1Ini ndiri muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.2Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki chibereko, vanoribvisa; uye rimwe nerimwe rinobereka chibereko, vanorichekerera, kuti riwedzere kubereka chibereko.3Imwi matochena neshoko randataura kwamuri.4Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka zvibereko pacharo, kana risingagari mumuzambiringa, saizvozvo nemwi kwete, kana musingagari mandiri.5Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unobereka chibereko chakawanda; nekuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.6Kana munhu asingagari mandiri, unorashwa kunze sedavi, ndokusvava, vanoaunganidza, ndokukandira mumoto, apiswe.7Kana muchigara mandiri, nemashoko angu achigara mamuri, muchakumbira chero zvamunoda, uye muchazviitirwa.8Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti mubereke chibereko chakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.9Baba sezvavakandida, iniwo ndakakudai; garai murudo rwangu.10Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndakachengeta mirairo yaBaba vangu, ndinogara murudo rwavo.11Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, uye mufaro wenyu uzare.12Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudanane, sezvandakakudai.13Hakuna une rudo rukuru kune urwu, kuti munhu anoradzikira pasi shamwari dzake upenyu hwake.14Imwi muri shamwari dzangu, kana muchiita chipi nechipi ini chandinokurairai.15Handichakuidziizve varanda, nekuti muranda haazivi ishe wake chaanoita; asi ndakuidzai shamwari; nekuti zvose zvandakanzwa naBaba vangu, ndakakuzivisai.16Imwi hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, ndikakugadzai, kuti imwi muende mubereke chibereko, uye chibereko chenyu chigare; kuti chipi nechipi chamunokumbira kuna Baba muzita rangu, vakupei.17Izvi zvinhu ndinokurairai, kuti mudanane.18Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yavenga ini isati yakuvengai imwi.19Dai maiva venyika, nyika yaida zvayo pachayo; asi nekuti hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kubva panyika, naizvozvo nyika inokuvengai.20Rangarirai shoko ini randakareva kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake. Kana vakashusha ini, vachashusha imwiwo; kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta renyuwo.21Asi izvi zvose vachakuitirai nekuda kwezita rangu, nekuti havamuzivi wakandituma.22Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi ikozvino havana manzvengero pachivi chavo.23Unondivenga, unovenga Baba vanguwo.24Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina umwe wakaaita, vangadai vasina chivi; asi ikozvino vakaona ndokuvenga zvose ini naBaba vangu.25Asi kuti shoko rizadziswe rakanyorwa pamurairo wavo, rinoti: Vakandivenga pasina chikonzero.26Asi kana Munyaradzi auya, ini wandichatumira kwamuri kubva kuna Baba, Mweya wechokwadi, unobuda kuna Baba, uyu uchapupura nezvangu.27Nemwiwo muchapupura, nekuti maiva neni kubva pakutanga.