1Zvino mupristi mukuru akati: Zvinhu izvi zvakadai here?2Zvino akati: Varume, hama nemadzibaba, teererai. Mwari wekubwinya wakaonekwa kuna baba vedu Abhurahamu vari muMesopotamia, vasati vagara Harani,3akati kwavari: Buda munyika yako nekuhama dzako, uuye kunyika yandichakuratidza.4Zvino vakabuda munyika yevaKaradhia, vakagara muHarani; zvino kubva ipapo shure kwekufa kwababa vavo, wakavabvisira kunyika iyi yamunogara imwi ikozvino;5asi haana kuvapa nhaka mairi, kwete kunyange chitsiko chetsoka, asi wakavavimbisa kuvapa iyo ive yavo, neyembeu yavo shure kwavo, vasati vava nemwana.6Mwari ndokutaura seizvi, kuti mbeu yavo ichava vatorwa kunyika yeumweni, uye ichaiita nhapwa nekuibata zvakaipa makore mazana mana;7asi rudzi urwo rwavachava varanda kwarwuri ndicharwutonga ini, wakadaro Mwari; uye shure kweizvozvo vachabuda vagondishumira panzvimbo ino.8Zvino akavapa sungano yedzingiso, naizvozvo vakabereka Isaka, vakamudzingisa zuva rerusere; naIsaka Jakobho; naJakobho mateteguru gumi nemaviri.9Mateteguru akazadzwa negodo, vakatengesa Josefa kuEgipita; asi Mwari waiva naye.10Akamusunungura pamatambudziko ake ose, akamupa nyasha nenjere pamberi paFarao mambo weEgipita; ndokumuita mutungamiriri pamusoro peEgipita neimba yake yose.11Zvino kwakauya nzara panyika yose yeEgipita neKanani, nedambudziko guru; madzibaba edu akasawana chikafu.12Asi Jakobho wakati anzwa kuti kwaiva nezviyo kuEgipita, wakatuma madzibaba edu kwekutanga.13Zvino kwechipiri Josefa wakaziviswa kuvanakomana vababa vake; uye rudzi rwaJosefa rwukaziviswa kuna Farao.14Zvino Josefa akatumira akadana baba vake Jakobho nehama dzake dzose, vane mweya makumi manomwe nemishanu.15Zvino Jakobho akaburukira Egipita, ndokufa iye nemadzibaba edu;16uye vakatakurirwa Shekemi, vakaradzikwa paguva Abhurahamu raakange atenga nemutengo wesirivheri kuvanakomana vaEmori weShekemi.17Zvino nguva yechivimbiso yakati yaswedera Mwari chaakange apikira kuna Abhurahamu, vanhu vakakura, vakawanda muEgipita,18kusvikira umwe mambo amuka wakange asingazivi Josefa.19Ndiye wakabata rudzi rwedu nemanomano, akatambudza madzibaba edu, chivarasisa vacheche vavo kuti varege kurarama.20Munguva iyoyo Mozisi wakaberekwa, uye wakange akanaka kuna Mwari; ndokurerwa mumba mababa vake mwedzi mitatu.21Zvino wakati araswa, mukunda waFarao akamunonga, akazvirerera iye kuti ave mwanakomana.22Mozisi akadzidziswa muuchenjeri hwese hwevaEgipita; akava nesimba pamashoko nepamabasa.23Zvino makore makumi mana akati asvika kwaari, zvakasvika mumoyo make kushanyira hama dzake, vana vaIsraeri.24Zvino achiona umwe achiitirwa zvisakarurama, akamurwira ndokutsivira wakange achitambudzwa, akarova muEgipita;25zvino waifunga kuti hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari unovapa ruponeso neruoko rwake; asi havana kunzwisisa.26Zvino zuva raitevera wakazvionesa kwavari vachirwa, akavayananisa nesimba achiti: Varume, imwi muri hama; munoitiranirei zvisakarurama?27Zvino iye wakange achiitira umwe wake zvakaipa wakamusundidzira achiti: Ndiani wakuita mutungamiriri nemutongi pamusoro pedu?28Iwe unoda kundiuraya, sezvo wakauraya muEgipita zuro here?29Zvino neshoko iri Mozisi wakatiza, ndokuva mutorwa munyika yeMidhiani, kwaakabereka vanakomana vaviri.30Zvino makore makumi mana akati azadziswa, kwakaonekwa kwaari murenje regomo Sinai mutumwa waIshe mumurazvo wemoto wemugwenzi.31Mozisi wakati aona, akashamisika nechionekwa ichi; zvino paaiswedera kunocherekedza, inzwi raIshe rikasvika kwaari richiti:32Ndini Mwari wemadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. Zvino Mozisi akadedera akasashinga kucherekedza.33Zvino Ishe akati kwaari: Kurura shangu patsoka dzako, nekuti nzvimbo yaumire pairi ivhu dzvene.34Ndaonesesa dambudziko revanhu vangu vari muEgipita, ndikanzwa kugomera kwavo, zvino ndaburuka kuzovasunungura; ikozvino uya, ndichakutuma kuEgipita.35Uyu Mozisi wavakaramba vachiti: Ndiani wakakuita mutungamiri nemutongi? ndiye Mwari waakatuma kuva mutungamiriri nemudzukunuri neruoko rwemutumwa, wakaonekwa kwaari mugwenzi.36Iye akavabudisa, aita zvishamiso nezviratidzo munyika yeEgipita nemuGungwa Dzvuku, nemurenje makore makumi mana.37Ndiye uya Mozisi wakati kuvana vaIsraeri: Ishe Mwari wenyu uchakumutsirai Muporofita pahama dzenyu, wakafanana neni; muchamunzwa iye.38Uyu ndiye wakange ari mukereke murenje, ane mutumwa wakataura naye mugomo Sinai uye nemadzibaba edu; wakagamuchira mashoko mapenyu kuti atipe.39Ndiye madzibaba edu wavakange vasingadi kuteerera; asi vakamusundidzira parutivi, vakadzokera kuEgipita mumoyo yavo.40Vachiti kuna Aroni: Tiitire vamwari vachatitungamirira; nekuti Mozisi uyu wakatibudisa munyika yeEgipita, hatizivi zvamuwira.41Zvino vakaita mhuru mumazuva iwayo, vakauisa chibayiro kuchifananidzo, vakafara nemabasa emaoko avo.42Zvino Mwari akafuratira, akavakumikidza kuti vashumire hondo yekudenga, sezvakanyorwa mubhuku revaporofita, zvichinzi: Ko makauisa kwandiri here zvibairo nezvipo makore makumi mana murenje, imwi imba yaIsraeri?43Uye makatakura tende raMoroki, nenyeredzi yamwari wenyu Remifani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; uye ndichakutamisirai mberi kweBhabhironi.44Madzibaba edu aiva netende reuchapupu murenje, sekuraira kwaiye wakataura naMozisi kuti aiite nemufananidzo waakange aona;45yakatiwo madzibaba edu aitevera aigamuchira, akaipinza pamwe naJoshua munhumbi dzevahedheni, Mwari vaakadzinga pamberi pechiso chemadzibaba edu, kusvika kumazuva aDhavhidhi;46wakawana nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuwanira Mwari waJakobho tende.47Asi Soromoni wakamuvakira imba.48Asi Wekumusoro-soro haagari mutembere dzakaitwa nemaoko, sezvinoreva muporofita achiti:49Denga chigaro changu cheushe, nenyika chitsiko chetsoka dzangu; muchandivakira imba yakadini? ndizvo zvinoreva Ishe; kana nzvimbo yezororo rangu ndeipi?50Ruoko rwangu haruna kuita zvinhu izvi zvose here?51Imwi vemitsipa mikukutu uye vasina kudzingiswa pamoyo nenzeve, imwi munogara muchipikisa Mweya Mutsvene; semadzibaba enyu saizvozvo imwi.52Ndeupi wevaporofita madzibaba enyu wavasina kushusha? Vakaponda avo vaifanozivisa nezvekuuya kweWakarurama, iye ikozvino wamava vatengesi nevaurayi vake.53Imwi vakagamuchira murairo neurongwa hwevatumwa, asi mukasauchengeta.54Zvino vanzwa zvinhu izvi vakabayiwa pamoyo yavo, vakamugedera-gedera meno.55Asi iye azere neMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari,56akati: Tarirai, ndinoona matenga akazaruka, neMwanakomana wemunhu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari.57Zvino vakadanidzira nenzwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira paari nemoyo umwe;58vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka nemabwe; nezvapupu zvikaisa nguvo dzazvo patsoka dzejaya rainzi Sauro.59Zvino vakataka Sitefano nemabwe, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.60Zvino wakafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavaverengera chivi ichi. Zvino wakati areva izvi, akarara.