Shona

John

16

1Zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti murege kugumburwa.2Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inouya, apo umwe neumwe unokuurayai uchafunga kuti unoitira Mwari basa.3Uye zvinhu izvi vachazviita kwamuri, nekuti havana kuziva Baba kana ini.4Asi zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti kana nguva yasvika, muzvirangarire kuti ini ndakakuudzai. Asi zvinhu izvi handina kuzvireva kwamuri kubva pakutanga, nekuti ndaiva nemwi.5Asi ikozvino ndinoenda kune wakandituma, uye hakuna umwe wenyu unondibvunza, achiti: Munoenda kupi?6Asi nekuti ndareva zvinhu izvi kwamuri, kusuruvara kwazadza moyo wenyu.7Asi ini ndinokuudzai chokwadi: Zvakanaka kwamuri kuti ini ndiende; nekuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.8Zvino kana asvika, iye uchapwisa nyika nezvechivi, uye nezvekururama, uye nezvemutongo;9zvechivi, nekuti havatendi kwandiri;10uye zvekururama, nekuti ndinoenda kuna Baba vangu, uye hamundionizve;11uye zvemutongo, nekuti mutungamiriri wenyika ino watongwa.12Ndichine zvinhu zvizhinji zvekutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura ikozvino;13asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, uchakutungamirirai kuchokwadi chose; nekuti haazozvitauriri pachake, asi choga choga chaanonzwa uchataura, uye uchakupirai zvinhu zvinouya.14Iye uchandirumbidza, nekuti uchatora pane zvangu, uye uchazvipira kwamuri.15Zvose Baba zvavanazvo, ndezvangu; ndokusaka ndichiti uchatora pane zvangu, agopira kwamuri.16Kwechinguvana uye hamuchandioni, uye kwechinguvana muchandiona, nekuti ini ndinoenda kuna Baba.17Zvino vamwe vevadzidzi vake vakataurirana vachiti: Chii ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguvana, hamuchandioni; uyezve kwechinguvana muchandiona; uye: Nekuti ini ndinoenda kuna Baba?18Naizvozvo vakati: Chii ichi chaanoreva: Chinguvana? Hatizivi chaanoreva.19Zvino Jesu waiziva kuti vakange vachishuva kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana pamusoro pezvizvi here kuti ndati: Kwechinguvana hamuchandioni, uyezve kwechinguvana muchandiona?20Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi muchachema nekurira, asi nyika ichafara; uye imwi muchava nekusuruvara, asi kusuruvara kwenyu kuchava mufaro.21Mukadzi kana achisununguka une marwadzo, nekuti awa rake rasvika; asi kana angopona mucheche, haacharangaririzve marwadzo, nekufara kuti munhu waponwa panyika.22Naizvozvo nemwi ikozvino mune kusuruvara; asi ndichazokuonaizve, nemoyo wenyu uchafara; uye hakuna munhu unokutorerai mufaro wenyu.23Zvino nezuva iro hamuchazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kuna Baba muzita rangu vachakupai.24Kusvikira ikozvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadzwe.25Zvinhu izvi ndataura kwamuri mumadimikira; asi nguva inouya apo ndisingazotaurizve kwamuri nemadimikira, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba.26Pazuva iro muchakumbira muzita rangu; uye handirevi kwamuri kuti ini ndichakukumbirirai kuna Baba;27nekuti Baba vemene vanokudai, nekuti imwi makandida, mukatenda kuti ini ndakabuda kuna Mwari.28Ndakabuda kuna Baba, uye ndakauya panyika; ndinobvazve panyika, uye ndinoenda kuna Baba.29Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai ikozvino motaura pachena, uye hamutauri madimikira.30Zvino tinoziva kuti munoziva zvinhu zvose, uye hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; neizvozvi tinotenda kuti makabuda kuna Mwari.31Jesu akavapindura akati: Ikozvino munotenda here?32Tarirai, awa rinouya, hongu ikozvino rasvika, rekuti muchaparadzirwa, umwe neumwe kune zvake, uye mundisiye ndoga; izvo handisi ndoga, nekuti Baba vaneni.33Ndareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve nerugare mandiri. Munyika muchava nedambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.