Shona

Acts

1

1Rondedzero yekutanga ndakaiita, haiwa Teofiro, pamusoro pezvose Jesu zvaakatanga kuti kuita akati kudzidzisa,2kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira neMweya Mutsvene kuvaapositori vaakange asarudza;3vaakazviratidzawo kwavari ari mupenyu shure kwekutambudzika kwake neuchapupu uzhinji hunopwisa, achionekwa navo mazuva makumi mana, achitaura zvinhu zvoushe hwaMwari.4Zvino aungana navo, akavaraira kuti varege kubva muJerusarema asi vamirire chivimbiso chaBaba, chamakanzwa neni;5nekuti Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene kusati kwapfuura mazuva awa mazhinji.6Naizvozvo ivo vakati vaungana vakamubvunza vachiti: Ishe, muchadzosera ushe kuIsraeri nenguva ino here?7Zvino akati kwavari: Hazvisi zvenyu kuziva nguva kana misi Baba yavakatara nesimba ravo romene;8asi muchagamuchira simba, Mweya Mutsvene asvika pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu zvose paJerusarema nemuJudhiya mose nemuSamaria, kusvikira kumugumo wenyika.9Zvino wakati areva zvinhu izvi, akakwidzwa vakatarira, negore rikamubvisa pameso avo.10Zvino vachakatarisisa kudenga, achikwira, tarira, varume vaviri vakamira navo nenguvo chena;11ivowo vakati: Varume veGarirea, makamirirei makatarisisa kudenga? Iyeyu Jesu, unobviswa kwamuri achikwidzwa kudenga, uchauya saizvozvo sezvamunomuona achienda kudenga.12Zvino vakadzokera kuJerusarema vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi riri pedo neJerusarema, chinhambwe cherwendo rwesabata.13Vakati vapinda, vakakwira muimba yepamusoro apo paigara vose Petro naJakobho naJohwani naAndiriya, Firipi naTomasi, Bhatironomiyo naMatewu, Jakobho waArifio naSimoni muZiroti, naJudhasi waJakobho.14Ava vose vakatsungirira nemoyo umwe mumunyengetero nemukumbiro, pamwe nevakadzi, naMaria mai vaJesu, uye nevanin'ina vake.15Zvino mumazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pevadzidzi akati (kwaiva nechaunga nevanhu pamwe vanenge zana nemakumi maviri):16Varume hama, zvakafanira kuti rugwaro urwu rwuzadziswe, Mweya Mutsvene zvawakagara wataura nemuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, wakange ari mutungamiriri wevaya vakabata Jesu,17nekuti wakange achiverengwa pamwe nesu, akagamuchira mugove weushumiri uhwu.18Zvino uyu wakawana munda nemubairo wezvakaipa, akawa nemusoro, akaparuka nepakati, ura hwake hwese hukabvajukira kunze.19Zvikanzwikwa kuvagari vose paJerusarema, kusvikira munda uyo watumidzwa nerurimi rwavo pachavo kuti Akeridhama, ndiko kuti: Munda weropa.20Nekuti zvakanyorwa mubhuku reMapisarema zvichinzi: Musha wake ngauve dongo, uye kurege kuva neunogara mauri; uye: Utariri hwake, umwe ngaatore.21Naizvozvo zvakafanira pavarume ava vaifamba nesu nguva yose, apo Ishe Jesu vaipinda nekubuda pakati pedu,22kutanga parubhabhatidzo rwaJohwani, kusvikira pazuva raakwidzwa kubva kwatiri, umwe wavo ngaave chapupu pamwe nesu chekumuka kwake.23Zvino vakamisa vaviri: Josefa wainzi Bhasabhasi, wakatumidzwawo Jusito, naMatiasi.24Vakanyengetera vachiti: Imwi Ishe, imwi munoziva moyo yevose, taridzai umwe pavaviri ava wamasarudza,25kugamuchira mugove paushumiri nevuapositori uhu, Judhasi hwaakatsauka pahuri, kuti aende panzvimbo yake pachake.26Zvino vakavapa mujenya yavo, mujenya ukawira pana Matiasi; akaverengwa pamwe nevaapositori vanegumi neumwe.