1Zvino mabiko epasika asati asvika, Jesu woziva kuti awa rake rasvika kuti abve munyika ino, aende kuna Baba, ada vake vari munyika, wakavada kusvikira pamagumo.2Zvino chirairo chakati chaitika, dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Isikariyoti, waSimoni, kuti amutengese,3Jesu achiziva kuti Baba vakapa zvinhu zvose mumaoko ake, uye kuti wakabva kuna Mwari uye anoenda kuna Mwari,4akasimuka kubva pachirayiro, akabvisa nguvo, akatora mucheka akazvimonera.5Shure kwaizvozvi wakadira mvura mundiro, ndokutanga kushambidza tsoka dzevadzidzi, nekupusika nemucheka waakange akamonerwa nawo.6Naizvozvo wakasvika kuna Simoni Petro; iye ndokuti kwaari: Ishe, imwi moshambidza tsoka dzangu here?7Jesu akapindura ndokuti kwaari: Chandinoita ini, iwe hauzivi ikozvino; asi uchaziva shure kweizvi.8Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nekusingaperi. Jesu akamupindura akati: Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni.9Simoni Petro akati kwaari: Ishe, kwete tsoka dzangu dzoga, asi maokowo nemusoro.10Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu kunze kwekushamba tsoka, asi wakachena chose; uye imwi makachena asi kwete mose.11Nekuti wakange achiziva uyo waizomutengesa; nekuda kwaizvozvi wakati: Hamuna kuchena mose.12Naizvozvo ashambidza tsoka dzavo, wakatora nguvo dzake, agarazve pakudya, akati kwavari: Munoziva zvandaita kwamuri here?13Imwi munondidaidza kuti Mudzidzisi, uye: Ishe; uye munoreva zvakanaka, nekuti ndini iye.14Zvino kana ini, Ishe neMudzidzisi, ndashambidza tsoka dzenyu, imwiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.15Nekuti ndakupai muenzaniso, kuti nemwi muite ini sezvandaita kwamuri.16Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa haasi mukuru kune wakamutuma.17Kana muchiziva zvinhu izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.18Handitauri maererano nemwi mose; ini ndinoziva vandakasarudza; asi kuti rugwaro ruzadziswe, runoti: Unodya chingwa neni wakandisimudzira chitsitsinho chake.19Kubva ikozvino ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti, kana zvichiitika, mugotenda kuti ndini.20Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unogamuchira ani nani wandinotuma, unogamuchira ini; neunogamuchira ini, unogamuchira wakandituma.21Jesu wakati areva saizvozvi akatambudzika mumweya, akapupura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Umwe wenyu uchanditengesa.22Naizvozvo vadzidzi vakatarirana, vachikahadzika kuti waataura pamusoro paani.23Zvino kwakange kugere pakudya pachifuva chaJesu umwe wevadzidzi vake, Jesu waaida;24naizvozvo Simoni Petro akamuninira, kubvunza kuti ndiani waanotaura pamusoro pake.25Iye achizendamirawo pachifuva chaJesu, akati kwaari: Ishe, ndiani?26Jesu akapindura akati: Ndiye ini wandichapa chimedu kana ndaseva. Zvino aseva chimedu, akapa Judhasi Isikariyoti waSimoni.27Zvino shure kwechimedu, ipapo Satani akapinda maari. Jesu ndokuti kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza.28Asi hakuna kune vakange vagere pakudya wakaziva kuti wakazvireverei kwaari.29Nekuti vamwe vakafunga kuti, sezvo Judhasi aiva nechikwama, Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chimwe chinhu.30Naizvozvo iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; zvino hwakange hwuri usiku.31Naizvozvo wakati abuda, Jesu akati: Ikozvino Mwanakomana wemunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari.32Kana Mwari akudzwa maari, Mwari uchamukudzawo maari pachake, zvino achamukudza pakarepo.33Vana vaduku, ndichinemwi chinguva chiduku. Muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, kuti: Ini kwandinoenda, imwi hamugoni kuuyako, ndinorevawo kwamuri ikozvino.34Murairo mutsva ndinopa kwamuri, kuti mudanane; sezvandakakudai, kuti imwi mudananewo.35Pane izvi vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo umwe kune umwe.36Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoenda kupi? Jesu akamupindura, akati: Kwandinoenda, haungagoni kunditevera ikozvino; asi uchanditevera pashure.37Petro akati kwaari: Ishe, handigoni kukuteverai ikozvino nei? Ndichakuradzikirai upenyu hwangu pasi.38Jesu akamupindura, akati: Ucharadzikira upenyu hwako ini here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Jongwe haringatongoriri kusvikira wandiramba katatu.