza kuti: Iwe ndiwe ani?20Akabvuma, uye haana kuramba; ndokubvuma achiti: Ini handisi Kristu.21Zvino vakamubvunza vachiti: Saka kudini? Iwe uri Erija here? Akati: Handisi. Iwe uri uya muporofita here? Akapindura akati: Kwete.22Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Kuti tipe mhinduro vatituma; unoti kudini pamusoro pako?23Akati: Ini ndini inzwi reunodanidzira murenje: Ruramisai nzira yaIshe; sezvakareva muporofita Isaya.24Ava vakange vatumwa vaibva kuvaFarisi.25Zvino vakamubvunza, vakati kwaari: Unogobhabhatidzirei, kana iwe usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya?26Johwani akavapindura, achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire umwe imwi wamusingazivi;27ndiye unouya shure kwangu, uri mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.28Izvozvi zvakaitika paBhetabhara, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani.29Ava mangwana Johwani wakaona Jesu achiuya kwaari, akati: Tarirai, gwayana raMwari, rinobvisa rotakura chivi chenyika.30Uyu ndiye ini wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakanditangira, nekuti wakange ariko mberi kwangu.31Neni ndakange ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe kuna Israeri, nekuda kweizvozvo ini ndakauya ndichibhabhatidza nemvura.32Johwani ndokupupura, achiti: Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.33Neni ndakange ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye unobhabhatidza neMweya Mutsvene.34Zvino ini ndakaona ndikapupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.35Ava mangwanazve Johwani wakange amire, nevaviri vevadzidzi vake;36zvino wakatarisa Jesu achifamba-famba, akati: Tarirai Gwayana raMwari.37Vadzidzi vaviri ndokumunzwa achitaura, ndokutevera Jesu.38Zvino Jesu atendeuka wakavaona vachitevera, akati kwavari: Munotsvakei? Vakati kwaari: Rabhi* (ndokuti kana zvichishandurwa, Mudzidzisi) munogarepi?39Akati kwavari: Uyai muone. Vakauya vakaona paaigara; ndokugara naye zuva iroro; rakange riri awa rinenge regumi.40Andiriya munin'ina waSimoni Petro waiva umwe wevaviri vakange vazvinzwa naJohwani vakamutevera.41Iye wakatanga kuwana mukoma wake chaiye Simoni akati kwaari: Tamuwana Mesiasi; ndiko kuti Kristu, kana zvichishandurwa.42Zvino akamuisa kuna Jesu. Jesu ndokuti amutarira akati: Iwe uri Simoni mwanakomana waJona; iwe uchanzi Kefasi (zvinoshandurwa kunzi Petro).43Ava mangwana Jesu akada kubuda aende Garirea, ndokuwana Firipi, ndokuti kwaari: Nditevere.44Zvino Firipi wakange ari weBhetisaidha, muguta raAndiriyasi naPetro.45Firipi akawana Nataniyeri, ndokuti kwaari: Tamuwana iye Mozisi waakanyora nezvake pamurairo nevaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.46Nataniyeri ndokuti kwaari: Chinhu chakanaka chinogona kubva muNazareta here? Firipi akati kwaari: Uya uone.47Jesu wakaona Nataniyeri achiuya kwaari, ndokuti pamusoro pake: Tarirai muIsraeri wechokwadi, musina kunyengera maari.48Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepi? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi momuonde, ndakuona.49Nataniyeri akapindura ndokuti kwaari: Rabhi, imwi muri Mwanakomana waMwari, imwi muri Mambo waIsraeri.50Jesu akapindura ndokuti kwaari: Unotenda nekuti ndati kwauri, ndakuona munyasi momuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kune izvi.51Zvino akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva ikozvino muchaona denga razaruka, nevatumwa vaMwari vachikwira nekuburukira pamusoro peMwanakomana wemunhu.