Shona

Acts

10

1Kwakange kune umwewo murume muKesariya wainzi Koneriyo, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria,2wakazvipira uye unotya Mwari pamwe neimba yake yose, waiita mabasa erudo mazhinji kuvanhu, nekunyengetera kuna Mwari nguva yose;3akaona muchiratidzo pachena, neawa rinenge repfumbamwe rezuva, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari: Koneriyo!4Zvino wakati amutarisisa akatya, akati: Chii, Ishe? Zvino akati kwaari: Minyengetero yako nemabasa ako erudo zvakwira kuva chirangaridzo pamberi paMwari.5Zvino ikozvino tuma varume kuJopa, udane Simoni unonzi Petro;6unogara neumwe Simoni musuki wematehwe, imba yake iri pagungwa; iye uchakuudza zvaunofanira kuita.7Zvino mutumwa wakange ataura naKoneriyo wakati abva, wakadana vaviri vevaranda vake vemumba nemurwi wakatendeka pane vaimumirira nguva dzose,8zvino wakati arondedzera zvinhu zvose kwavari, akavatuma kuJopa.9Zvino chifume ivo vachiri kufamba voswedera muguta, Petro wakakwira pamusoro pedenga reimba kunonyengetera, neawa rinenge rechitanhatu.10Akava nenzara kwazvo, akashuva kudya; asi ivo vakati vachagadzirira chiyeverwa chikamuwira;11ndokuona denga rakazaruka, neumwe mudziyo uchichiburukira kwaari, semucheka mukuru, wakasungwa makona mana uchiburusirwa pasi.12Maiva nemhuka dzose dzemakumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.13Zvino inzwi rikauya kwaari richiti: Simuka, Petro, baya udye.14Asi Petro wakati: Aiwa kwete, Ishe; nekuti handina kutongodya chero chinhu chisakachena kana chine tsvina.15Zvino inzwi rikauyazve kwaari rwechipiri richiti: Mwari chaanatsa, iwe usati chakasviba.16Zvino izvi zvakaitwa kusvikira katatu; mudziyo ndokukwidzwazve kudenga.17Zvino Petro wakati achiri kukahadzika maari kuti chiratidzo chaakange aona chairevei, zvino tarira, varume vakange vatumwa kubva kuna Koneriyo, vabvunza imba yaSimoni, vakamira pasuwo,18vakadanidzira vachibvunza kana Simoni, unonzi Petro achigarapo.19Zvino Petro achafunga nezvechiratidzo, Mweya wakati kwaari: Tarira, varume vatatu vanokutsvaka.20Naizvozvo simuka uburuke, uende navo usingakahadziki chinhu; nekuti ndini ndavatuma.21Petro ndokuburukira kuvarume vakange vatumwa kwaari kubva kuna Koneriyo, akati: Tarirai, ndini wamunotsvaka; chikonzeroi chamauyira?22Zvino vakati: Koneriyo mukuru wezana, murume wakarurama neunotya Mwari, unopupurwa nerudzi rwose rwevaJudha, wakayambirwa naMwari nemutumwa mutsvene kuti akudanirei kumba kwake, uye kuti anzwe mashoko kwamuri.23Ipapo akavadanira mukati, akavagarisapo. Zvino chifume Petro wakabuda akaenda navo, nedzimwe dzehama dzaibva paJopa dzikamuperekedza.24Zvino chifume vapinda Kesariya. NaKoneriyo wakange akavamirira, uye akadanira pamwechete hama dzake neshamwari dzepedo.25Zvino zvakaitika kuti Petro apinde, Koneriyo akamuchingamidza, akawira patsoka dzake, akamunamata.26Asi Petro wakamusimudza, achiti: Simuka; ini pachangu ndiri munhuwo.27Zvino wakati achataura naye akapinda, akawana vazhinji vakaungana,28ndokuti kwavari: Imwi munoziva kuti hazvisi pamutemo kumurume ari muJudha kufambidzana kana kuuya kumunhu werumwe rudzi; asi Mwari wandiratidza kuti ndirege kuti munhu haana kunaka kana kuchena;29naizvozvowo ndauya ndisingapikisi zvandangodamwa. Naizvozvo ndinobvunza, kuti mandidanira chinangwai?30Koneriyo ndokuti: Mazuva mana apfuura kusvikira paawa rino ndakange ndichitsanya, neawa repfumbamwe ndakange ndichinyengetera mumba mangu; zvino tarira, murume wakamira pamberi pangu ane nguvo dzinopenya,31ndokuti: Koneriyo, munyengetero wako wanzwikwa, nemabasa ako erudo arangarirwa pamberi paMwari.32Tumira naizvozvo kuJopa, uye udane Simoni unonzi Petro; iye unogara mumba maSimoni musuki wematehwe pagungwa; iye kana auya uchataura newe.33Naizvozvo pakarepo ndatuma kwamuri; zvino imwi maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo ikozvino tose tiripo pano pamberi paMwari, kuti tinzwe zvinhu zvose zvamakarairwa naIshe.34Zvino Petro wakashamisa muromo, akati: Zvirokwazvo ndinonzwisisa kuti Mwari haasi mutarisi wezviso zvevanhu;35asi parudzi rupi nerupi uyo unomutya achiita kururama unogamuchirika kwaari.36Shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza rugare naJesu Kristu (iye ndiIshe wevose).37Imwi munoziva shoko rakaitika paJudhiya yose, kutanga paGarirea, shure kwerubhabhatidzo Johwani rwaakaparidza;38raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza sei neMweya Mutsvene nesimba, waipfuura, achiita zvakanaka uye achiporesa vose vakamanikidzwa nadhiabhorosi, nekuti Mwari waiva naye.39Nesu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita zvose munyika yevaJudha nemuJerusarema; iye wavakaponda, nekuremberedza pamuti.40Iye Mwari waakamutsa nezuva retatu, akamupa kuti aonekwe41kwete kuvanhu vose, asi kuzvapupu zvakagara zvasarudzwa naMwari, kwatiri taidya nekumwa naye, mushure mekunge amuka kuvakafa.42Zvino wakatiraira kuti tiparidze kuvanhu, nekupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuva mutongi wevapenyu nevakafa.43Vaporofita vose vanopupura nezvake, kuti nezita rake ani nani unotenda maari uchagamuchira kangamwiro yezvivi.44Petro wakati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akawira pamusoro pavo vose vakanzwa shoko.45Zvino vekudzingiswa vaitenda vakashamisika, vose vakange vauya naPetro, nekuti nepamusoro pevahedheni chipo cheMweya Mutsvene chakange chadururwa;46nekuti vakavanzwa vachitaura nendimi, vachikudza Mwari. Ipapo Petro akapindura akati:47Kune munhu unogona kurambidza mvura here, kuti ava vasabhabhatidzwa, vakagamuchira Mweya Mutsvene sesuwo?48Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raIshe. Ipapo vakamukumbira kuti agare mamwe mazuva.