Shona

John

7

1Shure kwezvinhu izvi Jesu wakafamba-famba muGarirea; nekuti wakange asingadi kufamba-famba muJudhiya, nekuti vaJudha vakange vachitsvaka kumuuraya.2Zvino mutambo wevaJudha, mutambo wematende wakange waswedera.3Naizvozvo vanin'ina vake vakati kwaari: Ibvai pano muende muJudhiya, kuti vadzidzi venyuwo vaone mabasa enyu amunoita.4Nekuti hakuna unoita chinhu muchivande asi iye amene achitsvaka kuva pachena. Kana uchiita zvinhu izvi, zviratidze kunyika.5Nekuti kunyange vanin'ina vake vaiva vasingatendi kwaari.6Naizvozvo Jesu akati kwavari: Nguva yangu haisati yasvika, asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.7Nyika haigoni kukuvengai; asi ini inondivenga, nekuti ini ndinopupura nezvayo, kuti mabasa ayo akaipa.8Kwirai imwi kumutambo uyu; ini handisati ndokwira kumutambo uyu, nekuti nguva yangu haisati yazadzisika.9Wakati areva zvinhu izvi kwavari, akagara muGarirea.10Asi vanin'ina vake vakati vakwira, naiye akabva okwira kumutambo, kwete pachena, asi panenge sepachivande.11Zvino vaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Uripi iye?12Kwakavapo kun'u'nuna kukuru pakati pezvaunga pamusoro pake; vamwe vachiti: Wakanaka. Asi vamwe vachiti: Kwete, asi unotsausa chaunga.13Kunyange zvakadaro kwakange kusina munhu wakataura pachena pamusoro pake nekutya vaJudha.14Zvino pava pakati pemutambo, Jesu akakwira kutembere, akadzidzisa.15Zvino vaJudha vakashamisika vachiti: Uyu unoziva sei magwaro asina kudzidza?16Jesu akavapindura akati: Dzidziso yangu haizi yangu, asi yake wakandituma.17Kana munhu achida kuita chido chake, uchaziva zvedzidziso kana ichibva kuna Mwari, kana kuti ini ndinotaura zvemusoro wangu.18Unozvitaurira pachake, unotsvaka rumbidzo yake; asi unotsvaka kurumbidzwa kwewakamutuma, ndiye wechokwadi, uye hapana kusarurama maari.19Mozisi haana kukupai murairo here? Asi hakuna wenyu unoita murairo. Munotsvakirei kundiuraya?20Chaunga chikapindura chikati: Une dhimoni; ndiani unotsvaka kukuuraya?21Jesu akapindura akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, uye munoshamisika mose.22Naizvozvo Mozisi wakakupai dzingiso (kusiri kuti yakabva kuna Mozisi, asi kumadzibaba), zvino nesabata munodzingisa munhu.23Kana munhu nesabata achigamuchira dzingiso, kuti murairo waMozisi urege kutyorwa, munonditsamwira nekuti ndaporesa munhu zvakaperera nesabata here?24Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai kutonga kwakarurama.25Vamwe veveJerusarema ndokuti: Uyu haazi iye wavanotsvaka kuuraya here?26Asi tarira, unotaura pachena, asi havarevi chinhu kwaari. Kuti vatungamiriri vanoziva zvechokwadi here kuti ndiye Kristu chaiye?27Asi uyu tinoziva kwaanobva; asi Kristu kana achisvika, hakuna ungaziva kwaanobva.28Naizvozvo Jesu wakadanidzira mutembere achidzidzisa achiti: Nemwi munoziva ini, uye munoziva kwandakabva; uye handina kuzviuira, asi wakandituma ndewechokwadi, wamusingazivi imwi.29Asi ini ndinomuziva, nekuti ndinobva kwaari, uye iye wakandituma.30Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi hakuna wakaisa ruoko paari, nekuti awa rake rakange risati rasvika.31Asi vazhinji vechaunga vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achisvika, ungaita zviratidzo zvizhinji kune izvi uyu zvaaita here?32VaFarisi vakanzwa chaunga chichin'un'una zvinhu izvi pamusoro pake; vaFarisi nevapristi vakuru ndokutuma vabatsiri kuti vamubate.33Naizvozvo Jesu akati kwavari: Ndichinemwi chinguvana, ndoenda kune wakandituma.34Muchanditsvaka mukasandiwana; uye apo pandiri ini, imwi hamugoni kuuya.35Naizvozvo vaJudha vakataurirana vachiti: Uyu uchaendepi kuti isu tisamuwana? Uchaenda kune vakapararira vevaGiriki, adzidzise vaGiriki here?36Ishokoi iri raanoti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; nerokuti: Pandiri ini, imwi hamugoni kuuya?37Zvino nezuva rekupedzisira, iro guru remutambo Jesu wakasimuka akadanidzira achiti: Kana ani nani ane nyota, ngaauye kwandiri amwe.38Unotenda kwandiri, rugwaro sezvarwakareva, nzizi dzemvura mhenyu dzichaerera kubva mudumbu make.39Asi izvi wakareva zveMweya wavaizogamuchira vanotenda kwaari; nekuti Mweya Mutsvene wakange asati avapo, nekuti Jesu wakange asati akudzwa.40Naizvozvo vazhinji vechaunga vakati vachinzwa shoko iri vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita.41Vamwe vakati: Uyu ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu ungabva Garirea here?42Rugwaro haruna kureva here kuti Kristu uchabva kumbeu yaDhavhidhi, nepamusha weBhetirehemu paiva naDhavhidhi?43Naizvozvo pakava nekupesana pakati pechaunga pamusoro pake.44Zvino vamwe vavo vakada kumubata, asi hakuna wakaisa maoko kwaari.45Zvino vabatsiri vakaenda kuvapristi vakuru nekuvaFarisi; ivo vakati kwavari: Nemhaka yei musina kumuuisa?46Vabatsiri vakapindura vakati: Hakuna kumbotaura munhu seizvi, semunhu uyu.47Zvino vaFarisi vakavapindura vakati: Nemwi matsauswa kanhi?48Uripo here wakatenda kwaari kuvatungamiriri kana kuvaFarisi?49Asi chaunga ichi chisingazivi murairo chakatukwa.50Nikodhimo, uya akauya kwaari usiku, ari umwe wavo, akati kwavari:51Murairo wedu unotonga munhu here, kunze kwekuti wambomunzwa nekuziva chaanoita?52Vakapindura vakati kwaari: Ko iwewo uri weGarirea here? Nzvera uone kuti hakuna kumuka muporofita kuGarirea.53Umwe neumwe ndokuenda kumba kwake.