Shona

John

5

1Shure kwezvinhu izvi kwakava nemutambo wevaJudha; Jesu ndokukwira kuJerusarema.2Zvino paJerusarema pedo nesuwo regwai pane dziva rinonzi Bhetisaidha nechiHebheru, rine maberere mashanu.3Mukati mawo makange muvete chaunga chikuru chevarwere, chemapofu, chezvirema, chevakawonyana, vakamirira kubvongodzwa kwemvura.4Nekuti mutumwa waiburukira pane imwe nguva mudziva iro, achibvongodza mvura; koti unoitanga kupinda shure kwekubvongodzwa kwemvura, waiporeswa, pachirwere chipi zvacho chaainge akabatwa nacho.5Zvino kwaivapo umwe munhu waiva nemakore makumi matatu nemasere ane chifo.6Jesu wakati amuona avete, achiziva kuti ikozvino wakange ava nenguva refu, akati kwaari: Unoda kuporeswa here?7Murwere akamupindura akati: Ishe, handina munhu unondikanda mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi kana ini ndichiuya, umwe unoburukira mberi kwangu.8Jesu akati kwaari: Simuka, simudza nhovo yako, ufambe.9Pakarepo munhu uyu akaporeswa, ndokusimudza nhovo yake akafamba. Zvino raiva sabata nemusi iwoyo.10Naizvozvo vaJudha vakati kune wakaporeswa: Isabata; hazvisi pamutemo kuti utakure nhovo.11Akavapindura akati: Uyo wandiporesa, ndiye wati kwandiri: Simudza nhovo yako, ufambe.12Saka vakamubvunza vachiti: Ndiani munhu uyo wati kwauri: Simudza nhovo yako ufambe?13Zvino wakange aporeswa wakange asingazivi kuti ndiani; nekuti Jesu wakange asvova, zvakwaiva nechaunga panzvimbo iyoyo.14Shure kwezvinhu izvi Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira waporeswa; usatadzazve, zvimwe chimwe chakanyanya kuipa chingaitika kwauri.15Munhu akabva, akaudza vaJudha kuti ndiJesu wakamuporesa.16Zvino nekuda kweizvozvo vaJudha vakashusha Jesu, ndokutsvaka kumuuraya, nekuti wakaita zvinhu izvi nesabata.17Asi Jesu wakavapindura akati: Baba vangu vanoshanda kusvikira ikozvino, neni ndinoshanda.18Saka naizvozvo vaJudha vakanyanya kutsvaka kumuuraya, nekuti wakange asingadariki sabata chete, asi wakatiwo Mwari ndiBaba vake vomene, achizvienzanisa naMwari.19Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana haagoni kuita pachake, kunze kwezvaanoona Baba vachichiita; nekuti chero zvavanoita, izvo ndizvowo saizvozvo Mwanakomanawo zvaanoita.20Nekuti Baba vanoda Mwanakomana, uye vanomuratidza zvinhu zvose zvavanoita ivo; vachamuratidzawo mabasa makuru anopfuura awa, kuti imwi mushamisike.21Nekuti Baba sezvavanomutsa vakafa vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana unoraramisawo vaanoda.22Nekuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kose;23kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza Baba. Usingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.24Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unonzwa shoko rangu, nekutenda kune wakandituma, une upenyu hwusingaperi; uye haasviki mukupiwa mhosva, asi wapfuura murufu akaenda muupenyu.25Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Awa rinouya, nazvino ravapo, apo vakafa vachanzwa inzwi reMwanakomana waMwari, uye vanonzwa vachararama.26Nekuti Baba sezvavane upenyu mavari pachavo, saizvozvo vakapa kuMwanakomanawo kuti ave neupenyu maari pachake;27uye vakamupa simba rekutongawo, nekuti Mwanakomana wemunhu.28Musashamisika nezvizvi; nekuti awa rinouya, apo vose vari mumakuva vachanzwa inzwi rake,29zvino vachabuda, avo vakaita zvakanaka, mukumuka kweupenyu; neavo vakaita zvakaipa, mukumuka kwekupiwa mhosva.30Ini handigoni kuita chinhu pachangu; semanzwiro angu, ndinotonga; uye kutonga kwangu kwakarurama, nekuti handitsvaki chido changu, asi chido chaBaba vakandituma.31Kana ndichipupura nezvangu, uchapupu hwangu hahusi hwechokwadi.32Uripo umwe unopupura nezvangu; uye ndinoziva kuti uchapupu hwaanopupura nezvangu ndehwechokwadi33Imwi makatumira kuna Johwani, uye akapupurira chokwadi.34Asi ini handigamuchiri uchapupu hunobva kumunhu, asi ndinoreva zvinhu izvi kuti imwi muponeswe.35Iye wakange ari mwenje unopfuta neunovhenekera, nemwi makange muchishuva kufara kwazvo kwechinguvana muchiedza chake.36Asi ini ndine uchapupu ukuru kune hwaJohwani; nekuti mabasa Baba avakandipa kuti ndimapedze, awa mabasa ini andinoita, anopupura nezvangu kuti Baba vakandituma.37NaBaba vakandituma, ivo vakapupura nezvangu. Hamuna chero nguva kunzwa inzwi rake, kana kuona chimiro chake.38Uye hamuna shoko rake rinogara mamuri, nekuti iye waakatuma, uyu imwi hamuna kumutenda.39Nzverai magwaro, nekuti imwi munofunga kuti mune upenyu hwusingaperi maari, uye ndiwo anopupura nezvangu.40Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve neupenyu.41Handigamuchiri rukudzo kuvanhu;42asi ndinokuzivai imwi, kuti hamuna rudo rwaMwari mamuri.43Ini ndauya muzita raBaba vangu, asi hamuna kundigamuchira; kana umwe akauya muzita rake pachake, muchamugamuchira iye.44Munogona kutenda sei imwi munogamuchira rukudzo umwe kune umwe, asi musingatsvaki rukudzo rwunobva kuna Mwari oga?45Musafunga kuti ini ndichakupai mhosva kuna Baba; uriko unokupai mhosva, ndiye Mozisi wamunovimba naye imwi.46Nekuti dai maitenda Mozisi, maitenda ini; nekuti iye wakanyora nezvangu.47Asi kana musingatendi magwaro ake, muchatenda sei mashoko angu?