1Zvino vaapositori nehama dzaiva paJudhiya vakanzwa kuti vahedheni vagamuchirawo shoko raMwari.2Zvino Petro wakati akwira kuJerusarema, vekudzingiswa vakapokana naye,3vachiti: Wakapinda muvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.4Asi Petro atanga wakavarondedzera zvichitevedzana achiti:5Ini ndakange ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, zvino muchiyeverwa ndakaona chiratidzo, umwe mudziyo wakaburuka, semucheka mukuru unoburuswa kubva kudenga nemakona mana, ndokusvika kwandiri;6wandakati ndatarisisa ndacherekedza, zvino ndakaona mhuka dzine makumbo mana dzenyika nezvikara nezvinokambaira neshiri dzedenga.7Zvino ndakanzwa inzwi richiti kwandiri: Simuka, Petro, baya udye.8Asi ndakati: Aiwa kwete Ishe; nekuti hakuna chisakachena kana chine tsvina chakatongopinda mumuromo mangu.9Asi inzwi rakandipindura rwechipiri richibva kudenga richiti: Mwari chaachenesa, iwe usati chakasviba.10Uye izvi zvakaitika kusvikira katatu, zvose ndokukweverwazve kumusoro kudenga.11Zvino tarira, pakarepo varume vatatu vamire pamberi pemba yandakange ndiri, vatumwa kwandiri kubva kuKesariya.12Mweya ndokuti kwandiri ndiende navo, ndisingakahadziki chinhu; nehama idzi nhanhatuwo dzakaenda neni, zvino takapinda mumba memurume uyu;13iye akatipira kuti wakaona sei mutumwa amire mumba make, achiti kwaari: Tumira varume kuJopa, ugodana Simoni, unonzi Petro,14uchakuudza mashoko, auchaponeswa nawo iwe nemhuri yako yose.15Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavo, sezvazvakaita pamusoro pedu pakutanga.16Zvino ndakarangarira shoko raIshe, kuti wakataura sei achiti: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene.17Naizvozvo kana Mwari avapa chipo chakafanana nechaakapa kwatiriwo, takatenda kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaiva ani waigona kudzivisa Mwari?18Zvino vakati vanzwa zvinhu izvozvi vakanyarara, vakarumbidza Mwari, vachiti: Naizvozvo Mwari wakapawo kuvahedheni kutendeukira kuupenyu.19Zvino avo vakapararira nekushushwa kwakaitika pamusoro paSitefano vakagura kusvikira paFenikia neSaipuresi neAndiyokia, vasingatauri shoko kuna ani asi kuvaJudha chete.20Asi kwaiva nevamwe vavo, varume vaSaipuresi nevaSairini vakati vasvika kuAndiyokiya, vakataura kuvaHerenisiti*, vachiparidza mashoko akanaka aIshe Jesu.21Neruoko rwaIshe rwaiva navo; uye uwandu ukuru hwakatenda hwukatendeukira kuna Ishe.22Zvino shoko pamusoro pavo rikanzwikwa munzveve dzekereke yaiva paJerusarema; zvino vakatuma Bhanabhasi kuti agure kunosvika Andiyokiya;23iye asvika ndokuona nyasha dzaMwari akafara, akavakurudzira vose kuti vanamatire Ishe nekuzvipira kwemoyo;24nekuti waiva murume wakanaka, uye azere neMweya Mutsvene uye nekutenda; chaunga chikuru ndokuwedzerwa kuna Ishe.25Bhanabhasi ndokubuda akaenda kuTaso kunotsvaka Sauro.26Zvino wakati amuwana akamuuisa kuAndiyokiya. Zvino zvikaitika kuti gore rose vakaungana mukereke vakadzidzisa chaunga chikuru; uye vadzidzi vakatanga kunzi vaKristu paAndiyokia.27Zvino nemazuva iwayo, vaporofita vakaburukira kuAndiyokia vachibva kuJerusarema.28Zvino kwakasimuka umwe wavo wainzi Agabhusi, ndokuratidza neMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; yakaitikawo panguva yaKiraudhio Kesari.29Uye vadzidzi vakazvipira kuti chero ani paaigona napo, umwe neumwe wavo atume zvinobatsira kuhama dzigere muJudhiya;30zvavakaitawo, vakatumira kuvakuru neruoko rwaBhanabhasi naSauro.