1Wakati achipfuura, akaona munhu bofu kubva pakuberekwa.2Vadzidzi vake ndokumubvunza, vachiti: Rabhi*, ndiani wakatadza, uyu kana vabereki vake, kuti aberekwe ari bofu?3Jesu akapindura akati: Uyu haana kutadza, kana vabereki vake; asi kuti mabasa aMwari aoneswe maari.4Ndinofanira kushanda mabasa ewakandituma achiri masikati; usiku hwunouya, apo pasina munhu angagona kushanda.5Kana ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.6Wakati areva izvi, akapfira pasi, akaita dope nemate, akazodza dope pameso ebofu,7akati kwaari: Enda unoshamba mudziva reSiroami (zvinoshandurwa kuti: Wakatumwa). Naizvozvo wakaenda akashamba, akadzoka achiona.8Naizvozvo vavakidzani nevaimuona pakutanga kuti wakange ari bofu, vakati: Haazi iye uyu waigara achipemha here?9Vamwe vakati: Uyu ndiye; asi vamwe vakati: Wakaita saiye. Iye akati: Ndini.10Naizvozvo vakati kwaari: Meso ako akazarurwa sei?11Iye akapindura akati: Munhu unonzi Jesu wakaita dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami undoshamba. Zvino ndikaenda ndikashamba, ndikaonazve.12Naizvozvo vakati kwaari: Iye uripi? Akati: Handizivi.13Vakamuisa kuvaFarisi, iye waimbova bofu.14Zvino raiva sabata apo Jesu akaita dope, akasvinudza meso ake.15Naizvozvo zvekare vaFarisi vakamubvunzawo, kuti wakaonazve sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu ndikashamba, ndoona.16Naizvozvo vamwe vevaFarisi vakati: Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nekuti haachengeti sabata. Vamwe vakati: Munhu uri mutadzi ungaita sei zviratidzo zvakadai? Kukava nekupesana pakati pavo.17Vakatizve kubofu: Iwe unoti kudini pamusoro pake, sezvo asvinudza meso ako? Akati: Muporofita.18Zvino vaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti wakange ari bofu, akaonazve, kusvikira vadana vabereki vewakaonazve,19naizvovo zvino vakavabvunza, vachiti: Uyu mwanakomana wenyu imwi wamunoti wakaberekwa ari bofu here? Ikozvino woona sei?20Vabereki vake vakavapindura vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti wakaberekwa ari bofu;21asi kuti ikozvino woona sei, hatizivi; kana ndiani wasvinudza meso ake, isu hatizivi; iye wayaruka, mubvunzei, iye pachake uchazvitaurira.22Vabereki vake vakareva izvi, nekuti vaitya vaJudha; nekuti vaJudha vakange vatotenderana kuti kana ani nani unobvuma kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge.23Naizvozvo vabereki vake vakati: Wayaruka, mubvunzei.24Naizvozvo vakadana rwechipiri iye munhu wakange ari bofu, vakati kwaari: Ipa Mwari rumbidzo; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.25Naizvozvo iye akapindura achiti: Kunyange ari mutadzi handizivi; chinhu chimwe chandinoziva, kuti ndaiva bofu, ikozvino ndoona.26Zvino vakati kwaarizve: Wakaitei kwauri? Wakasvinudza meso ako sei?27Akavapindura, akati: Ndadokuudzai, asi hamuna kunzwa, munodirei kunzwa zvekare? Nemwi munoda kuva vadzidzi vake kanhi?28Naizvozvo vakamutuka, vakati: Ndiwe mudzidzi wake; asi isu tiri vadzidzi vaMozisi.29Isu tinoziva kuti Mwari wakataura kuna Mozisi; asi uyu hatizivi kwaanobva.30Munhu akapindura akati kwavari: Nekuti pachinhu ichi pane chinoshamisa, kuti imwi hamuzivi kwaanobva, asi wasvinudza meso angu.31Zvino tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu ari mushumiri waMwari, achiita chido chake, uyu unomunzwa.32Kubvira rinhi hakuna kumbonzwika kuti umwe wakasvinudza meso ewakaberekwa ari bofu.33Dai uyu anga asingabvi kuna Mwari, haazaigona kuita chinhu.34Vakapindura vakati kwaari: Iwe zvachose wakaberekerwa muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa here? Vakamudzingira kunze.35Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here?36Iye akapindura akati: Ndiani, Ishe, kuti nditende kwaari?37Jesu ndokuti kwaari: Newe wamuona, uye ndiye unotaura newe.38Zvino akati: Ishe ndinotenda; akamunamata.39Jesu ndokuti: Kutonga ndiko ini kwandakauyira panyika ino, kuti vasingaoni vaone; nevanoona vave mapofu.40Uye avo vevaFarisi vaiva naye vakanzwa zvinhu izvi, vakati kwaari: Nesu tiri mapofu here?41Jesu akati kwavari: Dai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi ikozvino munoti: Tinoona; naizvozvo chivi chenyu chinoramba chiripo.