1Zvino zuva rePendekosita* rakati razadzisika, vose vakange vari pamwe nemoyo umwe.2Pakarepo kwakauya mutinhiro kubva kudenga sokwemhepo inovhuvhuta nesimba, ndokuzadza imba yose mavakange vagere.3Zvino kwakaonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa sedzemoto, ndokumhara pamusoro peumwe neumwe wavo.4Zvino vose vakazadzwa neMweya Mutsvene, ndokutanga kutaura nedzimwe ndimi, Mweya sezvaakavapa kududza.5Zvino paigara paJerusarema vaJudha, varume vaitya Mwari, vaibva kurudzi rwose rwevari pasi pedenga.6Zvino mutinhimira uyu wakati waitika, chaunga chikaungana chikavhiringidzwa, nekuti umwe neumwe wakavanzwa vachitaura nerurimi rwekwavo.7Zvino vakakatyamara vose vakashamisika vakataurirana vachiti: Tarirai, ava vose vanotaura havasi vaGarirea here?8Zvino isu tinonzwa sei umwe neumwe nerurimi rwekwedu, rwatakaberekwa narwo?9VePatia neveMedhia neveEramu, nevagari veMesopotamia, neveJudhiya neveKapadhokia, vePonto neveAsia,10veFrigia nevePamufiriya, veEgipita nevemamativi eRibhia pedo neKurini, nevaeni vaRoma, vose vaJudha nevakatendeukira kuvaJudha,11vaKrete nevaAraAbhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari.12Zvino vakakatyamara vose, vakakahadzika vachiti umwe kune umwe: Ichi chingava chei?13Asi vamwe vakatsvinya vachiti: Vadhakwa newaini inotapira.14Zvino Petro amire nevanegumi neumwe, wakasimudza inzwi rake, ndokuti kwavari: Varume vaJudha, nevose vagere muJerusarema, chinhu ichi ngachizikamwe kwamuri, uye muteerere kumashoko angu.15Nekuti ava havana kudhakwa sezvamunofunga imwi; nekuti iawa rechitatu rezuva;16asi ichi ndicho chakataurwa nemuporofita Joweri achiti:17Zvino zvichava mumazuva ekupedzisira, unodaro Mwari, ndichadurura zveMweya wangu pamusoro penyama yose; nevanakomana venyu nevanasikana venyu vachaporofita, uye majaya enyu achaona zviratidzo, nevatana venyu vacharota hope;18uye nepamusoro pevaranda vangu nepamusoro pevarandakadzi vangu, nemazuva iwayo ndichadurura zveMweya wangu, uye vachaporofita.19Zvino ndichaita zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa, nemoto, nemhute yeutsi.20Zuva richashandurwa kuva rima, nemwedzi kuva ropa, risati rasvika zuva raIshe guru uye rinobwinya;21zvino zvichava kuti ani nani unodana zita raIshe uchaponeswa.22Varume vaIsraeri, inzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu nemabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo Mwari zvaakaita pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunozivawo imwi mumene,23iye wakakumikidzwa nezano rakamiswa nekuziva zviri mberi kwaMwari, mukamutora, nemaoko evasina murairo mukaroverera pamuchinjikwa mukuuraya;24iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nekuti zvakange zvisingagoneki kuti abatwe narwo.25Nekuti Dhavhidhi wakataura maererano naye: Ndaiona Ishe pamberi pangu nguva dzose; nekuti uri kuruoko rwerudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.26Naizvozvo moyo wangu wakafara, nerurimi rwangu rwakafarisisa; uyezve nenyama yangu ichazorora mutariro.27Nekuti hamuzosii mweya wangu mugehena, kana kutendera Mutsvene wenyu kuti aone kuora.28Makandizivisa nzira dzeupenyu; muchandizadza nemufaro nechiso chenyu.29Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti zvose vakafa uye vakavigwa, guva ravo riri pakati pedu kusvikira zuva rino.30Naizvozvo ari muporofita, uye achiziva kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kuchibereko chechiuno chake panyama uchasimudza Kristu kuti agare pachigaro chake cheushe,31aona zviri mberi, wakareva zvekumuka kwaKristu, kuti mweya wake hauna kusiiwa mugehena, kana nyama yake kuona kuora.32Uyu Jesu Mwari wakamumutsa, zvatiri zvapupu zvazvo tose.33Naizvozvo asimudzirwa kuruoko rwerudyi rwaMwari, agamuchira kuna Baba chivimbiso cheMweya Mutsvene, wadurura izvi imwi zvamunoona nezvamunonzwa ikozvino.34Nekuti Dhavhidhi haana kukwira kumatenga, asi unoti amene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,35kusvikira ndichiita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.36Naizvozvo imba yose yaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti Mwari wakaita iyeyu Jesu wamakaroverera pamuchinjikwa imwi, zvose Ishe naKristu.37Zvino vakati vachinzwa izvi vakabayiwa pamoyo, ndokuti kuna Petro nekune vamwe vaapositori: Varume hama, tichaitei?38Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubhabhatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kangamwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.39Nekuti chivimbiso ndechenyu, nechevana venyu, nevose vari kure, uwandu Ishe Mwari wedu sehwevaanodana.40Uye nemamwe mashoko mazhinji, akapupura akakurudzira, achiti: Muzviponese pazera iri rakashonyoroka.41Zvino avo vakagamuchira nemufaro shoko rake vakabhabhatidzwa; uye nezuva iro vakawedzerwa mweya inenge zvuru zvitatu.42Vakarambira padzidziso yevaapositori nepakuwadzana, nepakumedura chingwa nepaminyengetero.43Uye kutya kukawira pamusoro pemweya woga woga; uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa nevaapositori.44Nevaitenda vose vaiva pamwe, uye vakava nezvinhu zvose panhu pamwe,45ndokutengesa zvavaiva nazvo nenhumbi, vakazvigovana vose, umwe neumwe paaishaiwa napo.46Zuva rimwe nerimwe vakange vachitsungirira mutembere nemoyo umwe, uye vaimedura chingwa paimba neimba, vachidya chikafu nemufaro nemoyo wakachena,47vachirumbidza Mwari, vachifarirwa nevanhu vose. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vanoponeswa.