1Moyo wenyu ngaurege kutambudzika; imwi munotenda kuna Mwari, tendaiwo kwandiri.2Mumusha maBaba vangu mune dzimba zhinji; dai zvisina kudaro, ndingadai ndakakuudzai. Ndinoenda kunokugadzirirai nzvimbo.3Zvino kana ndikaenda ndikanokugadzirirai nzvimbo, ndichauyazve ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo ini pandiri, imwi muvepowo.4Uye ini pandinoenda munoziva, nenzira munoziva.5Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi kwamunoenda; ko tinogona kuziva sei nzira?6Jesu akati kwaari: Ini ndiri nzira, nechokwadi, neupenyu; hapana unouya kuna Baba, asi nekwandiri.7Dai maindiziva, maiziva Baba vanguwo; uye kubva ikozvino munovaziva, uye makavaona.8Firipi akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, uye zvakatikwanira.9Jesu akati kwaari: Ndava nemwi nguva refu yakadai, hausati wandiziva here, Firipi? Waona ini, waona Baba; zvino unoreva sei uchiti: Tiratidzei Baba?10Hautendi here kuti ini ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri ini, handiatauri pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa.11Nditendei kuti ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri; kana zvisakadaro nditendei nekuda kwemabasa omene.12Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri, mabasa ini andinoita iye uchaaitawo, uye makuru kune awa uchaaita; nekuti ini ndinoenda kuna Baba vangu.13Uye chero chipi chamunokumbira muzita rangu, icho ndichachiita, kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana.14Kana muchikumbira chero chipi muzita rangu, ini ndichachiita.15Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.16Neni ndichakumbira Baba, naivo vachakupai umwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nekusingaperi,17Mweya wechokwadi, iyo nyika yausingagoni kugamuchira, nekuti haimuoni, kana kumuziva. Asi imwi munomuziva, nekuti ugere nemwi, uchava mukati menyu.18Handingakusii muri nherera; ndichauya kwamuri.19Kuchine chinguvana, nenyika haichazondioni; asi imwi muchandiona; nekuti ndinorarama, imwiwo muchararama.20Nezuva iro imwi muchaziva kuti ndiri muna Baba vangu, nemwi mandiri, neni mamuri.21Une mirairo yangu achiichengeta, ndiye unondida; uye unondida uchadikamwa naBaba vangu; neni ndichamuda, uye ndichazviratidza kwaari.22Judhasi, kwete Isikariyoti, akati kwaari: Ishe, chii kuti munozozviratidza kwatiri, asi kwete kunyika?23Jesu akapindura akati kwaari: Kana munhu achindida, uchachengeta shoko rangu, naBaba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari, tikaita ugaro naye.24Usingandidi, haachengeti mashoko angu; neshoko ramunonzwa harizi rangu, asi raBaba vakandituma.25Zvinhu izvozvi ndazvitaura kwamuri ndigere nemwi.26Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, iwo Baba wavachatuma muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvinhu zvose, uye akuyeudzirei zvose zvandakataura kwamuri.27Rugare ndinosiya kwamuri; rugare rwangu ndinopa kwamuri; kwete nyika sezvainopa, ini ndinopa kwamuri. Moyo yenyu ngairege kutambudzika, kana kutya.28Manzwa kuti ini ndati kwamuri: Ndinoenda, uye ndichauya kwamuri. Kana maindida, maifara, nekuti ndati: Ndinoenda kuna Baba; nekuti Baba vangu vakuru kwandiri.29Uye ikozvino ndakuudzai zvisati zvaitika; kuti kana zvoitika mutende.30Handichazotaurizve zvizhinji nemwi; nekuti mutongi wenyika ino unouya, asi haana chinhu kwandiri;31asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye Baba sezvavakandiraira, ndinoita saizvozvo. Simukai, ngatibve pano.