Shona

John

6

1Shure kwezvinhu izvi Jesu wakasimuka akaenda mhiri kwegungwa reGarirea, rinova reTibheriasi.2Zvino chaunga chikuru chikamutevera, nekuti vakaona zviratidzo zvake zvaaiita kune avo vairwara.3Jesu ndokukwira mugomo, akagarapo nevadzidzi vake.4Zvino pasika, mutambo wevaJudha, wakange waswedera.5Zvino Jesu paakasimudza meso, ndokuona kuti chaunga chikuru chinouya kwaari, akati kuna Firipi: Tichatengepi zvingwa, kuti ava vadye?6Wakareva izvozvo achimuidza, nekuti iye waiziva zvaaizoita.7Firipi akamupindura achiti: Zvingwa zvemadhenari* mazana maviri hazvivakwani, kuti umwe neumwe wavo atore chiduku.8Umwe wevadzidzi vake, Andiriyasi munin'ina waSimoni Petro, akati kwaari:9Pane kamukomana pano kane zvingwa zvishanu zvebhari* nehove duku mbiri; asi zvinyi kuvazhinji vakadai?10Asi Jesu wakati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwakange kune uswa uzhinji panzvimbo iyo. Naizvozvo varume vakagara pasi, muuwandu vachinge zvuru zvishanu.11Zvino Jesu wakatora zvingwa, avonga akagovera kuvadzidzi, vadzidzi vakagovera avo vakange vagere pasi; saizvozvowo zvehove diki zvakawanda sezvavaida.12Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake: Unganidzai zvimedu zvasara, kuti kurege kurashika chinhu.13Naizvozvo vakaunganidza, vakazadza matengu gumi nemaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebhari, zvakasara kune avo vakadya.14Kuzoti vanhu avo vaona chiratidzo Jesu chaakaita, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita uchauya panyika.15Naizvozvo Jesu aziva kuti voda kuuya nekumubata nesimba, kumuita mambo, akasuduruka akaenda mugomo ari oga.16Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa,17zvino vapinda muchikepe, vakayambuka gungwa kuuya Kapenaume. Zvino kwakange kwatosviba, asi Jesu wakange asati asvika kwavari.18Gungwa ndokumuka nekuti mhepo huru yaivhuvhuta.19Zvino vakati vakwasva masitadhiya* anenge makumi maviri nemashanu kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pachikepe; zvino vakatya.20Asi wakati kwavari: Ndini, musatya.21Zvino vakada kumugamuchira muchikepe; pakarepo chikepe chikasvika kunyika kwavakange vachienda.22Chifume chaunga chakange chimire kune rumwe rutivi rwegungwa, chichiona kuti pakange pasina rimwe igwa ipapo kunze kweriri rimwe makange mapinda vadzidzi vake mariri, uye kuti Jesu haana kupinda nevadzidzi vake mugwa, asi vadzidzi vake vakange vaenda voga,23(asi kwakasvika mamwe magwa aibva Tibheriyasi pedo nenzvimbo pavakadya chingwa, mushure mokunge Ishe avonga)24naizvozvo chaunga chakati chaona kuti Jesu wakange asipo kana vadzidzi vake, ivo vakapindawo mumagwa, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu.25Zvino vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: Rabhi*, masvika pano rinhi?26Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Munonditsvaka, kwete nekuti makaona zviratidzo, asi nekuti makadya zvezvingwa mukaguta.27Musashandira chikafu chinoparara, asi chikafu chinogara kusvika kuupenyu hwusingaperi, Mwanakomana wemunhu chaachakupai; nekuti Mwari Baba vakaisa pane uyu mucherechedzo.28Naizvozvo vakati kwaari: Tichaitei, kuti tishande mabasa aMwari?29Jesu akapindura akati kwavari: Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende kune waakatuma iye.30Naizvozvo vakati kwaari: Ko imwi munoita chiratidzo chipi kuti tione tikutendei? munoshandei?31Madzibaba edu akadya mana* murenje, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.32Naizvozvo Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga; asi Baba vangu vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga.33Nekuti chingwa chaMwari ndiye unoburuka achibva kudenga achipa upenyu kunyika.34Zvino vakati kwaari: Ishe, tipei chingwa ichi nguva dzose.35Jesu ndokuti kwavari: Ndini chingwa cheupenyu; uyo unouya kwandiri, haangatongovi nenzara; neunotenda kwandiri haangatongovi nenyota.36Asi ndakati kwamuri: Nemwi makandiona, asi hamuna kutenda.37Vose Baba vavanondipa vachauya kwandiri; neunouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze.38Nekuti ndakaburuka kudenga, kwete kuti ndiite chido changu, asi chido chaiye wakandituma.39Zvino ichi ndicho chido chaBaba vakandituma, kuti chose chavakandipa, ndisarasikirwa nechinhu pachiri, asi ndichimutse nezuva rekupedzisira.40Uye ichi ndicho chido chewakandituma, kuti wose unoona Mwanakomana uye achitenda kwaari, ave neupenyu hwusingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.41Zvino vaJudha vakagunin'ina pamusoro pake, nekuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.42Ndokuti: Uyu haasi iye Jesu Mwanakomana waJosefa, baba namai vake vatinoziva isu here? Zvino iye unogoti sei: Ndakaburuka kubva kudenga.43Naizvozvo Jesu akapindura akati kwavari: Musagunin'ina pakati penyu.44Hakuna munhu unogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti Baba vakandituma vamukweva, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.45Zvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Uye vachadzidziswa vose naMwari. Wose naizvozvo wakanzwa naBaba akadzidza, unouya kwandiri.46Kwete kuti kune wakaona Baba, kunze kweuyo unobva kuna Mwari, ndiye wakaona Baba.47Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri, une upenyu hwusingaperi.48Ini ndiri chingwa cheupenyu.49Madzibaba enyu akadya mana* murenje, asi akafa.50Ichi chingwa chinoburuka kubva kudenga, kuti munhu adye pachiri agorega kufa.51Ini ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kubva kudenga; kana munhu achidya zvechingwa ichi, uchararama nekusingaperi. Uye chingwa ini chandichapa, inyama yangu, ini yandichapira upenyu hwenyika.52Naizvozvo vaJudha vakakakavadzana vachiti: Uyu unogona kutipa sei nyama yake tidye?53Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti mudye nyama yeMwanakomana wemunhu nekumwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.54Unodya nyama yangu nekumwa ropa rangu, une upenyu hwusingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.55Nekuti nyama yangu chikafu zvirokwazvo, neropa rangu chimwiwa zvirokwazvo.56Unodya nyama yangu nekumwa ropa rangu, unogara mandiri, neni maari.57Baba vapenyu sezvavakandituma, neni ndinorarama naBaba; naizvozvo unondidya, naiye uchararama neni.58Ichi chingwa chakaburuka kubva kudenga; hazvina kuita semadzibaba enyu akadya mana* akafa; unodya chingwa ichi, uchararama nekusingaperi.59Zvinhu izvi wakazvireva musinagoge achidzidzisa paKapenaume.60Naizvozvo vazhinji vevadzidzi vake vakati vachinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndiani unogona kurinzwa?61Asi Jesu aziva mukati make kuti vadzidzi vake vanogunin'ina neizvi, wakati kwavari: Izvi zvinokugumbusai kanhi?62Ko muchagodini kana muchiona Mwanakomana wemunhu achikwira kwaaiva pakutanga?63Mweya ndiye unoraramisa, nyama haibatsiri chinhu; mashoko ini andinotaura kwamuri, mweya uye upenyu.64Asi variko vamwe venyu vasingatendi. Nekuti Jesu wakange achiziva kubva pakutanga, kuti ndivanaani vaisatenda, uye kuti ndiani waizomutengesa.65Akati: Nekuda kwaizvozvi ndati kwamuri: Hakuna munhu unogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti azvipiwa naBaba.66Kubva ipapo vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera shure, vakasazofambazve naye.67Naizvozvo Jesu wakati kune vanegumi nevaviri: Imwiwo hamudi kuenda here?68Zvino Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, tichaenda kuna ani? Mashoko eupenyu hwusingaperi ari kwamuri,69uye isu tinotenda, uye tinoziva kuti ndimwi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.70Jesu akavapindura akati: Ini handina kukusanangurai imwi vanegumi nevaviri here, asi umwe wenyu ndidhiabhorosi.71Waireva Judhasi Isikarioti waSimoni; nekuti ndiye waizomutengesa, ari umwe wevanegumi nevaviri.