1Zvino Sauro, achiri kufema kutyisa nekuponda akamirisana nevadzidzi vaIshe, wakaenda kumupristi mukuru,2akakumbira kwaari magwaro ekuenda Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana chero venzira iyi vose varume nevakadzi, avauise vakasungwa kuJerusarema.3Zvino pakufamba, wakaswedera kuDhamasiko; zvino kamwe-kamwe kwakapenya kwakamupoteredza chiedza kubva kudenga;4zvino wakawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unondishushirei?5Zvino akati: Ndimwi ani, Ishe? Ishe ndokuti: Ndini Jesu waunoshusha; zvinokuremera kukava zvibayo.6Achidederawo nekushamisika wakati: Ishe, chii chamunoda kuti ndiite? Ishe ndokuti kwaari: Simuka upinde muguta, zvino uchaudzwa zvaunofanira kuita.7Zvino varume vaifamba naye vakamira vasina remuromo, vachinzwa inzwi, asi vasingaoni munhu.8Zvino Sauro akasimuka kubva pasi; asi meso ake azarurwa, haana kuona munhu. Zvino vakamubata ruoko, vakamuuisa Dhamasiko.9Akava nemazuva matatu asingaoni, uye asingadyi kana kunwa.10Zvino pakange pane umwe mudzidzi paDhamasiko wainzi Ananiasi; Ishe ndokuti kwaari muchiratidzo: Ananiasi! Zvino akati: Tarirai ndiri pano Ishe.11Ishe ndokuti kwaari: Simuka uende munzira yemuguta inonzi Yakarurama, ugobvunza mumba maJudhasi munhu unonzi Sauro, weTaso; nekuti tarira unonyengetera,12uye waona muchiratidzo murume unonzi Ananiasi achipinda nekuisa ruoko paari, kuti aonezve.13Asi Ananiasi wakapindura akati: Ishe, ndakanzwa nevazhinji zvemurume uyu, zvakakura sei zvakaipa zvaakaitira vatsvene venyu paJerusarema;14uye pano une simba kubva kuvapristi vakuru, kusunga vose vanodana zita renyu.15Asi Ishe wakati kwaari: Enda, nekuti iye mudziyo wakasarudzwa kwandiri, kutakurira zita rangu pamberi pevahedheni nemadzimambo, nevana vaIsraeri;16nekuti ini ndichamuratidza kuti unofanira kutambura zvakadini nekuda kwezita rangu.17Zvino Ananiasi wakaenda ndokupinda mumba, ndokuisa maoko pamusoro pake akati: Sauro hama, Ishe wandituma, Jesu wakaonekwa kwauri munzira yawakauya nayo, kuti uonezve uye uzadzwe neMweya Mutsvene.18Zvino pakarepo kwakawa mumeso ake zvinenge mafunurwa, akaonazve pakarepo, uye asimuka wakabhabhatidzwa.19Zvino wakati agamuchira chikafu akawana simba. Sauro wakavawo nevadzidzi vaiva paDhamasiko mamwe mazuva.20Zvino pakarepo wakaparidza Kristu mumasinagoge, kuti iye Mwanakomana waMwari.21Asi vose vakazvinzwa vakashamisika ndokuti: Ko uyu haasi iye waiparadza avo vaidana zita iri muJerusarema here, uye akauyira izvozvo pano, kuti avatinhire vakasungwa kuvapristi vakuru?22Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akavhiringidza vaJudha vaigara paDhamasiko, achibudisa pachena kuti uyu ndiye Kristu.23Zvino mazuva mazhinji akati azadziswa, vaJudha vakarangana pamwechete kuti vamuuraye;24asi zano ravo rakazikamwa kuna Sauro. Vakarindawo masuwo masikati neusiku, kuti vamuuraye;25asi vadzidzi vakamutora usiku, vakamuburusa neparusvingo vachimuburusa ari mudengu.26Zvino Sauro wakati asvika kuJerusarema, akaidza kuzvibatanidza kuvadzidzi; asi vose vaimutya, vasingatendi kuti mudzidzi.27Asi Bhanabhasi wakamutora akamuuisa kuvaapositori, ndokurondedzera kwavari kuti wakaona Ishe sei munzira, uye kuti wakange ataura kwaari, uye kuti wakataura akashinga sei paDhamasiko muzita raJesu.28Zvino wakava navo achipinda nekubuda paJerusarema,29ndokutaura akashinga muzita raIshe Jesu, akataura achipikisa vaHerenisiti*; asi vakaidza kumuuraya.30Asi hama dzakati dzazviziva dzikamuburusira Kesariya, ndokumutumira kuTaso.31Naizvozvo kereke paJudhiya yose neGarirea neSamaria dzikava nerugare, dzikavakwa, dzikawedzerwa, dzichifamba mukutya Ishe nemunyaradzo yeMweya Mutsvene.32Zvino zvakaitika Petro achigiura nzvimbo dzose, akaburukirawo kuvatsvene vakange vagere paRidha.33Akawanapo umwe munhu wainzi Eneasi, wakange avete panhovo makore masere, akafa mitezo.34Petro ndokuti kwaari: Eneasi, Jesu Kristu unokuporesa; simuka, uzviwarurire. Zvino akasimuka pakarepo.35Zvino vose vakange vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe.36Zvino paivapo paJopa umwe mudzidzikadzi wainzi Tabhita, ndiko kuti Dhokasi kana zvichitsanangurwa; uyo wakange azere nemabasa akanaka nemabasa erudo aaiita.37Zvino zvakaitika mumazuva iwayo kuti iye akarwara ndokufa; vakati vamushambidza, vakamuradzika muimba yekumusoro.38Zvino Ridha zvarakange riri pedo neJopa, vadzidzi vakange vanzwa kuti Petro wakange aripo, vakatumira kwaari varume vaviri, vachikumbira zvikuru kuti asanonoka kuuya kwavari.39Zvino Petro wakasimuka akaenda navo; akati asvika vakamuisa kuimba yekumusoro, uye chirikadzi dzose dzikamirapo naye dzichichema dzichiratidza nguvo nezvipfeko Dhokasi zvaakange aita achiri navo.40Asi Petro wakavabudisira panze vose akafugama akanyengetera; ndokutendeukira kumutumbi, akati: Tabhita, muka! Akazarura meso ake; zvino wakati achiona Petro, akagara.41Zvino wakamutandavadzira ruoko, akamusimudza; ndokuti adana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo achirarama.42Zvino zvikazikamwa paJopa yose; vazhinji ndokutenda kuna Ishe.43Zvino zvikaitika kuti wakagara mazuva mazhinji paJopa neumwe Simoni musuki wematehwe.