1Asi umwe murume wainzi Ananiasi, naSafira mukadzi wake, wakatengesa chavaiva nacho,2akazvisiira pamutengo, mukadzi wake achizivawo, akauya nechimwe chikamu, ndokuisa patsoka dzevaapositori.3Asi Petro wakati: Ananiasi, Satani wazadzirei moyo wako kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nekuzvisiira pamutengo wemunda?4Uchiripo hauna kuramba uri wako here, watengeswa wakange usi musimba rako here? Sei waisa mumoyo mako chiito ichi? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari.5Zvino Ananiasi achinzwa mashoko awa, wakawira pasi, akapera; kutya kukuru ndokuwira pamusoro pevose vakanzwa zvinhu izvi.6Nemajaya akasimuka akamuputira ndokutakurira kunze vakamuviga.7Zvino zvakaitika maawa anege matatu apfuura, kuti mukadzi wake asingazivi zvaitika wakapinda.8Petro ndokumupindura akati: Ndiudze kana matengesa munda nezvakadai? Ndokuti: Hongu, neyakadai.9Petro ndokuti kwaari: Sei matenderana kuidza Mweya waIshe? Tarira, tsoka dzevaviga murume wako pamukova, newe vachakutakurira kunze.10Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akapera; majaya akapinda akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, akaviga nechepamurume wake.11Kutya kukuru ndokuwira pamusoro pekereke yose nepamusoro pevose vakanzwa zvinhu izvi.12Uye nemaoko evaapositori kwakaitwa zviratidzo nezvishamiso zvizhinji pakati pevanhu; uye vose vaiva nemoyo umwe muberere raSoromoni.13Asi pavamwe kwakange kusina munhu wakashinga kuzvisanganisa kwavari; asi vanhu vaivakudza.14Uye vatendi vakanyanya kuwedzerwa kuna Ishe, zvaunga zvinoti zvevarume zvikati zvevakadzi.15Kusvikira vatakurira kunze varwere munzira dzemuguta, vakaradzika pamibhedha nepanhovo, kuti kana Petro achiuya, kunyange mumvuri udzikatire vamwe vavo.16Zvino kwakaunganawo chaunga chemaguta akapoteredza kuJerusarema, vachitakura varwere, nevaitambudzwa nemweya yetsvina, vakaporeswa vose.17Zvino mupristi mukuru akasimuka, nevose vaiva naye vari sangano revaSadhusi, vakazara negodo,18vakaisa maoko avo pavaapositori vakavaisa mutirongo revanhu vose.19Asi mutumwa waIshe neusiku wakazarura mikova yetirongo akavabudisa akati:20Endai, mugomira muchitaura mutembere kuvanhu ose mashoko eupenyu uhwu.21Zvino vakati vanzwa, vakapinda mutembere mangwanani-ngwanani vakadzidzisa. Asi mupristi mukuru wakasvika nevaiva naye, vakakokera dare remakurukota pamwe neungano yose yedare revakuru revana vaIsraeri, vakatumira mapurisa kutirongo kuti vauiswe.22Asi mapurisa akati achisvika, akasavawana mutirongo; akadzoka akapira,23achiti: Tirongo zvirokwazvo takawana rakavharwa nekuchengetedzwa kose, nevarindi vamire panze pamberi pemikova; asi tati tazarura, mukati hatina kuwana munhu.24Zvino mupristi nemutungamiriri wetembere nevapristi vakuru vakati vanzwa mashoko iwayo, vakakahadzika pamusoro pavo, kuti izvi zvichazovei.25Zvino kwakasvika umwe akavaudza achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutirongo vamire mutembere vachidzidzisa vanhu.26Zvino mutungamiriri wemauto nevatariri vakaenda vakauya navo kwete nesimba, nekuti vaitya vanhu kuti vasatakwa nemabwe.27Vakati vavauisa vakavamisa pamberi pedare remakurukota. Mupristi mukuru ndokuvabvunza,28achiti: Hatina kukurairisai kuti musadzidzisa nezita iri here? Zvino tarirai, mazadza Jerusarema nedzidziso yenyu, uye muchishuva kuuisa ropa remunhu uyu pamusoro pedu.29Zvino Petro nevaapositori vakapindura vakati: Zvakafanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.30Mwari wemadzibaba edu wakamutsa Jesu, iye wamakaponda imwi, mukaremberedza pamuti.31Iye uyo Mwari wakamusimudza neruoko rwake rwerudyi, ave Mutungamiriri neMuponesi, kupa Israeri kutendeuka nekangamwiro yezvivi.32Uye isu tiri zvapupu zvake zvezvinhu izvi, neMweya Mutsvenewo, Mwari waakapa avo vanomuteerera.33Zvino vakati vanzwa vakashatirwa kwazvo, vakarangana kuvaponda.34Ipapo kukasimuka umwe padare remakurukota, muFarisi wainzi Gamarieri, mudzidzisi wemurairo, waikudzwa nevanhu vose, akaraira kuti vaapositori vabudiswe chinguva chiduku.35Ndokuti kwavari: Varume vaIsraeri, zvichenjererei maererano nevanhu ava, zvamoda kuita.36Nekuti mazuva ano asati asvika kwakamuka Tudasi, achiti iye pachake wakange ari munhu, uwandu hwevanhu hunenge mazana mana vakazvisanganisa naye; iye wakaurawa, nevose vaimuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa, zvikava pasina.37Shure kweuyu kukamuka Judhasi muGarirea, pamazuva okuverengwa, akakwevera vanhu vazhinji shure kwake; iyewo wakaparara, nevose vakamuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa.38Zvino ikozvino ndinoti kwamuri: Sudurukai kuvanhu ava, muvarege, nekuti kana zano iri kana basa iri riri revanhu, richaparadzwa.39Asi kana zviri zvaMwari, hamugoni kuzviparadza; kuti zvimwe muwanikwe muchirwa naMwariwo.40Vakamuteerera; uye vakati vadanira vaapositori kwavari vakavarova, vakavaraira kusataura muzita raJesu, vakavaregedza.41Naizvozvo vakabva pazviso zvedare remakurukota, vachifara kuti vakafanirwa nekuzvidzwa nekuda kwezita rake.42Uye mazuva ose mutembere nepaimba imwe neimwe havana kumira kudzidzisa nekuparidza Kristu Jesu.