Shona

John

17

1Jesu wakataura zvinhu izvi, ndokusimudzira meso ake kudenga, akati: Baba, awa rasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyuwo akukudzei;2sezvo makamupa simba pamusoro penyama yose, kuti vose vamakamupa, avape upenyu hwusingaperi.3Uye uhwu upenyu hwusingaperi, kuti vakuzivei imwi Mwari woga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.4Ini ndakakukudzai panyika; ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite;5uye ikozvino ndikudzei imwi, Baba, kwamuri pachenyu nerukudzo rwandaiva narwo ndinemwi nyika isati yavapo.6Ndaratidza zita renyu kuvanhu vamakandipa kubva munyika; vakange vari venyu, uye makavapa ini; uye vakachengeta shoko renyu.7Ikozvino voziva kuti zvose-zvose zvamakandipa, zvinobva kwamuri;8nekuti ndakapa kwavari mashoko amakandipa; uye ivo vakagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabuda kwamuri, uye vakatenda kuti imwi makandituma.9Ini ndinokumbirira ivo; handikumbiriri nyika, asi avo vamakandipa, nekuti ndevenyu;10uye zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; uye ndakakudzwa mavari.11Uye handichisiri munyika, asi ava vari munyika; uye ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu.12Pandaiva navo munyika, ini ndaivachengeta muzita renyu; avo vamakandipa, ndikachengetedza, uye hapana umwe wavo wakarasika, kunze kwemwanakomana wekurashwa, kuti rugwaro rwuzadziswe.13Asi ikozvino ndinouya kwamuri, uye zvinhu izvi ndinotaura munyika, kuti vave nemufaro wangu wakazadziswa mavari.14Ini ndakavapa shoko renyu, uye nyika yakavavenga, nekuti havasi venyika, seni ndisiri wenyika.15Handikumbiri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pane wakaipa.16Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.17Vaitei vatsvene muchokwadi chenyu; shoko renyu ichokwadi.18Sezvamakandituma panyika, neniwo ndavatuma panyika.19Uye ini ndinozviita mutsvene nekuda kwavo, kuti ivowo vaitwe vatsvene muchokwadi.20Uye handikumbiriri ava chete, asi naivo vachatenda kwandiri neshoko ravo;21kuti vose vave vamwe; semwi, Baba, mandiri, neni mamuri; kuti ivowo vave umwe matiri; kuti nyika itende kuti imwi makandituma.22Nekubwinya kwamakandipa, ini ndakavapa, kuti vave umwe, sesu tiri umwe.23Ini mavari, nemwi mandiri, kuti vapedzeredzwe vave umwe; uye kuti nyika izive kuti imwi makandituma, uye makavada, sezvamakandida.24Baba, ndinoda kuti ivowo vamakandipa, vave neni apo pandiri ini, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nekuti makandida mavambo enyika asati avapo.25Baba vakarurama, nenyika haina kukuzivai, asi ini ndakakuzivai, neava vakaziva kuti imwi makandituma;26uye ndakazivisa kwavari zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari, neni mavari.