1Kwaiva neumwe wairwara, wainzi Razaro weBhetaniya, mumusha waMaria nemukoma wake Marita.2Waiva iye Maria wakazodza Ishe nemafuta, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake, hanzvadzi yake Razaro wakange achirwara.3Naizvozvo hanzvadzi dzakatumira kwaari dzichiti: Ishe, tarirai uyo wamunoda unorwara.4Jesu wakati anzwa akati: Ukosha uhwu hahwusviki murufu, asi ndehwembiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nahwo.5Zvino Jesu wakange achida Marita nemunin'ina wake naRazaro.6Naizvozvo wakati anzwa kuti unorwara, ipapo akagara amwe mazuva maviri panzvimbo paakange ari.7Shure kweizvozvo wakati kuvadzidzi: Hendeizve Judhiya.8Vadzidzi vakati kwaari: Rabhi*, vaJudha vachangobva kutsvaka kukutakai nemabwe; zvino moendazve ikoko here?9Jesu akapindura akati: Hapana maora gumi nemaviri masikati here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nekuti unoona chiedza chenyika ino.10Asi kana munhu achifamba usiku, unogumburwa, nekuti hamuna chiedza maari.11Wakataura zvinhu izvi, shure kweizvozvo ndokuti kwavari: Shamwari yedu Razaro yarara; asi ndinoenda kuti ndimumutse.12Naizvozvo vadzidzi vake vakati: Ishe, kana arere, uchanaya.13Asi Jesu wakareva zverufu rwake; asi ivo vakafunga kuti unoreva kuzorora kwehope.14Naizvozvo ipapo Jesu akavaudza pachena: Razaro wafa.15Zvino ndinofara nekuda kwenyu kuti ndakange ndisipo, kuti mugotenda; asi hendei kwaari.16Naizvozvo Tomasi, wainzi Dhidhimo, wakati kuna vamwe vadzidzi pamwe naye: Hendei isuwo kuti tinofa naye.17Zvino Jesu wakati achisvika, akawana atova muguva mazuva mana.18Zvino Bhetaniya rakange riri pedo neJerusarema, masitadhiya* anenge gumi nemashanu kubva ipapo;19nevazhinji vevaJudha vakange vauya kuna Marita naMaria, kuti vavanyaradze pamusoro pehanzvadzi yavo.20Zvino Marita wakati angonzwa kuti Jesu wouya, akaenda kunomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba.21Marita ndokuti kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.22Asi naikozvino ndinoziva kuti zvipi zvazvo zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari uchakupai.23Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamukazve.24Marita akati kwaari: Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rekupedzisira.25Jesu akati kwaari: Ndini kumuka neupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama;26uye umwe neumwe unorarama uye unotenda kwandiri, haangatongofi nekusingaperi. Unotenda izvi here?27Akati kwaari: Hongu, Ishe; ini ndinotenda kuti ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari, waizouya panyika.28Zvino wakati areva izvi akaenda, akanodana Maria munin'ina wake pachivande, akati: Mudzidzisi wasvika, unokudana.29Iye wakati achingozvinzwa, akakurumidza kusimuka akaenda kwaari.30Zvino Jesu wakange asati asvika pamusha, asi wakange achiri panzvimbo Marita paakamuchingamidza.31Naizvozvo vaJudha vakange vanaye mumba vachimunyaradza, vakati vachiona Maria kuti wakasimuka nekukurumidza achibuda, vakamutevera vachiti: Unoenda kuguva kuti acheme.32Zvino Maria, wakati achisvika pakange pana Jesu, achimuona, akawira patsoka dzake, achiti kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.33Naizvozvo Jesu wakati achimuona achichema, vaJudhawo vachichema vakange vauya naye, akagomera mumweya, akazvitambudza,34akati: Mamuradzikepi? Vakati kwaari: Ishe, uyai muone.35Jesu akachema misodzi.36Zvino vaJudha vakati: Tarirai kuti waimuda sei.37Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haagoni kuita here kuti uyuwo asafa?38Naizvozvo Jesu wakagomerazve mukati make asvika paguva. Zvino raiva bako, nebwe rakange rakaradzikwa pamusoro paro.39Jesu akati: Bvisai ibwe. Marita hanzvadzi yewakafa akati kwaari: Ishe, wotonhuhwa; nekuti une mazuva mana.40Jesu akati kwaari: Handina kutaura here kwauri, kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?41Naizvozvo vakabvisa ibwe, pakange paradzikwa wakafa. Jesu ndokusimudzira meso kumusoro, ndokuti: Baba, ndinokuvongai nekuti imwi mandinzwa.42Asi ini ndanga ndichiziva kuti munondinzwa nguva dzose; asi nekuda kwechaunga chakakomberedza ndareva, kuti vatende kuti imwi makandituma.43Zvino wakati areva izvozvi, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda!44Uyo wakange afa ndokubuda, akasungwa makumbo nemaoko nemicheka yeguva, nechiso chake chakapombwa nemucheka wekumeso. Jesu akati kwavari: Musunungurei, mumurege aende.45Naizvozvo vazhinji vevaJudha, vakange vauya kuna Maria vakati vaona Jesu zvaakaita, vakatenda kwaari.46Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi, ndokuvaudza zvinhu Jesu zvaakange aita.47Naizvozvo vapristi vakuru nevaFarisi vakaunganidza dare remakurukota, vakati: Todini? Nekuti uyu munhu unoita zviratidzo zvizhinji.48Kana tikamurega akadaro, vose vachatenda kwaari; nevaRoma vachauya vakatora zviri zviviri nzvimbo nerudzi rwedu.49Asi umwe wavo, Kayafasi, wakange ari mupristi mukuru gore iroro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu imwi,50uye hamurangariri kuti zvakatinakira kuti munhu umwe afire vanhu, uye rudzi rwose rurege kuparara.51Asi haana kureva izvi pachake, asi zvaakange ari mupristi mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waizofira rudzi urwo,52uye kwete rudzi urwo rwoga, asi kutiwo aunganidze vana vaMwari vakapararira vave umwe.53Zvino kubva pazuva iro vakarangana kuti vamuuraye.54Naizvozvo Jesu haana kuzombofamba pachena pakati pevaJudha, asi wakabvapo akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efuremu, ndokugarako nevadzidzi vake.55Zvino pasika yevaJudha yakange yaswedera; vazhinji ndokubuda mumaruwa vakakwira kuJerusarema pasika isati yasvika, kuti vazvichenure.56Naizvozvo vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, vachiti: Munofungei? Kuti haangatongouyi kumutambo here?57Zvino vose vapristi vakuru nevaFarisi vakange vapa murairo kuti kana kune unoziva kwaari, azivise, kuti vamubate.