Shona

Acts

6

1Zvino nemazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, kwakamuka kunyunyuta kwemaHerenisiti* akanangana nevaHebheru, nekuti chirikadzi dzavo dzisingatariswi pakushandirwa kwemusi umwe neumwe.2Zvino vanegumi nevaviri vakadanira kwavari chaunga chevadzidzi, vakati: Hazvina kufanira kuti isu tisiye shoko raMwari, tishande pamatafura.3Naizvozvo, hama, tarirai pakati penyu varume vanomwe vanopupurwa zvakanaka, vazere neMweya Mutsvene nenjere, vatingagadza pabasa rakafanira iri.4Asi isu tichatsungirira pamunyengetero nepabasa reshoko.5Zvino shoko rikafadza pamberi pechaunga chose; uye vakasarudza Sitefano, murume azere nerutendo uye neMweya Mutsvene, naFiripi, naProkoro, naNikanori, naTimoni, naPamenasi, naNikorasi weAndiyokiya wakatendeukira kuvaJuda,6vavakagadza pamberi pevaapositori; uye vakati vanyengetera vakaisa maoko pamusoro pavo.7Zvino shoko raMwari rikakura, uye uwandu hwevadzidzi hukapamhidzira muJerusarema zvikurusa, nechaunga chikuru chevapristi vazhinji chakateerera rutendo.8Zvino Sitefano azere nerutendo nesimba wakaita zvishamiso nezviratidzo zvikuru pakati pevanhu.9Zvino kwakamuka vamwe vesinagoge rinonzi reVakasununguka, nevaKureni, nevaArekisandira, nereavo vaibva Kirikia neAsiya, vachikakavadzana naSitefano.10Asi vakange vasingagoni kupikisa uchenjeri neMweya waaitaura nawo.11Ipapo vakapa pfumbamuromo varume vaiti: Tamunzwa achitaura mashoko anonyomba akanangana naMozisi naMwari.12Zvino vakamutsa vanhu nevakuru nevanyori, vakamusvikira vakamubata vakamuuisa kudare remakurukota,13ndokuisapo zvapupu zvenhema zvakati: Munhu uyu haamiri kutaura mashoko anomhura pamusoro penzvimbo iyi tsvene nemurairo,14nekuti tamunzwa achiti uyu Jesu muNazareta uchaparadza nzvimbo iyi, uye uchashandura tsika Mozisi dzaakatikumikidza.15Zvino vose vakange vagere padare remakurukota vakamudzvokora, vakaona chiso chake sechainge chiso chemutumwa.