1Zvino nemusi wekutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kuguva, vakatakura zvinonhuhwira zvavakange vagadzirira, nevamwe vanavo.2Zvino vakawana ibwe rakakunguruswa kubva paguva.3Vakabva vapinda vakasawana mutumbi waIshe Jesu.4Zvino zvikaitika vakakanganiswa nazvo, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo vakapfeka nguvo dzinopenya;5zvino vachiri kutya, ndokukotamisa zviso pasi, varume vakati kwavari: Munotsvakirei mupenyu pevakafa?6Haasi pano, asi wamuka; rangarirai kuti wakataura sei kwamuri achiri muGarirea,7achiti: Mwanakomana wemunhu unofanira kukumikidzwa mumaoko evanhu vezvivi, nekurovererwa pamuchinjikwa, uye pazuva retatu amukezve.8Zvino vakarangarira mashoko ake.9Zvino vakadzoka vachibva guva, akaudza zvinhu izvi zvose kuvanegumi neumwe nekune vamwe vose.10Vaiva Maria Magidharini naJohwana naMaria mai vaJakobho, nevamwe vavaiva navo, vakaudza vaapositori zvinhu izvi.11Zvino mashoko avo akaonekera sekutaura kusina maturo pamberi pavo, uye havana kuvatenda.12Asi Petro wakasimuka akamhanyira kuguva; ndokukotama akadongorera, akaona micheka yerineni yakaradzikwa yoga; ndokuenda, ashamisika mukati make nezvakange zvaitika.13Zvino tarira, pazuva irero vaviri vavo vaifamba vachienda kumusha wainzi Emausi, wakange uri masitadhia* makumi matanhatu kubva kuJerusarema.14Zvino ivo vaitaurirana pamusoro pezvinhu izvi zvose zvakange zvaitika.15Zvino zvakaitika kuti vachitaurirana nekubvunzana, Jesu amene wakaswedera akafamba navo,16asi meso avo akange abatwa kuti vasamuziva.17Zvino wakati kwavari: Mashoko ei awa amunokurukura muchifamba, uye makasuruvara?18Umwe, zita rake rainzi Kiriyopasi, ndokupindura akati kwaari: Ndiwe woga mutorwa muJerusarema, usati aziva zvakaitikamo mumazuva ano here?19Zvino akati kwavari: Zvinhui? Ivo vakati kwaari: Zviri maererano naJesu weNazareta, waiva murume muporofita une simba pachiito nepashoko pamberi paMwari nevanhu vose;20uye kuti vapristi vakuru nevatongi vedu vakamukumikidza sei kuti atongerwe rufu, uye vakamuroverera pamuchinjikwa.21Asi isu taivimba kuti ndiye waizodzikunura Israeri. Asiwo kunze kweizvi zvose, nhasi rino zuva retatu kubva zvaitika zvinhu izvi.22Asi vamwewo vakadzi vekwedu vatishamisa, vanga vafumira kuguva;23zvino vati vasingawani mutumbi wake, vauya vachiti vaona chiratidzo chevatumwawo, vati mupenyu.24Uye vamwe vevaiva nesu vaenda kuguva, vakawanawo zvakadaro vakadzi sezvavakange vareva; asi iye havana kumuona.25Zvino iye akati kwavari: Haiwa imwi vekusanzwisisa, uye mune moyo ine chinono kutenda zvose vaporofita zvavakataura!26Ko Kristu wakange asingafaniri kutambudzika nezvinhu izvi, ndokupinda pakubwinya kwake here?27Ndokutanga kuna Mozisi nekuvaporofita vose, akadudzira kwavari mumagwaro ose zvinhu zviri maererano naye.28Zvino vakaswedera kumusha kwavakange vachienda; iye ndokuita sewopfuurira.29Asi vakamumanikidza, vachiti: Garai nesu, nekuti koda kuvira, uye zuva ranyura. Ndokupinda kunogara navo.30Zvino zvakaitika agere navo pakudya, wakatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari.31Zvino meso avo ndokuzarurwa, ndokumuziva; iye ndokunyangarika kwavari.32Zvino vakataurirana vachiti: Moyo yedu yanga isingapisi mukati medu here paanga achitaura nesu munzira, nepaanga achitizarurira magwaro?33Zvino vakasimuka neawa iroro, vakadzokera kuJerusarema, vakawana vanegumi neumwe vakaungana nevaiva navo,34vachiti: Ishe wamuka zvirokwazvo, waonekwa naSimoni.35Ivo vakarondedzera zvinhu zvakaitika munzira, uye kuti wakazikamwa navo sei pakumedura chingwa.36Zvino vakati vachataura zvinhu izvozvi, Jesu amene wakamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri.37Asi vakavhunduswa, vakatya, vakafunga kuti vaona mweya.38Zvino akati kwavari: Munotambudzikirei, uye mifungo inomukirei mumoyo yenyu?39Tarirai maoko angu netsoka dzangu, kuti ndini ndomene. Ndibatei, muone, nekuti mweya hauna nyama nemafupa, sezvamunoona ndinazvo.40Zvino wakati areva izvi akavaratidza maoko netsoka.41Zvino vakati vachigere kutenda nekuda kwekufara vachishamisika, akati kwavari: Mune chinodyika pano here?42Zvino vakamupa nhindi yehove yakagochwa neyezinga reuchi.43Iye ndokutora akadya pamberi pavo.44Zvino wakati kwavari: Awa mashoko andakataura kwamuri ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvose zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, nepavaporofita nepaMapisarema maererano neni.45Ipapo akazarura kunzwisisa kwavo, kuti vanzwisise magwaro.46Ndokuti kwavari: Zvakanyorwa saizvozvi, saizvozvo zvakafanira Kristu kutambudzika, nekumuka kuvakafa zuva retatu,47uye kuti kutendeuka nekangamwiro yezvivi zviparidzirwe marudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.48Uye imwi muri zvapupu zvezvinhu izvi.49Zvino tarirai, ini ndinotuma chivimbiso chaBaba vangu pamusoro penyu; asi imwi garai muguta reJerusarema, kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.50Zvino akavatungamirira kunze kusvikira Bhetaniya, ndokusimudza maoko ake akavaropafadza.51Zvino zvakaitika achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.52Zvino vakamufugamira, vakadzokera kuJerusarema vane mufaro mukuru;53uye vakagara nguva dzose mutembere, vachirumbidza nekutenda Mwari. Ameni