Shona

Acts

3

1Zvino Petro naJohwani vakakwira pamwe kuenda kutembere paawa rekunyengetera repfumbamwe.2Zvino kwaitakurwa umwe murume waiva chirema kubva mudumbu ramai vake; wavaiisa zuva rimwe nerimwe pamusuwo wetembere unonzi Wakanaka, kuti akumbire chipo kune vaipinda mutembere.3Iye wakati achiona Petro naJohwani voda kupinda mutembere, akakumbira chipo.4Zvino Petro akamudzvokora anaJohwani, akati: Titarire!5Akavacherekedza, achitarisira kugamuchira chinhu kwavari.6Petro ndokuti: Sirivheri nendarama handina; asi icho chandinacho ndinokupa: Muzita raJesu Kristu muNazareta, simuka ufambe.7Akamubata ruoko rwerudyi akamusimudza; zvino pakarepo tsoka nezviziso zvetsoka dzake zvikasimbiswa.8Zvino akauruka akamira ndokufamba, ndokupinda navo mutembere, achifamba nekuuruka nekurumbidza Mwari.9Uye vanhu vose vakamuona achifamba, nekurumbidza Mwari.10Vakaziva kuti ndiye waigarira chipo pamukova Wakanaka wetembere; vakazadzwa nekushamisika nekukatyamara nezvakange zvaitika kwaari.11Zvino waikamhina wakange aporeswa achakabatira Petro naJohwani, vanhu vose vakamhanyira pamwe kwavari paberere rinonzi raSoromoni, vachishamisika zvikuru.12Zvino Petro wakati achizviona akapindura kuvanhu achiti: Varume vaIsraeri, mashamisika sei pamusoro pezvizvi, kana munotidzvokora sei, sezvinonzi nesimba kana utsvene hwedu pachedu taita uyu kuti afambe?13Mwari waAbhurahamu newaIsaka newaJakobho, Mwari wemadzibaba edu, wakudza Mwanakomana wake Jesu; wamakakumikidza imwi kuvatongi nekumuramba pamberi pechiso chaPirato, iye agura kumusunungura.14Asi imwi makaramba Mutsvene neWakarurama, mukakumbira murume mhondi kuti ipiwe kwamuri,15mukauraya Muvambi weupenyu; iye Mwari waakamutsa kuvakafa; zvatiri zvapupu zvazvo isu.16Uye nerutendo kuzita rake, uyu wamunoona uye wamunoziva, zita rake ramusimbisa; nerutendo rwuri nemaari rwamupa kuporeswa uku kwakazara pamberi penyu mose.17Uye ikozvino, hama, ndinoziva kuti makaita nekusaziva, sevatongi venyuwo.18Asi zvinhu izvo Mwari zvaakagara areva nemuromo wevaporofita vake vose, kuti Kristu uchatambudzika, wakazvizadzisa saizvozvi.19Naizvozvo tendeukai mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzekufefeterwa dzinobva pamberi pechiso chaIshe dzisvike,20uye uchatuma Jesu Kristu, wakagara aparidzirwa kwamuri;21wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvikira nguva dzekuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwari dzaakareva nemuromo wevaporofita vake vatsvene vose kubva panguva dzakare.22Nekuti Mozisi zvirokwazvo wakati kumadzibaba: Ishe Mwari wenyu uchakumutsirai muporofita pahama dzenyu, wakafanana neni; iye muchamuteerera pazvose zvaachataura kwamuri.23Uye zvichaitika, mweya umwe neumwe ucharega kuteerera muporofita uyo uchaparadzwa kubva pavanhu.24Uye nevaporofita vose kubva kuna Samueri nevakatevera, vose vakataura, vakagara vaparidzawo zvemazuva awa.25Imwi muri vana vevaporofita, nevesungano Mwari yaakaita nemadzibaba edu, achiti kuna Abhurahamu: Nemumbeu yako marudzi ose enyika acharopafadzwa.26Mwari amutsa Mwanakomana wake Jesu, wakamutuma kwamuri pakutanga kukuropafadzai, pakudzora umwe neumwe pazvakaipa zvake.