Shona

John

21

1Shure kwezvinhu izvi Jesu wakazviratidzazve kuvadzidzi pagungwa reTibheriasi; uye wakazviratidza sezvizvi:2Vaiva pamwe Simoni Petro, naTomasi unonzi Dhidhimo, naNatanieri waibva Kana yeGarirea, nevanakomana vaZebhedhi, nevamwe vaviri vevadzidzi vake.3Simoni Petro akati kwavari: Ndoenda kunobata hove. Vakati kwaari: Nesu toenda newe. Vakabuda ndokupinda muchikepe pakarepo, asi usiku uhwo havana kubata chinhu.4Zvino kwakati kwava mambakwedza, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti ndiJesu.5Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Vana vaduku, mune chero usavi here? Vakamupindura, vachiti: Kwete.6Ndokuti kwavari: Kandai mumbure kurutivi rwerudyi rwechikepe, uye muchawana. Naizvozvo vakakanda, zvino vakasazogonazve kurukweva nekuwanda kwehove.7Naizvozvo mudzidzi uya Jesu waaida wakati kuna Petro: NdiIshe. Ipapo Simoni Petro anzwa kuti ndiIshe, wakamonera nguvo yake yekunze (nekuti wakange akashama), akazviwisira mugungwa.8Asi vamwe vadzidzi vakauya nechikepe chidiki, vachikweva mumbure une hove, nekuti vakange vasiri kure nenyika, asi mbimbi dzinenge mazana maviri.9Zvino vakati vachisvika panyika, vakaona moto wemazimbe, nehove yakaradzikwa pamusoro pawo, nechingwa.10Jesu akati kwavari: Uisai dzimwe dzehove dzamabata ikozvino.11Simoni Petro akakwira, akakwevera mumbure panyika, uzere nehove huru, zana nemakumi mashanu nenhatu; uye kunyange dzaiva zhinji dzakadai, mumbure hauna kubvaruka.12Jesu akati kwavari: Uyai mudye. Asi hakuna kuvadzidzi wakatsunga kumubvunza kuti: Ndimwi ani imwi? Vachiziva kuti ndiIshe.13Naizvozvo Jesu wakauya, ndokutora chingwa, akavapa, nehove saizvozvo.14Urwu rwatova rwechitatu Jesu achizviratidza kuvadzidzi vake, amutswa kuvakafa.15Zvino vakati vadya, Jesu akati kuna Simoni Petro: Simoni waJona, unondida kupfuura ava here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Chedza makwayana angu.16Akati kwaarizve rwechipiri: Simoni waJona, unondida here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Fudza makwai angu.17Akati kwaari rwechitatu: Simoni waJona, unondida here? Petro akarwadziwa nekuti wakati kwaari rwechitatu: Unondida here? Akati kwaari: Ishe, imwi munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Chedza makwai angu.18Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Pawaiva muduku, waizvisunga bhande, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatandavadza maoko ako, uye umwe uchakusunga bhande, achikuisa kwausingadi.19Wakareva izvi, achitaridza kuti mafiro rudzii aaizokudza Mwari nawo. Zvino wakati areva izvi, akati kwaari: Nditevere.20Petro achitendeuka wakaona mudzidzi Jesu waaida achitevera, ndiyewo wakasendamira pachifuva chake pachirayiro, akati: Ishe, ndiani uchakutengesai?21Petro wakati achimuona akati kuna Jesu: Ishe, ko uyu?22Jesu akati kwaari: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, unei nazvo? Nditevere iwe.23Zvino shoko iro rakabudira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haazofi; asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haazofi; asi wakati: Kana ndichida kuti agare kusvikira ndichiuya, unei nazvo?24Ndiyeyu mudzidzi unopupura zvezvinhu izvi, nekunyora zvinhu izvi; uye tinoziva kuti uchapupu hwake ichokwadi.25Uyewo zvimwe zvizhinji zviriko Jesu zvaakaita; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinofunga kuti kunyange nyika pachayo haizaiva nenzvimbo yemabhuku anganyorwa. Amen.