1Zvino Sauro wakange achitenderana nerufu rwake. Zvino pazuva iro kwamuka kushushwa kukuru kwakanangana nekereke yaiva paJerusarema; vose ndokuparadzirwa kunyika dzeJudhiya neSamaria, kunze kwevaapositori.2Varume vaitenda vakaviga Sitefano, vakamuchema zvikuru.3Asi Sauro wakaparadza kereke, achipinda muimba imwe neimwe, achikakata varume nevakadzi nekukumikidza mutirongo.4Naizvozvo avo vakange vaparadzirwa vakagura vachiparidza shoko.5Firipi ndokuburukira kuguta reSamaria, akaparidza Kristu kwavari.6Zvaunga ndokuteerera nemoyo umwe kuzvinhu zvinotaurwa naFiripi, vachinzwa nekuona zviratidzo zvaaiita.7Nekuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva vakabatwa, ichidanidzira nenzwi guru; nevazhinji vakange vakafa mitezo nevaikamhina vakaporeswa.8Zvino kwakava nemufaro mukuru muguta iro.9Zvino umwe murume, wainzi Simoni, waimboita un'anga paguta, achishamisa rudzi rweSamaria, achizviti munhu mukuru;10wavaiteerera vose kubva kumuduku kusvika kumukuru, vachiti: Uyu isimba guru raMwari.11Zvino vaimuteerera, nekuti wakange avashamisa neun'anga nguva refu.12Zvino vakati vatenda Firipi achiparidza mashoko akanaka nezveushe hwaMwari uye nezvezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa vose varume nevakadzi.13NaSimoniwo pachake wakatenda, zvino wakati abhabhatidzwa, wakagara naFiripi; akashamisika, achiona mabasa esimba nezviratidzo zvaiitwa.14Zvino vaapositori vaiva paJerusarema vakati vanzwa kuti Samaria yagamuchira shoko raMwari, vakatumira kwavari Petro naJohwani;15ivo vakati vaburukirako vakavanyengeterera, kuti vagamuchire Mweya Mutsvene;16nekuti wakange asati aburukira pamusoro peumwe wavo, asi vakange vabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu chete.17Ipapo vakaisa maoko pamusoro pavo, zvino vakagamuchira Mweya Mutsvene.18Zvino Simoni wakati aona kuti nekuiswa kwemaoko evaapositori Mweya Mutsvene waipiwa, akauisa mari kwavari,19achiti: Ndipei iniwo simba iri, kuti pana ani nani wandinoisa maoko pamusoro, agamuchire Mweya Mutsvene.20Asi Petro wakati kwaari: Sirivheri yako pamwe newe ngazvive zvekuparadzwa, nekuti wafunga kuti chipo chaMwari chingawanikwa nemari.21Hauna mugove kana nhaka pashoko iri. Nekuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari.22Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako uku, ukumbirise Mwari, kuti zvimwe murangariro wemwoyo wako uukangamwirwe.23Nekuti ndinoona kuti uri munduru inovava, uye musungo weuipi.24Zvino Simoni akapindura akati: Ndikumbirirei imwi kuna Ishe, kuti pasava nechimwe chezvinhu izvi zvamataura chingawira pamusoro pangu.25Naizvozvo vakati vapupura nekutaura shoko raIshe, vakadzokera kuJerusarema, uye vakaparidza evhangeri mumisha mizhinji yevaSamaria.26Zvino mutumwa waIshe wakataura kuna Firipi, achiti: Simuka, upfuurire kuchamhembe kunzira inoburuka kubva kuJerusarema ichienda kuGaza; iyo irenje.27Zvino wakasimuka akaenda; zvino tarira munhu weEtiopia, muchekwa, gurukota guru raKandase mambokadzi wevaEtiopia, waivona nezvefuma yake yose, uye wakange auya kuJerusarema kuzonamata,28wakange achidzokera uye agere mungoro yake, achiverenga muporofita Isaya.29Mweya ndokuti kuna Firipi: Swedera unamatire pangoro iyo.30Firipi ndokumhanyirako, akamunzwa achiverenga muporofita Isaya, ndokuti: Zvino unonzwisisa zvaunoverenga here?31Iye ndokuti: Zvino ndingagona sei, kunze kwekuti umwe munhu andirairira? Zvino akakumbira Firipi kuti akwire agare naye.32Zvino ndima yerugwaro yaaiverenga yaiva iyi: Wakatinhwa segwai rinoenda kunobayiwa; uye segwayana rinyerere pamberi pemuvevuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.33Mukuninipiswa kwake mutongo wake wakabviswa, zvino ndiani ucharondedzera zera rake? Nekuti upenyu hwake hunobviswa panyika.34Muchekwa ndokupindura Firipi akati: Ndinokukumbirisa, muporofita unoreva izvi maererano nani? Nezvake amene kana nezveumwewo?35Firipi ndokuzarura muromo wake; akatanga parugwaro irworwo, ndokumuparidzira Jesu.36Zvino pavaifamba munzira, vakasvika pane imwe mvura; muchekwa ndokuti: Heyi mvura; chii chinondidzivirira kubhabhatidzwa?37Firipi ndokuti: Kana uchitenda nemoyo wose, zvinotenderwa. Akapindura ndokuti: Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.38Zvino akaraira ngoro kuti imire; ndokuburukira mumvura vari vaviri, Firipi nemuchekwa; ndokumubhabhatidza.39Zvino vakati vakwira kubva mumvura, Mweya waIshe wakabvuta Firipi; muchekwa ndokusazomuonazve; nekuti wakafamba nenzira yake achifara.40Asi Firipi wakawanikwa paAzota; uye achipfuura wakaparidza evhangeri pamaguta ose, kusvikira asvika paKesariya.