1Zvino mazuva matanhatu pasika isati yasvika Jesu wakasvika Bhetaniya, paiva naRazaro wakange afa, waakamutsa kuvakafa.2Naizvozvo vakamuitira chirayiro ipapo, uye Marita waishandira; naRazaro wakange ari umwe wevakange vagere naye pakudya.3Zvino Maria akatora paundi* yemafuta enadhi* omene, ane mutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nekunhuhwira kwemafuta.4Naizvozvo umwe wevadzidzi vake, Judhasi Isikariyoti waSimoni wakange achazomutengesa, akati:5Mafuta awa aregerei kutengeswa nemadhenari* mazana matatu, akapiwa varombo?6Wakarevawo izvi, kwete kuti wakava nehanya nevarombo, asi nekuti waiva mbavha, uye waiva nechikwama, achitakura zvaiiswamo.7Naizvozvo Jesu wakati: Muregei; wamachengetedzera zuva rekuvigwa kwangu.8Nekuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose.9Naizvozvo chaunga chikuru chevaJudha chakaziva kuti uripo; ndokuuya kwete nekuda kwaJesu chete, asi kuti vaonewo Razaro, waakange amutsa kuvakafa.10Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye Razarowo;11nekuti nekuda kwake vazhinji vevaJudha vaibva, vachitenda kuna Jesu.12Chifume chaunga chikuru chakange chauya kumutambo, chakati chanzwa kuti Jesu unouya kuJerusarema,13vakatora matavi emichindwe, vakabuda kunomuchingamidza, vakadanidzira vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa unouya muzita raIshe, Mambo waIsraeri.14Zvino Jesu awana dhongwana, akagara pamusoro paro, sezvazvakanyorwa zvichinzi:15Usatya, mukunda weZiyoni; tarira, Mambo wako unouya, agere pamusoro pedhongwana redhongi.16Vadzidzi vake havana kunzwisisa zvinhu izvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, ipapo vakazorangarira kuti zvinhu izvi zvakange zvakanyorwa pamusoro pake, uye vakange vamuitira zvinhu izvi.17Naizvozvo chaunga chaiva naye paakadana Razaro kuti abude muguva, nekumumutsa kuvakafa, chakapupura.18Saka chaunga chakamuchingamidzavo, nekuti vakange vanzwa kuti wakaita chiratidzo ichochi.19Naizvozvo vaFarisi vakataurirana, vachiti: Munoona kuti hamubatsiri chinhu; tarirai nyika inomutevera.20Zvino kwaiva nevamwe vaGiriki pakati pevakange vakwira kunoshumira kumutambo;21ndivo vakauya kuna Firipi weBhetisaidha reGarirea, vakamukumbira vachiti: Ishe, tinoda kuona Jesu.22Firipi akasvika akaudza Andiriyasi; uye Andiriyasi naFiripi vakaudzazve Jesu.23Jesu ndokuvapindura achiti: Awa rasvika rekuti Mwanakomana wemunhu akudzwe.24Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti tsanga yegorosi yawira muvhu ikafa, iyo inogara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka chibereko chakawanda.25Uyo unoda upenyu hwake ucharashikirwa nahwo; neunovenga upenyu hwake panyika ino uchahwuchengetedza kusvikira kuupenyu hwusingaperi.26Kana munhu achindishandira, ngaanditevere; nepandiri ini, uchavapowo muranda wangu. Uye kana munhu achindishandira, Baba vachamukudza.27Ikozvino mweya wangu unotambudzika; zvino ndichatiyi? Baba, ndiponesei paawa rino. Asi nekuda kweizvi, ndasvika paawa rino.28Baba, rumbidzai zita renyu. Naizvozvo inzwi rakauya richibva kudenga, richiti: Ndatorikudza, uye ndicharikudzazve.29Naizvozvo chaunga chakange chimire chichizvinzwa chakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye.30Jesu akapindura akati: Inzwi iri harina kuuya nekuda kwangu, asi nekuda kwenyu.31Ikozvino pane mutongo wenyika ino; zvino mutungamiriri wenyika ino uchadzingirwa panze.32Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.33Wakarevawo izvi achiratidza kuti waizofa nerufu rwakadini.34Chaunga chakamupindura chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu uchagara nekusingaperi; zvino imwi moreva sei kuti: Mwanakomana wemunhu unofanira kusimudzwa? Ndiani uyu Mwanakomana wemunhu?35Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Pachine chinguvana chiedza chichinemwi. Fambai muchine chiedza, zvimwe rima ringakukundai; uye unofamba murima haazivi kwaanoenda.36Muchine chiedza, tendai kuchiedza, kuti muve vana vechiedza. Jesu wakareva zvinhu izvi, akabva, akazvivanza kwavari.37Kunyange akange aita zviratidzo zvizhinji kudai pamberi pavo, havana kutenda kwaari;38kuti shoko raIsaya muporofita rizadziswe, raakareva achiti: Ishe, ndiani wakatenda mharidzo yedu? Neruoko rwaIshe rwakazarurirwa kuna ani?39Naizvozvo vakange vasingagoni kutenda, nekuti Isaya wakatizve:40Wakapofumadza meso avo, akawomesa moyo wavo; kuti varege kuona nemeso kana kunzwisisa nemoyo, vagotendeuka, ndigovaporesa.41Isaya wakareva zvinhu izvi, paakaona kubwinya kwake, ndokutaura pamusoro pake.42Asi kunyange zvakadaro, vazhinji vevatongiwo vakatenda kwaari; asi nekuda kwevaFarisi vakange vasingabvumi, kuti varege kubudiswa musinagoge;43nekuti vakada rukudzo rwevanhu kupfuura rukudzo rwaMwari.44Zvino Jesu wakadanidzira akati: Unotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kune wakandituma.45Neunoona ini, unoona wakandituma.46Ini ndakauya ndiri chiedza panyika, kuti ani nani unotenda kwandiri arege kugara murima.47Uye kana ani nani achinzwa mashoko angu akasatenda, handimutongi ini; nekuti handina kuuya kuti nditonge nyika, asi kuti ndiponese nyika.48Uyo unondiramba asingagamuchiri mashoko angu, une umwe unomutonga; shoko randakareva, ndiro richamutonga nezuva rekupedzisira.49Nekuti ini handina kureva zvemusoro wangu, asi Baba vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura.50Uye ndinoziva kuti murairo wavo upenyu hwusingaperi; naizvozvo ini zvandinotaura, saBaba zvavakataura kwandiri, saizvozvo ndinotaura.