Shona

Acts

4

1Zvino vakati vachataura kuvanhu, vapristi nemutungamiriri wetembere nevaSadhusi vakavasvikira,2vachishungurudzika nekuti vanodzidzisa vanhu, nekuparidza kumuka kwevakafa munaJesu.3Zvino vakaisa maoko pavari ndokuisa mujere kusvikira mangwana; nekuti akange atova madekwani.4Asi vazhinji vevakanzwa shoko vakatenda; neuwandu hwevarume hwaiva zvuru zvinenge zvishanu.5Zvino zvakaitika kuchiidza kuti kwakaungana vakuru, nevatariri, nevanyori vavo paJerusarema,6naAnasi mupristi mukuru, naKayafasi, naJohwani, naArekizandira, nevose vaiva vehama dzemupristi mukuru.7Zvino vakati vavamisa pakati, vakabvunza vachiti: Izvi imwi mazviita nesimba ripi kana nezita ripi?8Ipapo Petro azedzwe neMweya Mutsvene wakati kwavari: Vatongi vevanhu, nevakuru vaIsraeri;9kana isu tichibvunzurudzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka kumunhu usina simba, kuti iye waponeswa nei,10ngazvizikamwe kwamuri mose, nekuvanhu vose veIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu muNazareta, wamakaroverera pamuchinjikwa imwi, Mwari waakamutsa kuvakafa, naye munhu uyu umire pano pamberi penyu apora.11Uyu ndiye ibwe rakazvidzwa nemwi vavaki, razova musoro wekona.12Uye hakuna ruponeso kune umwezve; nekuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu, ratinofanira kuponeswa naro.13Zvino vakati vachiona ushingi hwaPetro naJohwani, uye vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza uye vasina ruzivo, vakashamisika; ndokuvaziva kuti vaiva naJesu.14Asi vachiona munhu wakange aporeswa amire navo, vakashaiwa chavangapikisa.15Zvino vakati vavaraira kuti vabude kunze kwedare remakurukota, vakarangana voga,16vachiti: Tichaitei kuvanhu ava? Nekuti zviri pachena kune vose vagere Jerusarema kuti chiratidzo chinozikamwa chaitwa navo, uye hatigoni kuzviramba.17Asi kuti zvirege kunyanya kuparadzirwa pakati pevanhu, ngativayambirei zvikuru kuti varege kuchizotaura nemunhu upi neupi muzita iri.18Vakabva vavadana, vakavaraira kuti varege kutongotaura kana kudzidzisa muzita raJesu.19Asi Petro naJohwani vakapindura vakati kwavari: Gurai, kana zvakarurama pamberi paMwari, kuteerera imwi kupfuura Mwari.20Nekuti isu hatigoni kusataura, asi kutaura zvinhu zvatakaona nekunzwa.21Zvino vakati vawedzera kuvavhundudzira, vakavaregedza, vasingawani chinhu kuti vangavaranga sei nekuda kwevanhu; nekuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitika.22Nekuti munhu wakange apfuura makore makumi mana wakange aitirwa chiratidzo ichi cheurapi.23Vakati varegedzwa vakaenda kune vekwavo, vakanopira zvose vapristi vakuru nevakuru zvavakange vataura kwavari.24Zvino ivo vakati vanzwa vakasimudzira inzwi kuna Mwari nemoyo umwe, vakati: Tenzi, imwi Mwari makaita denga nenyika negungwa nezvose zviri mazviri;25makareva nemuromo waDhavhidhi, muranda wenyu muchiti: Nemhaka yei vahedheni vachiita bongozozo, nevanhu vachifunga zvisina maturo?26Madzimambo enyika akasimuka, nevatungamiriri vakaungana pamwechete kumirisana naIshe nekumirisana naKristu wake.27Nekuti zvirokwazvo vakaungana vakamirisana neMwanakomana wenyu mutsvene Jesu, wamakazodza, vose Herodhe naPondiyo Pirato pamwe nevahedheni, nevanhu vekwaIsraeri,28kuti vaite zvose ruoko rwenyu nezano renyu zvamakagara matema kuti zviitike.29Uye ikozvino Ishe, tarirai kuvhundudzira kwavo, mupe varanda venyu kuti vataure shoko renyu neushingi hwose,30pakuti mutandavadze ruoko rwenyu pakuporesa, nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita reMwanakomana wenyu mutsvene Jesu.31Zvino vakati vanyengetera nzvimbo yavakange vakaungana pairi yakazununguswa; zvino vakazadzwa vose neMweya Mutsvene, ndokutaura shoko raMwari neushingi.32Zvino chaunga chevaitenda chaiva nemoyo nemweya umwe; uye kwakange kusina umwe waiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake, asi vakaita zvinhu zvose zvavo vose.33Uye nesimba guru vaapositori vakapa uchapupu hwekumuka kuvakafa kwaIshe Jesu; nenyasha huru dzikava pamusoro pavo vose.34Nekuti pakange pasina umwe pakati pavo waishaiwa, nekuti vose vaiva vene veminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauisa mutengo wezvinhu zvakatengeswa,35vakaisa patsoka dzevaapositori; uye zvikagoverwa kune umwe neumwe zvichienderana nekushaiwa kwaaiva nako.36NaJose, wakatumidzwa nevaapositori Bhanabhasi, ndokuti Mwanakomana wenyaradzo, kana zvichishandurwa, muRevhi weSaipuresi parudzi,37ane munda, wakatengesa, akauisa mari akaisa patsoka dzevaapositori.