Shona

John

3

1Kwaiva nemunhu wekuvaFarisi, Nikodhimo riri zita rake, mutungamiriri wevaJudha.2Uyu wakauya kuna Jesu usiku, akati kwaari: Rabhi*, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kuna Mwari; nekuti hakuna unogona kuita zviratidzo izvi zvamunoita imwi, kana Mwari asinaye.3Jesu akapindura ndokuti kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kunze kwekuti munhu aberekwa kutsva, haagoni kuona ushe hwaMwari.4Nikodhimo akati kwaari: Munhu unogona kuberekwa sei ava mukuru? Ungapinda rwechipiri mudumbu ramai vake agoberekwa here?5Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asina kuberekwa nemvura neMweya, haagoni kupinda muushe hwaMwari.6Icho chakaberekwa nenyama inyama; nechakaberekwa neMweya, mweya.7Usashamisika kuti ndati kwauri: Zvakafanira kuti muberekwe kutsva.8Mhepo inovhuvhuta painoda, uye unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva nepainoenda; wakadaro wose wakaberekwa neMweya.9Nikodhimo akapindura ndokuti kwaari: Zvinhu izvi zvinogona kuitika sei?10Jesu akapindura, ndokuti kwaari: Iwe uri mudzidzisi waIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi here?11Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva, tichipupura zvatakaona; asi hamugamuchiri uchapupu hwedu.12Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika uye mukasatenda, muchatenda sei kana ndichikuudzai zvinhu zvekudenga?13Uye hakuna munhu wakakwira kudenga, kunze kwewakaburuka kudenga, Mwanakomana wemunhu uri kudenga.14Uye Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvowo Mwanakomana wemunhu unofanira kusimudzwa;15kuti ani nani unotenda maari arege kuparara asi ave neupenyu hwusingaperi.16Nekuti Mwari wakada nyika zvakadai, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa umwe woga, kuti ani nani unotenda kwaari arege kuparara, asi ave neupenyu hwusingaperi.17Nekuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake munyika kuti ape nyika mhosva, asi kuti nyika iponeswe naye.18Unotenda kwaari haapiwi mhosva; asi usingatendi watopiwa mhoswa, nekuti haana kutenda kuzita reMwanakomana waMwari wakaberekwa umwe woga.19Uku ndiko kupiwa mhosva, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima pane chiedza; nekuti mabasa avo akange akaipa.20Nekuti umwe neumwe unoita zvakaipa unovenga chiedza, uye haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kutsiurwa.21Asi unoita chokwadi unouya pachiedza, kuti mabasa ake aratidzwe, kuti akaitwa muna Mwari.22Shure kwezvinhu izvi wakauya Jesu nevadzidzi vake munyika yeJudhiya; zvino akagarako navo uye akabhabhatidza.23NaJohwaniwo wakange achibhabhatidza muAinoni pedo neSarimi, nekuti paiva nemvura zhinji ipapo; uye vaiuyapo vachibhabhatidzwa.24Nekuti Johwani wakange asati akandwa mutirongo.25Zvino gakava rikamuka pakati pevadzidzi vaJohwani nevaJudha pamusoro pekuchenura.26Zvino vakauya kuna Johwani vakati kwaari: Rabhi, uya waiva nemwi mhiri kwaJoridhani, wamaipupura nezvake, tarirai, iye unobhabhatidza, uye vanouya kwaari vose.27Johwani akapindura ndoti: Munhu haagoni kugamuchira chinhu, kunze kwekuti achipiwa kubva kudenga.28Imwi mumene munopupura nezvangu kuti ndakati: Handisi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa mberi kwake.29Uyo une mwenga muwani; asi shamwari yemuwani, imire ichimunzwa, inofara nemufaro nekuda kwenzwi remuwani. Naizvozvo mufaro wangu uyu wazadziswa.30Iye unofanira kukura, asi ini kudukupa.31Unobva kumusoro uri pamusoro pezvose. Unobva panyika unobva panyika, uye unotaura achibva panyika; unobva kudenga uri pamusoro pezvose.32Uye zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu unogamuchira uchapupu hwake.33Unogamuchira uchapupu hwake unoisa mucherechedzo kuti Mwari ndewechokwadi.34Nekuti uyo Mwari waakatuma, unotaura mashoko aMwari; nekuti Mwari unopa Mweya kwete nechiyero.35Baba vanoda Mwanakomana, uye vakapa zvinhu zvose muruoko rwake.36Iye unotenda kuMwanakomana une upenyu hwusingaperi; asi iye usingatendi Mwanakomana, haazooni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.