Shona

John

10

1Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Usingapindi napamukova mudanga remakwai, asi unokwira nekumwe, ndiye mbavha negororo.2Zvino unopinda nepamukova mufudzi wemakwai.3Murindi wemukova unomuzarurira, nemakwai anonzwa inzwi rake, uye unodana makwai ake nezita, nekuatungamirira kunze.4Uye kana abudisa makwai ake, unoatungamirira; nemakwai anomutevera, nekuti anoziva inzwi rake.5Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nekuti haazivi inzwi revaeni.6Jesu wakareva dimikira iri kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhui zvaakataura kwavari.7Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai;8vose vakanditangira kuuya imbavha nemakororo, asi makwai haana kuvanzwa.9Ini ndiri mukova; kana munhu achipinda neni, uchaponeswa, uchapinda nekubuda, nekuwana mafuro.10Mbavha haiuyi asi kungozoba nekuuraya nekuparadza; ini ndakauya, kuti vave neupenyu, uye vave nezvinopfachukira.11Ini ndiri mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka unoradzikira pasi makwai ake upenyu hwake.12Asi muricho, usati ari mufudzi, makwai asati ari ake pachake, unoona bumhi richiuya, akasiya makwai, ndokutiza; bumhi rinoabata, nekuparadzira makwai.13Muricho unotiza nekuti muricho, uye haana hanya nemakwai.14Ini ndiri mufudzi wakanaka, uye ndinoziva angu, ndinozikamwa neangu,15Baba sezvavanondiziva, saizvozvo neni ndinoziva Baba; zvino ndinoradzikira pasi makwai upenyu hwangu.16Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe mufudzi umwe.17Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nekuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihwutorezve.18Hakuna ungahwutora kubva kwandiri, asi ini ndinohwuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhwuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhwutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu.19Naizvozvo kukavapozve kupesana pakati pevaJudha nekuda kwemashoko awa.20Vazhinji vavo vakati: Une dhimoni uye unopenga; munomuteererei?21Vamwe vakati: Mashoko awa haasi eune dhimoni; ko dhimoni ringagona kusvinudza meso emapofu here?22Zvino paiva nemutambo wekuvandudza paJerusarema, chaiva chando;23Jesu ndokufamba-famba mutembere muberere raSoromoni.24Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Kusvikira rinhi uchigara wakaremberedza mweya yedu? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.25Jesu akavapindura akati: Ndakakuudzai, asi hamuna kutenda; mabasa andinoita ini muzita raBaba vangu ndiwo anopupura nezvangu;26asi imwi hamutendi; nekuti hamusi vemakwai angu, sezvandakareva kwamuri.27Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera;28uye ini ndinoapa upenyu hwusingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna uchaabvuta muruoko rwangu.29Baba vangu vakandipa iwo vakuru kune vose; uye hakuna unogona kuabvuta muruoko rwaBaba vangu.30Ini naBaba tiri umwe.31Naizvozvo vaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.32Jesu akavapindura akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kuna Baba vangu; nderipi remabasa awa ramunonditakira?33VaJudha vakamupindura vachiti: Hatikutakiri basa rakanaka, asi kunyomba; uye nekuti iwe uri munhu unozviita Mwari.34Jesu akavapindura akati: Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ini ndakati: Muri vamwari?35Kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye rugwaro harwugoni kuputswa;36imwi munoti kune uyo Baba vakamuita mutsvene vakamutuma panyika: Unonyomba, nekuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari?37Kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, musanditenda.38Asi kana ndichiaita, kunyange musingatendi ini, tendai mabasa; kuti muzive nekutenda kuti Baba vari mandiri, neni mavari.39Zvino vakatsvakazve kumubata; asi wakabuda paruoko rwavo.40Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani kunzvimbo Johwani kwaaibhabhatidza pakutanga; ndokugarapo.41Zvino vazhinji vakauya kwaari vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi chose chakareva Johwani pamusoro peuyu chaiva chokwadi.42Vazhinji ndokutenda kwaari ipapo.