1Asi Jesu wakaenda kugomo reMiorivhi.2Zvino mangwanani-ngwanani wakauyazve kutembere, vanhu vose ndokuuya kwaari; iye ndokugara pasi akavadzidzisa.3Zvino vanyori nevaFarisi vakauya kwaari nemukadzi wakabatwa mukufeva, vakati vamumisa pakati,4vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wabatwa achifeva, pachiitiko chaipo;5zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe nemabwe; naizvozvo imwi munoti kudini?6Asi izvozvi vakareva vachimuidza, kuti vave nechavangamupomera. Asi Jesu wakakotamira pasi, akanyora pasi nemumwe, seusina kuvaona.7Zvino vakati vachiramba vachimubvunza, akatasamuka akati kwavari: Usina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.8Zvino akakotamirazve pasi, akanyora pasi.9Zvino ivo vanzwa, vachipiwa mhosva nehana dzavo, vakabuda umwe-umwe, kutanga kuvakuru kusvikira kune vekupedzisira; Jesu akasara ari oga, nemukadzi amire pakati.10Jesu wakati atasamuka, akasaona munhu asi mukadzi, akati kwaari: Mai, varipi vaya vapomeri vako? Hakuna wakupa mhosva here?11Iye ndokuti: Hakuna, Ishe. Jesu ndokuti kwaari: Neni handikupi mhosva. Enda, usachitadzazve.12Naizvozvo Jesu wakataurazve kwavari, achiti: Ini ndiri chiedza chenyika; unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza cheupenyu.13Naizvozvo vaFarisi vakati kwaari: Iwe unopupura nezvako; uchapupu hwako hahuna chokwadi.14Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichipupura nezvangu ini, uchapupu hwangu ndehwechokwadi; nekuti ndinoziva kwandakabva, uye kwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, uye kwandinoenda.15Imwi munotonga maererano nenyama; ini handitongi munhu.16Asi kunyange ini ndichitonga, kutonga kwangu ndekwechokwadi; nekuti handisi ndoga, asi ini naBaba vakandituma.17Uye mumurairo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi.18Ndini ndinopupura nezvangu, naBaba vakandituma vanopupura nezvangu.19Naizvozvo vakati kwaari: Baba vako varipi? Jesu akapindura akati: Hamuzivi ini, kana Baba vangu. Dai maindiziva ini, mungadai maiziva Baba vanguwo.20Jesu wakataura mashoko awa muchivigiro chezvipo, achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakamubata, nekuti awa rake rakange risati rasvika.21Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ini ndinoenda, uye muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; ini pandinoenda, imwi hamugoni kuuyapo.22Naizvozvo vaJudha vakati: Uchazviuraya kanhi? Nekuti unoti: Pandinoenda ini, imwi hamugoni kuuya?23Zvino akati kwavari: Imwi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro; imwi munobva panyika ino, ini handibvi panyika ino.24Naizvozvo ndareva kwamuri kuti, muchafira muzvivi zvenyu; nekuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.25Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Jesu ndokuti kwavari: Ndizvo zvandakuudzaiwo kubva pakutanga.26Ndine zvinhu zvizhinji zvekutaura nekutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndewechokwadi, uye izvo zvandakanzwa ini kwaari ndizvo zvandinotaura kunyika.27Havana kunzwisisa kuti unotaura kwavari zvaBaba.28Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Kana masimudza Mwanakomana wemunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye handiiti chinhu pachangu, asi baba vangu sezvavakandidzidzisa, ndinotaura zvinhu izvi.29Zvino iye wakandituma uneni; Baba havana kundisiya ndoga, nekuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza.30Achiri kutaura izvi vazhinji vakatenda kwaari.31Naizvozvo Jesu wakati kuvaJudha vakatenda kaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo;32uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.33Vakamupindura vakati: Tiri mbeu yaAbhurahamu, uye hatina kutongova varanda vemunhu; zvino iwe unoreva sei kuti muchasunungurwa?34Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ani nani unoita chivi muranda wechivi.35Uye muranda haagari mumba nekusingaperi; mwanakomana unogara nekusingaperi.36Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunugurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo.37Ndinoziva kuti muri mbeu yaAbhurahamu; asi munotsvaka kundiuraya, nekuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.38Ini ndinotaura izvo zvandakaona kuna Baba vangu; naizvozvo nemwi munoita izvo zvamakaona kuna baba venyu.39Vakapindura vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahamu. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahamu, maiita mabasa aAbhurahamu.40Asi ikozvino munotsvaka kundiuraya, munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari; izvo Abhurahamu haana kuzviita.41Imwi munoita mabasa ababa venyu. Naizvozvo vakati kwaari: Hatina kuberekwa neupombwe isu; tina Baba vamwe, Mwari.42Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva Baba venyu, maindida; nekuti ini ndakabuda ndichibva kuna Mwari; nekuti handina kuzviuyira, asi iye wakandituma.43Sei musinganzwisisi nhaurwa yangu? Nekuti hamugoni kunzwa shoko rangu.44Imwi muri vababa venyu dhiabhorosi, munoda kuita zvishuvo zvababa venyu. Iye wakange ari mhondi kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nekuti maari hamuna chokwadi. Kana achitaura nhema, unotaura pachake; nekuti mutauri wenhema uye baba vadzo.45Asi nekuti ini ndinoreva chokwadi, hamunditendi.46Ndiani kwamuri ungandipomera pamusoro pechivi? Uye kana ndichireva chokwadi, imwi munoregerei kunditenda?47Uyo unobva kuna Mwari unonzwa mashoko aMwari; naizvozvo imwi hamunzwi, nekuti hamubvi kuna Mwari.48Naizvozvo vaJudha vakapindura vakati kwaari: Isu hatina kureva kwazvo here kuti iwe uri muSamaria, uye une dhimoni?49Jesu akapindura, akati: Ini handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu; asi imwi munondizvidza.50Asi ini handitsvaki rumbidzo yangu; uriko unotsvaka nekutonga.51Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu nekusingaperi.52Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Ikozvino toziva kuti une dhimoni; Abhurahamu wakafa, nevaporofita, asi iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu nekusingaperi.53Iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahamu, vakafa? Nevaporofita vakafa; iwe unozviita ani?54Jesu akapindura akati: Kana ini ndichizvikudza, rukudzo rwangu harwusi chinhu; ndiBaba vangu vanondikudza, avo imwi vamunoti ndiMwari wenyu.55Uye hamuna kuvaziva; asi ini ndinovaziva, uye kana ndikati handivazivi, ndichava murevi wenhema semwi; asi ndinovaziva, ndinochengeta shoko ravo.56Baba venyu Abhurahamu vakafara kuona zuva rangu, uye vakariona vakapembera.57Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Hausati wava nemakore makumi mashanu, zvino wakaona Abhurahamu here?58Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahamu asati avapo, ini ndiripo.59Ipapo vakanonga mabwe kuti vaposhere kwaari; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere, achigura nepakati pavo; akapfuura saizvozvo.