1Naizvozvo Ishe pakaziva kuti vaFarisi vakange vanzwa kuti Jesu unoita nekubhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johwani,2kunyange Jesu pachake wakange asingabhabhatidzi, asi vadzidzi vake,3akabva Judhiya, akaendazve muGarirea.4Asi wakange achifanira kugura neSamaria.5Zvino wakasvika paguta reSamaria rinonzi Sikari, pedo nedunhu Jakobho raakange apa mwanakomana wake Josefa.6Zvino chitubu chaJakobho chakange chiripo. Naizvozvo Jesu aneta nerwendo wakagara saizvozvo patsime. Raiva awa rinenge rechitanhatu.7Kwakasvika mukadzi achibva Samaria kuzochera mvura; Jesu akati kwaari: Ndipe ndimwe.8(Nokuti vadzidzi vake vakange vaenda muguta kunotenga chikafu).9Naizvozvo mukadzi muSamaria wakati kwaari: Sei iwe uri muJudha uchikumbira kumwa kwandiri, mukadzi muSamaria? Nekuti vaJudha havadyidzani nevaSamaria.10Jesu akapindura akati kwaari: Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani unoti kwauri: Ndipe ndimwe; ungadai waikumbira kwaari, uye ungadai akupa mvura mhenyu.11Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna chinhu chekucheresa, uye tsime rakadzika; zvino munowanepi mvura mhenyu?12Imwi muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime, vakamwa pariri ivo, nevana vavo, nezvipfuwo zvavo here?13Jesu akapindura ndokuti kwaari: Ani nani unomwa pamvura iyi, uchava nenyotazve;14asi ani nani unomwa pamvura yandichamupa ini, haachatongozovi nenyota nekusingaperi; asi mvura yandichamupa ichava maari chitubu chemvura, inodzutukira kuupenyu hwusingaperi.15Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuva nenyota, kana kuuya pano kuzochera.16Jesu akati kwaari: Enda, unodana murume wako, ugouya pano.17Mukadzi akapindura ndokuti: Handina murume. Jesu akati kwaari: Wareva zvakanaka kuti: Handina murume.18Nekuti wakava nevarume vashanu, uyo waunaye ikozvino haazi murume wako; apa wareva chokwadi.19Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinoona kuti imwi muri muporofita.20Madzibaba edu aishumira mugomo iri; asi imwi munoti muJerusarema ndimo mune nzvimbo munhu yaanofanira kushumirapo.21Jesu akati kwaari: Mukadzi, nditende, kuti awa rinouya, ramuchashumira Baba musiri mugomo iri, kana paJerusarema.22Imwi munoshumira chamusingazivi; isu tinoshumira chatinoziva; nekuti ruponeso runobva kuvaJudha.23Asi awa rinouya, uye ratova iro, apo vashumiri vechokwadi vachashumira Baba mumweya nemuchokwadi; nekutiwo Baba vanotsvaka vakadaro kuti vamushumire.24Mwari Mweya; neavo vanomushumira vanofanira kushumira mumweya nemuchokwadi.25Mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi unouya unonzi Kristu; kana iye asvika, uchatiudza zvinhu zvose.26Jesu akati kwaari: Ini ndinotaura kwauri, ndini.27Zvino nenguva iyoyo vadzidzi vake vakasvika, vakashamisika kuti unotaura nemukadzi; asi hakuna umwe wakati: Munotsvakei? Kana: Munotaurirei naye?28Naizvozvo mukadzi akasiya chirongo chake, ndokubva oenda muguta, akati kuvanhu:29Uyai, muone munhu, wandiudza zvinhu zvose zvandakaita; ko uyu haasi iye Kristu here?30Naizvozvo vakabuda muguta, vakauya kwaari.31Zvichakadaro vadzidzi vakamunyengetedza vachiti: Rabhi*, idyai.32Asi iye wakati kwavari: Ini ndine chikafu chekudya chamusingazivi imwi.33Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti: Kuti pane umwe wamuvigira zvokudya?34Jesu akati kwavari: Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite chido chewakandituma, nekupedza basa rake.35Imwi hamutauri here kuti: Kuchine mwedzi mina, zvino kukohwa kunosvika? Tarirai, ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, muone minda, kuti yatochenera kukohwa.36Zvino unokohwa unogamuchira mubairo, uye unounganidza zvibereko muupenyu hwusingaperi; kuti vaviri unokusha neunokohwa vafare pamwe.37Nekuti pane izvi shumo ndeyechokwadi inoti: Umwe unokusha, uye umwe unokohwa.38Ini ndakakutumai kukohwa zvamusakashandira; vamwe vakashanda, zvino imwi mapinda pabasa ravo.39Zvino vazhinji vevaSamaria kubva muguta iro vakatenda kwaari nekuda kweshoko remukadzi, rakapupura richiti: Wandiudza zvose zvandakaita.40Zvino vaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetedza kuti agare navo; ndokugarapo mazuva maviri.41Vazhinji vakawedzerwa vakatenda nekuda kweshoko rake.42Zvino vakati kumukadzi: Hatichatendi nekuda kwekureva kwako; nekuti tazvinzwira, uye tinoziva kuti uyu ndiye zvirokwazvo Muponesi wenyika, Kristu.43Zvino shure kwemazuva maviri wakabvapo, ndokuenda Garirea;44nekuti Jesu amene wakapupura kuti muporofita haana rukudzo munyika yekwake.45Zvino wakati asvika Garirea, vaGarirea vakamugamuchira, vaona zvinhu zvose zvaakaita paJerusarema pamabiko, nekuti naivo vakange vaenda kumabiko.46Zvino Jesu wakasvikazve paKana yeGarirea, paakange aita mvura ive waini. Zvino pakange pane rimwe jinda, mwanakomana waro wakange achirwara paKapenaume.47Iro rakati richinzwa kuti Jesu wabva Judhiya akasvika Garirea, rikaenda kwaari, rikamugombedzera kuti aburukire aporese mwanakomana waro; nekuti wakange wodofa.48Naizvozvo Jesu akati kwariri: Kunze kwekuti maona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.49Jinda rikati kwaari: Ishe, burukai mwana wangu asati afa.50Jesu akati kwaari: Enda, mwanakomana wako unorarama. Munhu ndokutenda shoko Jesu raakareva kwaari, akaenda.51Zvino wakati oburuka, varanda vake vakamuchingamidza, vakamuudza vachiti: Mwana wenyu unorarama.52Zvino akavabvunza awa raakatanga kunaya. Zvino vakati kwaari: Zuro neawa rechinomwe fivhiri yakamuregedza.53Naizvozvo baba vakaziva kuti maiva imo muawa Jesu maakati kwaari: Mwanakomana wako unorarama; zvino akatenda iye neimba yake yose.54Ichizve chiratidzo chechipiri Jesu chaakaita, abva Judhiya asvika Garirea.