1Nenguva iyoyo Herodhe mambo wakatandavadza maoko kuti atambudze avo kubva mukereke.2Ndokuuraya Jakobho mukoma waJohwani nemunondo.3Zvino wakati achiona kuti zvinofadza vaJudha, wakapfuurira mberi akabata Petrowo; zvino aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso;4akati amubatawo akaisa mutirongo, akamukumikidza kumapoka mana evanhu vana emauto kuti vamurinde, achida kumuisa kuvanhu mushure mepasika.5Naizvozvo Petro wakachengetwa mutirongo; asi munyengetero waiitwa zvikuru nekereke kuna Mwari uchiitirwa iye.6Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petro wakange arere pakati pemauto maviri, akasungwa nemaketani maviri; nevarindi pamberi pemusuwo vakarinda tirongo.7Zvino tarira, mutumwa waIshe wakamira parutivi, chiedza ndokupenya muchitokisi; zvino akarova Petro parutivi, akamumutsa achiti: Simuka nekukurumidza. Zvino maketani ake akawa pamaoko ake.8Mutumwa ndokuti kwaari: Zvisunge chiuno, uye sunga manyatera ako. Ndokuita saizvozvo. Zvino akati kwaari: Monera nguvo yako, unditevere.9Zvino wakabuda akamutevera; uye asingazivi kuti ichokwadi chinoitwa nemutumwa, asi waifunga kuti unoona chiratidzo.10Zvino vakati vapfuura varindi vekutanga nevechipiri, vakasvika pasuwo reutare raipinda muguta; iro rakavazarukira roga; zvino vakabuda, vakapfuura nzira imwe yemumusha, pakarepo mutumwa ndokubva kwaari.11Zvino Petro, wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe watuma mutumwa wake, uye wandisunungura paruoko rwaHerodhe netarisiro yose yevanhu vevaJudha.12Zvino wakati arangarira akaenda kumba kwaMaria mai vaJohwani wainzi Mako, vazhinji pavakange vakaungana vachinyengetera.13Zvino Petro wakati agogodza pagonhi resuwo, murandakadzi wakauya kuzoteerera, wainzi Rodha.14Zvino wakati achiziva inzwi raPetro, haana kuzarura suwo nekuda kwemufaro, asi wakamhanyira mukati akavaudza kuti Petro umire pamberi pesuwo.15Asi vakati kwaari: Unopenga. Asi wakaramba achisimbisa kuti zvaiva zvakadaro. Ivo ndokuti: Mutumwa wake.16Asi Petro wakaramba achigogodza; zvino vakati vazarura vakamuona, vakashamisika.17Zvino wakavaninira neruoko kuti vanyarare, akavarondedzera kuti Ishe wakamubudisa sei mutirongo, akati: Pirai kuna Jakobho nekuhama zvinhu izvi. Zvino akabuda akaenda kune imwe nzvimbo.18Zvino kwakati kwaedza, bongozozo risati riri diki rikavapo pakati pemauto, kuti chii chakawira Petro.19Zvino Herodhe wakati amutsvaka akasamuwana, wakabvunzisisa varindi, akaraira kuti vabviswe. Zvino akabva Judhiya akaburukira Kesariya akagarako.20Zvino Herodhe wakatsamwira zvikuru veTire nevaSidhoni; asi vakauya kwaari nemoyo umwe, vakashamwaridzana naBhurasto mutariri weimba yekurara yamambo, vakakumbira rugare, nekuti nyika yavo yaipiwa chikafu nenyika yamambo.21Zvino nezuva rakatarwa Herodhe wakafuka nguvo dzeumambo, akagara pachigaro chekutonga, akaita nhaurwa kwavari.22Vanhu ndokudanidzira vachiti: Inzwi raMwari, uye kwete remunhu.23Zvino pakarepo mutumwa waIshe wakamurova, nekuti haana kupa Mwari rukudzo; ndokudyiwa nehonye, akapera.24Asi shoko raMwari rakakura rikawanda.25Zvino Bhanabhasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusarema, vapedzisa basa, vakaenda naJohwaniwo wainzi Mako.